II Makoronike 11
11
1Ɀino Rehoboami wakati aciȿika Jerusarema, akaʋuŋganidza ʋeimba yaJuda naBenjamini, ʋarume ʋakatsaurwa ʋaiʋa neɀuru ɀinezana namakumi masere, ʋaigona kurwa, kuti ʋarwe naʋaIsraeri, kuti ʋadzosere ʋushe ɀe kunaRehoboami. 2Asi shoko raJehova rakaȿika kunaShemaya munhu waMŋari, riciti: 3Taura naRehoboami mŋanakomana waSoromoni, mambo waJuda, naʋaIsraeri ʋose paJuda naBenjamini, uti: 4Ɀanzi naJehova: Hamufaniri kukwira kundorwa nehama dzenyu; mumŋe nomumŋe ŋgaadzokere kumba kwake, nokuti cinhu ici cinobva kwandiri. Naiɀoɀo ʋakaterera mashoko aJehova, ʋakadzoka pakundorwa naJeroboami. 5Rehoboami akagara Jerusarema, akaʋaka maguta enhare paJuda. 6Akaʋaka Beti‐rehemi, neEtami, neTekoa, 7neBeti‐zuri, neSoko, neAdurami, 8neGati, neMaresha, neZifi, 9neAdoraimi, neRakishi, neAzeka, 10neZora, neAjaroni, neHebroni, akaŋga ari maguta akakombga paJuda neBenjamini. 11Akasimbisa nhare, akaisa’mo ʋakuru, neɀokudya ɀakaʋuŋganidzwa’mo, namafuta, newaini. 12Muguta rimŋe nerimŋe akaisa nhoʋo namapfumo, akaasimbisa kwaɀo kwaɀo. Juda naBenjamini ʋakaŋga ʋari ʋake. 13Naʋaprista naʋaRevi, ʋaiʋa pakati paIsraeri yose, ʋakaʋuŋgana kwaari, ʋacibva panyika yaʋo yose. 14Nokuti ʋaRevi ʋakabva pamafuro aʋo nefuma yaʋo, ʋakaenda kwaJuda neJerusarema; nokuti Jeroboami naʋanakomana ʋake ʋakaʋadziŋga, kuti ʋarege kuɓate‐ɓasa roʋuprista pamberi paJehova. 15Iye akaɀitsaurira ʋaprista ʋapamatunhu akakwirira, naʋeɀifananidzo ɀenhoŋgo dzembudzi, naʋemhuru dzaakaita. 16Ɀino ʋose pakati pamarudzi ose aʋaIsraeri, ʋakaŋga ʋacitȿaka Jehova nomŋoyo wose, ʋakaʋateʋera, ʋakaenda Jerusarema kuzoɓayira Jehova Mŋari wamadziɓaɓa aʋo. 17Saiɀoɀo ʋakasimbisa ʋushe bgaJuda, ʋakasimbisa Rehoboami mŋanakomana waSoromoni, makore matatu; nokuti ʋakafamba panzira yaDavidi naSoromoni makore matatu. 18Rehoboami akawana mukadzi, Maharati mukunda waJerimoti mŋanakomana waDavidi, nowaAbihairi mukunda waEriabi mŋanakomana waJese. 19Iye akamuɓerekera ʋanakomana, ʋaiti: Jeushi, naShamaria, naZahami. 20Pashure wakawana ʋo Maaka mukunda waAbsaromi; iye akamuɓerekera Abija, naAtai, naZiza, naSheromiti. 21Rehoboami akaɗa Maaka mukunda waAbsaromi kupfuʋura ʋakadzi ʋake ʋose naʋaroŋgo ʋake; (nokuti wakawana ʋakadzi ʋanegumi naʋasere naʋaroŋgo ʋanamakumi matanhatu, akaɓereka ʋanakomana ʋanamakumi maʋiri naʋasere naʋanasikana ʋanamakumi matanhatu.) 22Rehoboami akagadza Abija mŋanakomana waMaaka aʋe mukuru nomucinda pakati paʋana ʋaɓaɓa ʋake; nokuti wakaŋga aciɗa kumuita mambo. 23Akaita nokuŋgwara, akaparadzira ʋanakomana ʋake ʋose panyika dzose dzaJuda naBenjamini kumaguta ose enhare; akaʋapa ɀokudya ɀakawanda. Akaʋatȿakira ʋo ʋakadzi ʋazhinji.
Zvasarudzwa nguva ino
II Makoronike 11: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
![None](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapi.com%2F58%2Fhttps%3A%2F%2Fweb-assets.youversion.com%2Fapp-icons%2Fsn.png&w=128&q=75)
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018