Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Makoronike 16

16
1Ɀino negore ramakumi matatu namatanhatu rokuɓata ʋushe kwaAsa, Baasha mambo waIsraeri akakwira kundorwa naJuda, akaʋaka Rama, kuti arege kutendera munhu kuɓuɗa kana kupinda kunaAsa mambo waJuda. 2Ipapo Asa akaɓuɗisa sirveri nendarama muɀiʋigiro ɀefuma yeimba yaJehova neimba yamambo, akatuma shoko kunaBeni‐hadadi mambo weSiria, wakaŋga agere Damasko, akati: 3Suŋgano iri’po pakati paŋgu nemi, seɀayakaʋa’po pakati paɓaɓa ʋaŋgu naɓaɓa ʋenyu; tarirai, ndinokutumirai sirveri nendarama; endai muputse suŋgano yenyu naBaasha mambo waIsraeri, abve kwandiri. 4Beni‐hadadi akaterera mambo Asa, akatuma ʋakuru ʋehondo dzake kundorwa namaguta aIsraeri, akakunda Ijoni, neDani, neAberi‐maimi, namaguta ose amatura aNaftari. 5Ɀino Baasha wakati aciɀinzwa, akarega kuʋaka Rama, akarega ɓasa rake. 6Ipapo mambo Asa akatora ʋaJuda ʋose; ʋakandobvisa mabge eRama, namatanda aro, ɀaakaŋga aʋaka naɀo iye Baasha, akaʋaka naɀo Geba neMizpa. 7Ɀino neŋguʋa iyo muʋoni Hanani akaȿika kunaAsa mambo waJuda, akati kwaari: Ɀawakaʋimba namambo weSiria, ukasaʋimba naJehova Mŋari wako, ɀino hondo yamambo weSiria yapukunyuka paruʋoko rwako. 8Ko ʋaEtiopia naʋaRubimi ʋakaŋga ʋasi hondo huru‐huru, ʋaneŋgoro naʋataȿi ʋamabiza ʋazhinji here? Kunyaŋge ɀakaɗaro, ɀawakaʋimba naJehova, iye wakaʋaisa muruʋoko rwako. 9Nokuti meso aJehova anotarira‐tarira kumatiʋi ose enyika yose, kuti aratidze simba rake kunaiye unomŋoyo wakarurama kwaɀo kwaari. Pacinhu ici waita seɓenzi; nokuti kubva ɀino ucaʋiŋgwa nokurwa. 10Ipapo Asa akatsamŋira muʋoni, akamuisa mutoroŋgo; nokuti wakaŋga amutsamŋira kwaɀo nokuɗa kwecinhu ici. Neŋguʋa iyo Asa akatambudza ʋo ʋamŋe ʋanhu. 11Ɀino tarirai, maɓasa aAsa, okutaŋga nookupedzisira, akanyorwa mubuku yamadzimambo aJuda naaIsraeri. 12Asi pagore ramakumi matatu namapfumbamŋe rokuɓata kwake ʋushe, Asa akazonzwa makumbo; ʋurwere bgake ʋukanyanya kwaɀo; kunyaŋge ɀakaɗaro, paʋurwere bgake haana‐kutȿaka Jehova, asi ŋaŋga. 13Asa akaʋata namadziɓaɓa ake, akafa negore ramakumi manna nerimŋe rokuɓata kwake ʋushe. 14Ʋakamuʋiga pamabgiro ake, aakaŋga aɀiʋezera muguta raDavidi, ʋakamuradzika panhoʋo dzizere neɀinonhuwira ɀamarudzi mazhinji, ɀakaŋga ɀagadzirwa naʋaiti ʋeɀinonhuwira ʋakaŋgwara; ʋakamupisira ɀizhinji‐zhinji.

Zvasarudzwa nguva ino

II Makoronike 16: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda