II Makoronike 17
17
Jehoshafati mambo waJuda.
1Ɀino Jehoshafati mŋanakomana wake akaɓata ʋushe pacigaro cake, akaɀisimbisa kundorwa naʋaIsraeri. 2Akaisa ʋarwi mumaguta ose akakombga aJuda, akaisa ʋo mapoka aʋarwi panyika yaJuda, napamaguta aEfraimi, akaŋga akundwa naAsa ɓaɓa ʋake. 3Jehova akaʋa naJehoshafati, nokuti wakafamba munzira dzokutaŋga dzaɓaɓa ʋake Davidi; haana‐kundobvunza ʋaBaari; 4asi wakabvunza Mŋari waɓaɓa ʋake, akafamba nemirairo yake, asiŋgateʋeri maɓasa aIsraeri. 5Saka Jehova wakasimbisa ʋushe paruʋoko rwake; ʋaJuda ʋose ʋakaʋigira Jehoshafati ɀipo, akaʋa nefuma nokukudzwa ɀizhinji. 6Mŋoyo wake ukashiŋgairira nzira dzaJehova; ʋuye wakabvisa ʋo matunhu akakwirira namatanda okunamata nawo pakati paJuda. 7Ʋuye pagore recitatu rokuɓata kwake ʋushe wakatuma macinda ake, ʋanaBeni‐hairi, naObadia, naZekaria, naNetaneri, naMikaya, kundodzidzisa mumaguta aJuda; 8ʋuye pamŋe cete naʋo ʋaRevi, ʋanaShemaya, naNetania, naZebadia, naAsaheri, naShemiramoti, naJehonatani, naAdonija, naTobija, naTobi‐adonija, ʋari ʋaRevi; ʋuye pamŋe cete naʋo Erishama naJehorami, ʋaprista. 9Ʋakandodzidzisa pakati paJuda, ʋanebuku yomurairo waJehova; ʋakafamba ʋacipota namaguta ose aJuda, ʋacidzidzisa pakati paʋanhu. 10Ʋushe bgose bgenyika dzose dzakaŋga dzakapoteredza Juda, ʋakavunduswa naJehova, ʋakasarwa naJehoshafati. 11Ʋamŋe ʋaFiristia ʋakaʋigira Jehoshafati ɀipo, nesirveri yomutero; ʋaArabia ʋo ʋakamuʋigira makwai, makondobge aneɀuru ɀinomŋe namazana manomŋe, nenhoŋgo dzembudzi dzineɀuru ɀinomŋe namazana manomŋe. 12Jehoshafati akazoʋa mukuru kwaɀo, akaʋaka pakati paJuda nhare namaguta amatura. 13Waiʋa namaɓasa mazhinji mumaguta aJuda, naʋarwi, ʋarume ʋanesimba noʋumhare paJerusarema. 14Ɀino ndiwo mazita aʋo nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo: Pakati paJuda, ʋakuru ʋeɀuru: Adna mukuru, ʋuye pamŋe cete naye ʋarume ʋanesimba noʋumhare ʋaneɀuru ɀinamazana matatu; 15teʋere Jehohanani mukuru, ʋuye pamŋe cete naye ʋarume ʋaneɀuru ɀinamazana maʋiri namakumi masere; 16teʋere Amasia mŋanakomana waZikri, wakaɀipa kunaJehova nomŋoyo wake wose; ʋuye pamŋe cete naye ʋarume ʋanesimba noʋumhare ʋaneɀuru ɀinamazana maʋiri; 17pakati paʋaBenjamini: Eriada munhu unesimba noʋumhare, ʋuye pamŋe cete naye ʋarume ʋaneɀuru ɀinamazana maʋiri ʋakaŋga ʋakaɓata ʋuta nenhoʋo; 18teʋere Jehozabadi, ʋuye pamŋe cete naye ʋarume ʋaneɀuru ɀinezana namakumi masere, ʋakaŋga ʋakaɀigadzirira kurwa. 19Ndiʋo ʋaiɓatira mambo, ʋamŋe ʋakaŋga ʋaiswa namambo mumaguta akakombga panyika yose yaJuda ʋasiŋgaʋereŋgwi.
Zvasarudzwa nguva ino
II Makoronike 17: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018