Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Makoronike 10

10
Rehoboami mambo waJuda, Jeroboami mambo waIsraeri.
1Ɀino Rehoboami wakaenda Shekemi, nokuti ʋaIsraeri ʋose ʋakaŋga ʋaʋuŋgana paShekemi kuzomuita mambo. 2Ɀino Jeroboami mŋanakomana waNebati, wakati aciɀinzwa, (nokuti wakaŋga aciri Egipita kwaakaŋga atizira nokuɗa kwaSoromoni,) Jeroboami ndokudzoka acibva Egipita. 3Ʋakatuma nhume kundomuɗana; Jeroboami naʋaIsraeri ʋose ʋakaȿika ʋakataura naRehoboami, ʋakati: 4Ƃaɓa ʋenyu ʋakatitakudza joko rinogozha; naiɀoɀo ɀino imi cirerusai ɓasa raɓaɓa ʋenyu rakaŋga ricigozha, nejoko raʋo rinorema raʋakaisa pamsoro peɗu, tigokushumirai. 5Iye akati kwaʋari: Dzokerai ɀe kwandiri kana mazuʋa matatu apera. Ʋanhu ʋakaenda. 6Ipapo mambo Rehoboami akaraŋgana naʋakuru, ʋaimira pamberi paSoromoni ɓaɓa ʋake, ʋaciri ʋapenyu, akati: Muŋgandipa zano reiko, randiŋgapindura ʋanhu aʋa naro? 7Iʋo ʋakataura kwaari, ʋakati: Kana mukaitira ʋanhu aʋa nomŋoyo wakanaka, nokuʋafadza, nokutaura mashoko akanaka kwaʋari, ipapo ʋacaʋa ʋaranda ʋenyu nokusiŋgaperi. 8Asi iye wakaramba zano raʋakuru, raʋakamupa, akaraŋgana namajaya ezero rake, akaŋga acimira pamberi pake. 9Akati kwaʋari: Imi muŋgandipa zano reiko, ratiŋgapindura naro ʋanhu aʋa ʋakataura neni, ʋaciti: Rerusai joko rakaiswa pamsoro peɗu naɓaɓa ʋenyu? 10Ɀino majaya ezero rake akataura kwaari, akati: Iti kuʋanhu aʋa ʋakataura newe, ʋaciti: Ƃaɓa ʋenyu ʋakatitakudza joko rinogozha, asi imi citirerusirai iro, utaure kwaʋari uti: Munwe waŋgu muɗuku mukobvu kupfuʋura ciʋuno caɓaɓa ʋaŋgu. 11Ɀino, ɓaɓa ʋaŋgu ɀaʋakakutakudzai joko rinorema, ini ndicawedzera pajoko renyu; ɓaɓa ʋaŋgu ʋaikuroʋai neshamhu, asi ini ndicakuroʋai neɀinyaʋaɗa. 12Naiɀoɀo Jeroboami naʋanhu ʋose ʋakaȿika kunaRehoboami nezuʋa retatu, seɀaʋakaŋga ʋarairwa namambo, aciti: Dzokerai kwandiri ɀe nezuʋa retatu. 13Mambo akaʋapindura nehasha; mambo Rehoboami akarasha zano raʋakuru, 14akataura kwaʋari seɀaakaŋga apiwa zano namajaya, akati: Ƃaɓa ʋaŋgu ʋakakutakudzai joko rinorema, asi ini ndicawedzera pajoko renyu; ɓaɓa ʋaŋgu ʋaikuroʋai neshamhu, asi ini ndicakuroʋai neɀinyaʋaɗa. 15Naiɀoɀo mambo haana‐kuterera ʋanhu; nokuti ɀakaŋga ɀabva kunaMŋari, kuti Jehova asimbise shoko rake, raakataura naAhija muShiro kunaJeroboami mŋanakomana waNebati. 16Ɀino ʋaIsraeri ʋose ʋakati ʋaciʋona kuti mambo haana‐kuʋaterera, ʋanhu ʋakapindura mambo, ʋakati: Tinomugoʋe weiko kunaDavidi? Ʋuye hatinenhaka kumŋanakomana weJese; endai henyu munhu mumŋe nomumŋe kutente rake, imi Israeri! Ɀino Davidi, citarira hako imba yako. Naiɀoɀo ʋaIsraeri ʋose ʋakaenda kumatente aʋo. 17Asi kana ʋari ʋana ʋaIsraeri, ʋakaŋga ʋagere mumaguta aJuda, Rehoboami waiʋa mambo waʋo. 18Ɀino mambo Rehoboami akatuma Hadorami mutariri waʋanhu ʋecibaro, ʋana ʋaIsraeri ʋakamutaka namabge, akafa. Ipapo mambo Rehoboami akacimbidzika kukwira ŋgoro yake, akatizira Jerusarema. 19Saiɀoɀo ʋaIsraeri ʋakamukira imba yaDavidi kuȿikira zuʋa ranhasi.

Zvasarudzwa nguva ino

II Makoronike 10: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda