II Makoronike 13
13
Abija mambo waJuda.
1Pagore regumi namasere ramambo Jeroboami, Abija wakataŋga kuɓata ʋushe bgaJuda. 2Akaɓata ʋushe paJerusarema makore matatu; zita ramai ʋake rakaŋga riri Mikaya, mukunda waUrieri weGibea. Kurwa kukaʋa’po pakati paAbija naJeroboami. 3Abija akarwa anehondo yaʋarwi dzaiʋa mhare, ʋarume ʋakatsaurwa ʋaneɀuru ɀinamazana manna; Jeroboami ʋo akagadzira hondo kuzorwa naye, anaʋarume ʋakatsaurwa ʋaneɀuru ɀinamazana masere, ʋaiʋa ʋarume ʋanesimba noʋumhare. 4Abija akamira pamsoro pegomo rainzi Zemaraimi, raiʋa panyika yamakomo yaEfraimi, akati: Ndinzwei, Jeroboami naʋaIsraeri ʋose: 5Ko hamufaniri kuziʋa here kuti Jehova Mŋari waIsraeri wakapa Davidi ʋushe bgaIsraeri nokusiŋgaperi, iye naʋanakomana ʋake nesuŋgano yomunyu? 6Asi Jeroboami mŋanakomana waNebati, muranda waSoromoni mŋanakomana waDavidi, wakasimuka akamukira ishe wake. 7Kukaʋuŋganira kwaari ʋanhu ʋakaipa, ʋakaiȿo‐ipa, ʋakaɀisimbisa kundorwa naRehoboami mŋanakomana waSoromoni, iye Rehoboami aciri muɗuku anomŋoyo unotya, asiŋgagoni kurwa naʋo. 8Ɀino munoɗa kurwa noʋushe bgaJehova ʋuri mumaʋoko aʋanakomana ʋaDavidi; ɀamuri ʋanhu ʋazhinji‐zhinji, munemhuru dzendarama dzakaitwa naJeroboami kuti ʋaʋe ʋamŋari ʋenyu. 9Hamuna‐kudziŋga here ʋaprista ʋaJehova, ʋanakomana ʋaAroni, naʋaRevi, imi mukaɀitsaurira ʋaprista netsika dzaʋanhu ʋedzimŋe nyika? Naiɀoɀo aninani unoʋuya kuɀitsaurira Mŋari anenzombe imŋe namakondobge manomŋe, iye uŋgaʋa muprista waʋamŋari ʋasati ʋari ʋamŋari. 10Asi kana tiri’su, Jehova ndiMŋari weɗu, hatina‐kumurasha; isu tinaʋaprista ʋanoshumira Jehova, iʋo ʋanakomana ʋaAroni, naʋaRevi pamaɓasa aʋo; 11ndiʋo ʋanopisira Jehova ɀipiriso ɀinopiswa neɀinonhuwira maŋgwanani ose namaɗekwana ose; neɀiŋgwa ɀokuratidza ʋanoɀigadzira patafura yakaiȿo‐naka; necigadziko cendarama nemŋenje yaco, kuvenekera maɗekwana ose; nokuti tinoceŋgeta ɀatakarairwa naJehova Mŋari weɗu; asi imi makamurasha. 12Ɀino tarirai, Mŋari unesu acitituŋgamirira, naʋaprista ʋake ʋanehwamanda dzokuridza nadzo, kuti ʋakuridzirei mhere imi. Nhandi ʋana ʋaIsraeri, regai kurwa naJehova Mŋari wamadziɓaɓa enyu; nokuti hamuŋgakundi. 13Asi Jeroboami wakaisa ʋaʋandiri kuti ʋaʋakombe neceshure kwaʋo; ɀino iʋo ʋakaʋa pamberi paJuda, naʋaʋandiri ʋakaŋga ʋari shure kwaʋo. 14Ɀino ʋaJuda ʋakati ʋaciceuka, ʋakaʋona kurwa mberi kwaʋo neshure kwaʋo; ʋakacema kunaJehova, ʋaprista ʋakaridza hwamanda. 15Ipapo ʋanhu ʋaJuda ʋakaridza mhere; ʋakati ʋaridza mhere, Mŋari akaparadza Jeroboami naʋaIsraeri ʋose pamberi paAbija naJuda. 16Ʋana ʋaIsraeri ʋakatiza pamberi paJuda, Mŋari akaʋaisa mumaʋoko aʋo. 17Abija naʋanhu ʋake ʋakaʋaʋuraya nokuʋuraya kukuru; naiɀoɀo ʋarume ʋakatsaurwa ʋaneɀuru ɀinamazana mashanu ʋakaʋurawa pakati paIsraeri. 18Ʋana ʋaIsraeri ʋakamanikidzwa saiɀoɀo neŋguʋa iyo, ʋana ʋaJuda ʋakakunda, nokuti ʋakaʋimba naJehova, Mŋari wamadziɓaɓa aʋo. 19Abija akateʋerera Jeroboami, akamutorera maguta, aiti: Beti‐eri nemisha yaro, neJeshana nemisha yaro, neEfroni nemisha yaro. 20Jeroboami haana‐kuzoʋa nesimba ɀe pamazuʋa aAbija; Jehova ndokumuroʋa, akafa. 21Asi Abija wakaɀisimbisa, akawana ʋakadzi ʋanegumi naʋanna, akaɓereka ʋanakomana ʋanamakumi maʋiri naʋaʋiri, naʋanasikana ʋanegumi naʋatanhatu. 22Ɀino mamŋe maɓasa aAbija, netsika dzake, namashoko ake, ɀakanyorwa paɗudziro yomuprofita Ido.
Zvasarudzwa nguva ino
II Makoronike 13: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018