II Makoronike 15
15
1Ɀino Mŋeya waMŋari wakaʋuya pamsoro paAzaria mŋanakomana waOdedi; 2akaɓuɗa kundosoŋgana naAsa, akati kwaari: Nditererei imi, Asa naʋaJuda naʋaBenjamini mose; Jehova unemi, kana imi munaye; kana mukamutȿaka, ucawanikwa nemi; asi kana mukamurasha, iye ucakurashai ʋo. 3Ɀino ŋguʋa huru ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋasinaMŋari waɀokwaɗi, kana muprista unodzidzisa, kana murairo; 4asi ʋakati ʋacitendeʋukira kunaJehova Mŋari waIsraeri pakutambudzika kwaʋo, nokumutȿaka, iye akawanikwa naʋo. 5Ɀino neŋguʋa iyo waiɓuɗa nowaipinda ʋakaŋga ʋasinorugare, asi ʋanhu ʋose, ʋakaŋga ʋagere panyika idzo, ʋaiʋa pakutambudzika kukuru. 6Ʋaiparadzana, rumŋe rudzi ruciparadza rumŋe, rimŋe guta riciparadza rimŋe; nokuti Mŋari waiʋatambudza nenhamo dzose. 7Asi iʋai nesimba, maʋoko enyu ŋgaarege kushaiwa simba; nokuti ɓasa renyu ricapiwa muɓairo. 8Ɀino Asa wakati acinzwa mashoko awa, neɀakaprofitiwa nomuprofita Odedi, ndokutsuŋga mŋoyo, akabvisa ɀainyaŋgadza panyika yose yaJuda naBenjamini, napamaguta aakaŋga akunda panyika yamakomo yaEfraimi; akaʋandudza artari yaJehova, yakaŋga iri pamberi peɓiraʋira raJehova. 9Ipapo akaʋuŋganidza ʋaJuda, naʋaBenjamini ʋose, naʋatorwa ʋakaŋga ʋagere pakati paʋo ʋaibva kunaEfraimi, naManase, naSimeoni; nokuti ʋazhinji ʋaibva kunaIsraeri ʋakaʋuya kwaari, pakuʋona kwaʋo kuti Jehova Mŋari wake unaye. 10Naiɀoɀo ʋakaʋuŋgana paJerusarema nomŋedzi wecitatu, negore regumi namashanu rokuɓata ʋushe kwaAsa. 11Ʋakaɓayira Jehova zuʋa irero ɀimŋe ɀaʋakaŋga ʋapamba ʋakaʋuya naɀo, ɀaiti: Nzombe dzinamazana manomŋe, namakwai aneɀuru ɀinomŋe. 12Ʋakaɀisuŋga kutȿaka Jehova Mŋari wamadziɓaɓa aʋo nemŋoyo yaʋo yose ʋuye nemŋeya yaʋo yose; 13ʋuye kuti aninani usiŋgatȿaki Jehova Mŋari waIsraeri aʋurawe, kana ari muɗuku kana ari mukuru, kana mukadzi kana murume. 14Ʋakapika kunaJehova nenzwi guru, nokupururudza, nehwamanda ʋuye nemimanzu. 15ƲaJuda ʋose ʋakafara nokupika uku; nokuti ʋakaŋga ʋapika nemŋoyo yaʋo yose, nokumutȿaka nokuɗa kwaʋo kwose; iye akawanikwa naʋo; Jehova ndokuʋapa zororo kumatiʋi ose. 16Akabvisa ʋo Maaka mai ʋamambo Asa, paʋuhosi bgaʋo; nokuti wakaŋga aitira Ashera cifananidzo cinonyaŋgadza; Asa akaparadza cifananidzo cake, akacikuyakuya, ndokucipisa parukoʋa Kidroni. 17Asi matunhu akakwirira haana‐kubviswa pakati paIsraeri; kunyaŋge ɀakaɗaro mŋoyo waAsa wakaŋga wakarurama kwaɀo mazuʋa ake ose. 18Akaisa mumba maMŋari ɀinhu ɀakaŋga ɀatsaurirwa Mŋari naɓaɓa ʋake, neɀakaŋga ɀatsaurwa naiye amene, sirveri, nendarama, nemidziyo. 19Kurwa hakuna‐kuzoʋa’po kuȿikira pagore ramakumi matatu namashanu rokuɓata ʋushe kwaAsa.
Zvasarudzwa nguva ino
II Makoronike 15: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018