II Makoronike 12
12
Mambo Shishaki unorwa naRehoboami.
1Ɀino ʋushe bgaRehoboami bgakati bgasimbiswa, iye aʋa nesimba, akarasha murairo waJehova, naʋaIsraeri ʋose pamŋe cete naye. 2Ɀino pagore recishanu ramambo Rehoboami, Shishaki mambo weEgipita akaȿika kuzorwa neJerusarema, nokuti ʋakaŋga ʋatadzira Jehova, 3aneŋgoro dzinecuru cimŋe namazana maʋiri, naʋataȿi ʋamabiza ʋaneɀuru ɀinamakumi matanhatu, naʋanhu ʋakabva naye Egipita, ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kuʋereŋgwa, ʋaiti: ʋaRubimi, naʋaSukimi, naʋaEtiopia. 4Akakunda maguta akakombga aJuda, akaȿika Jerusarema. 5Ɀino Shemaya muprofita akaȿika kunaRehoboami nokumacinda aJuda akaŋga akaʋuŋgana paJerusarema nemhaka yaShishaki, akati kwaʋari: Ɀanzi naJehova: Mandirasha, saka ndakakuregerai ʋo paruʋoko rwaShishaki. 6Ipapo macinda aIsraeri namambo ʋakaɀininipisa, ʋakati: Jehova wakarurama. 7Ɀino Jehova wakati aciʋona kuti ʋaɀininipisa, shoko raJehova rikaȿika kunaShemaya, riciti: Ʋaɀininipisa, handiŋgaʋaparadzi, asi ndobva ndoʋarwira; kutsamŋa kwaŋgu hakuŋgaɗururwi pamsoro peJerusarema noruʋoko rwaShishaki. 8Kunyaŋge ɀakaɗaro ʋacaʋa ʋaranda ʋake; kuti ʋaziʋe kuti ɀakaɗini kundishumira ini nokushumira ʋushe bgenyika dzimŋe. 9Naiɀoɀo Shishaki mambo weEgipita wakandorwa neJerusarema, akatora fuma yeimba yaJehova, nefuma yeimba yamambo; akaɀitora ɀose; akatora ʋo nhoʋo ɗuku dzose dzendarama dzakaitwa naSoromoni. 10Ipapo mambo Rehoboami akaita panɀimbo yaɀo nhoʋo ɗuku dzendarira, akadziisa pamaʋoko aʋakuru ʋaʋarindi, ʋairinda mukoʋa weimba yamambo. 11Ɀino ŋguʋa dzose kana mambo acipinda mumba maJehova, ʋarindi ʋaidziɓata, ndokudzidzosera ɀe mumba maʋarindi. 12Ɀino wakati aɀininipisa, kutsamŋa kwaJehova kukabviswa kwaari, akasaparadzwa cose; ʋuye ɀe, kunaJuda ɀimŋe ɀakanaka ɀakawanikwa. 13Nokuɗaro mambo Rehoboami wakaɀisimbisa paJerusarema, akaɓata ʋushe; nokuti Rehoboami wakaŋga anamakore makumi manna nerimŋe pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe, akaɓata ʋushe paJerusarema makore anegumi namanomŋe, iro guta rakaŋga ratsaurwa naJehova pamarudzi ose aIsraeri, kuti aise zita rake’mo; zita ramai ʋake rakaŋga riri Naama muAmoni. 14Akaita ɀakaipa, nokuti haana‐kushiŋgaira kutȿaka Jehova. 15Ɀino maɓasa aRehoboami, okutaŋga nookupedzisira, haana‐kunyorwa here mumashoko omuprofita Shemaya, noomuʋoni Ido, mazita amadziteteguru aciʋereŋgwa ʋo? Ɀino kurwa kwakaŋga kuri’po pakati paRehoboami naJeroboami ŋguʋa dzose. 16Rehoboami akaʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa muguta raDavidi; Abija mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
Zvasarudzwa nguva ino
II Makoronike 12: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
![None](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapi.com%2F58%2Fhttps%3A%2F%2Fweb-assets.youversion.com%2Fapp-icons%2Fsn.png&w=128&q=75)
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018