Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Makoronike 14

14
Asa mambo waJuda.
1Ɀino Abija wakaʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa muguta raDavidi; Asa mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe; pamazuʋa ake nyika yakaŋga inorugare makore anegumi. 2Asa akaita ɀakanaka neɀakarurama pamberi paJehova Mŋari wake. 3Nokuti wakabvisa artari dzaʋamŋari ʋatorwa, namatunhu akakwirira, akaputsa shoŋgwe, nokutema ʋo matanda okunamata nawo; 4akaraira ʋaJuda kuti ʋatȿake Jehova Mŋari wamadziɓaɓa aʋo, nokuceŋgeta murau nomurairo. 5Akabvisa ʋo pamaguta ose aʋaJuda matunhu akakwirira neɀifananidzo ɀezuʋa; ʋushe ʋukaʋa norugare iye ari mambo. 6Akaʋaka maguta akakombga paJuda; nokuti nyika yakaŋga inorugare, wakaŋga asina‐kurwa pamakore iwayo; nokuti Jehova wakaŋga amuzorodza. 7Nokuti wakati kuʋaJuda: Ŋgatiʋake maguta iwayo, tiapoteredze namaȿiŋgo, neshoŋgwe, namasuʋo, namazariro; nyika iciri pamberi peɗu, nokuti takatȿaka Jehova Mŋari weɗu; takamutȿaka, akatizorodza pamatiʋi ose. Ipapo ʋakaʋaka, ʋakagara ɀakanaka. 8Asa wakaŋga anehondo yaʋaJuda, ʋaneɀuru ɀinamazana matatu, ʋakaŋga ʋakashoŋga nhoʋo huru namapfumo; neyaʋaBenjamini ʋaneɀuru ɀinamazana maʋiri namakumi masere, ʋakaŋga ʋakashoŋga nhoʋo ʋaifura noʋuta; aʋa ʋose ʋaiʋa ʋarume ʋanesimba noʋumhare. 9Ɀino Zera muEtiopia wakaʋuya kuzorwa naʋo nehondo yaʋanhu ʋaneɀuru ɀeɀuru, neŋgoro dzinamazana matatu; akaȿika Maresha. 10Ipapo Asa akaɓuɗa kuzorwa naye, ʋakagadzira kuzorwa pamupata weZefata paMaresha. 11Asa akacema kunaJehova Mŋari wake, akati: Jehova hakuna‐uŋgaɓatsira usinesimba kurwa nounesimba, asi imi moga; tiɓatsirei Jehova Mŋari weɗu; nokuti tinoʋimba nemi, taȿika kuzorwa naʋazhinji aʋa nezita renyu. Imi Jehova, ndimi Mŋari weɗu; munhu ŋgaarege kukukundai imi. 12Ipapo Jehova akaparadza ʋaEtiopia pamberi paAsa, napamberi paʋaJuda, ʋaEtiopia ʋakatiza. 13Asa naʋanhu ʋaakaŋga anaʋo ʋakaʋateʋerera kuȿikira paGerari; ʋaEtiopia ʋakaʋurawa ʋazhinji, ʋakakoniwa kuzosimba ɀe; nokuti ʋakaparadzwa pamberi peJehova napamberi pehondo yake; ʋakaenda neɀizhinji kwaɀo ɀaʋakapamba. 14Ʋakaparadza maguta ose akapoteredza Gerari; nokuti ʋakavunduswa naJehova; ʋakapamba maguta ose, nokuti kwakaŋga kuneɀiŋgapambga ɀizhinji maari. 15Ʋakaparadza ʋo matente eɀipfuwo, ʋakatapa makwai mazhinji namakamera, ndokudzokera Jerusarema.

Zvasarudzwa nguva ino

II Makoronike 14: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda