Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Madzimambo 6

6
Erisha unopapamadza sanhu pamsoro pemʋura.
1Ɀino ʋanakomana ʋaʋaprofita ʋakati kunaErisha: Tarirai ɀino, apa patigere pamberi penyu pakamanikana, hapatiriŋgani. 2Titenderei henyu tiende kwaJoridani, mumŋe nomumŋe atore ɗanda’po, tiɀiʋakire’po patiŋgagara. Iye akapindura, akati: Endai henyu. 3Ɀino mumŋe akati: Tinokumbira kuti imi mutende kuenda ʋo naʋaranda ʋenyu. Akapindura, akati: Ndicaenda. 4Naiɀoɀo akaenda naʋo. Ʋakati ʋaȿika kwaJoridani, ʋakatema matanda. 5Asi mumŋe wakati acitema ɗanda, cese ndokuwira mumvura; akaɗanidzira, aciti: Haiwa! tenzi waŋgu! nokuti rakaŋga rakumbirwa. 6Munhu waMŋari akati: Yawirepiko? Akamuratidza payakaŋga yawira. Erisha akatema rutanda, akarukandira’ko, akapapamadza ɗare. 7Akati: Ciritora hako. Iye akatambanudza ruʋoko rwake, akaritora.
ƲaSiria ʋanopofumadzwa paSamaria.
8Ɀino mambo weSiria wakarwa naʋaIsraeri; akaraŋgana naʋaranda ʋake, akati: Matente aŋgu anofanira kudzikwa pokuti nopokuti. 9Ɀino munhu waMŋari ndokutuma shoko kunamambo waIsraeri, akati: Cenjerai, murege kupfuʋura nopokuti, nokuti ʋaSiria ʋoɓurukira ipapo. 10Ipapo mambo waIsraeri akatuma ʋanhu ikoko kwaakaʋudzwa nokunyeʋerwa nomunhu waMŋari, akaɀiŋgwarira’po asiŋgaɗaro kamŋe nakaʋiri ɓedzi. 11Naiɀoɀo mŋoyo wamambo weSiria ukadzianiswa kwaɀo pamsoro pecinhu ici; akaɗana ʋaranda ʋake, akati kwaʋari: Hamuŋgandiratidzi here, kuti ndianiko pakati patiri unonzwana namambo waIsraeri? 12Mumŋe waʋaranda ʋake akati: Kwete, ishe waŋgu mambo, asi Erisha muprofita, uri pakati paIsraeri, ndiye unoʋudza mambo waIsraeri mashoko amunotaura muimba yenyu yomukati. 13Akati: Endai mundotarira kwaari, nditume ʋanhu kuzomutora. Akaʋudzwa, ɀicinzi: Uri paDotani. 14Naiɀoɀo akatumira’ko mabiza, neŋgoro, nehondo huru; ʋakafamba ʋusiku, ʋakakomba guta. 15Ɀino muranda womunhu waMŋari wakati amuka maŋgwanani, akaɓuɗa, ndokuʋona hondo namabiza neŋgoro ɀakakomba guta. Muranda wake akati kwaari: Haiwa! tenzi waŋgu, ticaɗiniko? 16Iye akapindura, akati: Usatya hako, nokuti ʋari kwatiri ʋanopfuʋura ʋari kwaʋari pakuwanda. 17Ɀino Erisha akanyeŋgetera, akati: Jehova, ȿinudzai henyu meso ake, aʋone. Ipapo Jehova akaȿinudza meso ejaya, akaʋona gomo rizere namabiza, neŋgoro dzomŋoto ɀakaŋga ɀakakomba Erisha. 18Ɀino ʋakati ʋaciɓurukira kwaari, Erisha akanyeŋgetera kunaJehova, akati: Ƌoroʋai ʋanhu aʋa noʋupofu. Jehova akaʋaroʋa noʋupofu, seɀakaŋga ɀarebga naErisha. 19Erisha akati kwaʋari: Haizi iyo nzira, ʋuye guta iri harizi iro; nditeʋerei ini, ndikuisei kumunhu wamunotȿaka. Akaenda naʋo Samaria. 20Ʋakati ʋaȿika Samaria, Erisha akati: Jehova, ȿinudzai meso aʋanhu aʋa, ʋaʋone. Jehova akaȿinudza meso aʋo, ʋakaʋona kuti ʋaʋa mukati meSamaria. 21Ɀino mambo waIsraeri wakati aciʋaʋona, akati kunaErisha: Ƃaɓa ʋaŋgu, ndoʋaʋuraya here? Ndoʋaʋuraya here? 22Iye akapindura, akati: Usaʋaʋuraya; ko uŋgaʋuraya ʋawakatapa nomunondo wako noʋuta bgako here? Gadzika ciŋgwa nemvura pamberi paʋo, ʋadye, ʋanwe, ʋaende kunatenzi waʋo. 23Iye akaʋagadzirira ɀokudya ɀizhinji; ɀino ʋakati ʋadya nokunwa, akaʋaendisa, ʋakadzokera kunatenzi waʋo. Ɀino hondo dzaʋaSiria hadzina‐kuzopinda ɀe munyika yaIsraeri.
Beni‐hadadi unokomba Samaria, asi unokundwa.
24Shure kwaiɀoɀo, Beni‐hadadi mambo weSiria akaʋuŋganidza hondo yake yose, akandokomba Samaria. 25Nzara huru ikaʋa’po paSamaria; nokuti ʋakarikomba kuȿikira musoro wemboŋgoro uciteŋgeswa namashekeri esirveri anamakumi masere,#6:25 Mari ineŋge pondo gumi. necitswanda ciɗuku camatoto enjiʋa ciciteŋgeswa namashekeri esirveri mashanu.#6:25 Mari ineŋge cumi namashereni maʋiri. 26Ɀino mambo waIsraeri wakati acipfuʋura napamsoro poruȿiŋgo, mumŋe mukadzi akaɗanidzira kwaari, akati: Ndiɓatsirei ʋo ishe waŋgu mambo! 27Iye akati: Kana Jehova asiŋgakuɓatsiri, ini ndiŋgakuɓatsira neiko? Neɀinobva paɓuriro kana paciȿiniro cewaini kanhi? 28Mambo akati kwaari: Unoreʋeiko? Akapindura, akati: Mukadzi uyu wakati kwandiri: Ʋuya nomŋanakomana wako, timudye nhasi, maŋgwana tigodya mŋanakomana waŋgu. 29Naiɀoɀo takaɓika mŋanakomana waŋgu, tikamudya; fume maŋgwana ndikati kwaari: Ʋuya nomŋanakomana wako, timudye, iye ndokuʋanza mŋanakomana wake. 30Ipapo mambo wakati acinzwa mashoko omukadzi, akabvarura ŋguʋo dzake; (ɀino wakaŋga acipfuʋura naparuȿiŋgo;) ʋanhu ʋakatarira, ʋakaʋona kuti wakafuka magumbu mukati pamuʋiri wake. 31Ipapo akati: Mŋari ŋgaandiroʋe, arambe aciɗaro, kana musoro waErisha mŋanakomana waShafati ukaramba uri pamsoro pake nhasi. 32Asi Erisha wakaŋga agere mumba make, ʋakuru ʋagere ʋo naye; mambo akatuma munhu kuzomutuŋgamirira; asi nhume icigere kuȿika kwaari, akati kuʋakuru: Munoʋona here kuti mŋana uyu womuʋurayi watuma munhu kuzobvisa musoro waŋgu? Tarirai, kana nhume iciȿika, mupfige mukoʋa, mumutsigirire mukoʋa; kutsika kwetsoka dzatenzi wake hakunzwiki shure kwake here? 33Ɀino wakati acataurirana naʋo, nhume ikaɓurukira kwaari; iye akati: Tarirai, cakaipa ici cinobva kunaJehova; ndicamirireiko Jehova?

Zvasarudzwa nguva ino

II Madzimambo 6: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda