Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Samueri 12

12
Samueri unoraira ʋanhu kuteʋera Jehova.
1Ɀino Samueri akati kuʋaIsraeri ʋose: Tarirai, ndakaterera manzwi enyu paɀinhu ɀose ɀamakataura kwandiri, ndikakugadzirai mambo. 2Ɀino tarirai, mambo wenyu unofamba pamberi penyu; ini ndakwegura, ndacena vudzi; tarirai, ʋanakomana ʋaŋgu ʋari pakati penyu; ini ndakafamba pamberi penyu kubva paʋuɗuku bgaŋgu kuȿikira nhasi. 3Ndiri pano; cindipupurirai pamberi paJehova napamberi pomuzodzwa wake: Ndianiko wandakatorera nzombe yake? Ndianiko wandakatorera mboŋgoro yake? Ndianiko wandakanyeŋgera? Ndianiko wandakatambudza? Ndianiko wandakagamucira fufuro kwaari, kuti ndipofumadze meso aŋgu naɀo? Ndiziʋe, kuti ndikudzoserei iɀoɀo. 4Iʋo ʋakati: Hamuna‐kutinyeŋgera, kana kutitambudza; hamuna‐kugamucira cinhu kumunhu upi noupi. 5Akati kwaʋari: Jehova unokupupurirai, naiye muzodzwa wake unopupura nhasi, kuti hamuna‐kuwana mhoȿa kwandiri. Ʋakati: Ndiye capupu. 6Ɀino Samueri akati kuʋanhu: Jehova ndiye wakaŋga agadza Mosesi naAroni, nokuɓuɗisa madziɓaɓa enyu panyika yeEgipita. 7Naiɀoɀo ɀino cirambai mumire, kuti nditaurirane nemi pamberi paJehova pamsoro peɀose ɀakarurama ɀamakaitirwa naJehova, imi namadziɓaɓa enyu. 8Ŋguʋa yakaenda Jakobo Egipita, madziɓaɓa enyu akacema kunaJehova, Jehova akatuma Mosesi naAroni, ʋakaɓuɗisa madziɓaɓa enyu Egipita, ʋakaʋagarisa pano. 9Asi ʋakakaŋganwa Jehova Mŋari waʋo, iye akaʋateŋgesa kunaSisera, mukuru wehondo yaHazori, nokunaʋaFiristia, nokunamambo waʋaMoabi, ʋakarwa naʋo. 10Ipapo ʋakacema kunaJehova, ʋakati: Takatadza, nokuti takasiya Jehova, tikashumira ʋaBaari neAshtaroti; asi ɀino tirwirei henyu pamaʋoko aʋaʋeŋgi ʋeɗu, tikushumirei. 11Ipapo Jehova akatuma Jerubaari, naBedani, naJefta, naSamueri, akakurwirai pamaʋoko aʋaʋeŋgi ʋenyu kunhiʋi dzose, mukagara ɀakanaka. 12Ɀino makati moʋona Nahashi, mambo waʋana ʋaAmoni, aciʋuya kuzorwa nemi, mukati kwandiri: Kwete, tinofanira kuɓatwa nesu ʋo namambo, kunyaŋge Jehova Mŋari wenyu wakaŋga ari mambo wenyu. 13Naiɀoɀo ɀino, hoyo mambo wamakatsaura, wamakakumbira; tarirai Jehova wakakugadzirai mambo. 14Kana mukatya Jehova, mukamushumira, mukaterera inzwi rake, mukasaramba murairo waJehova, mukateʋera Jehova Mŋari wenyu, imi naiye mambo unokuɓatai, mucafara henyu; 15asi kana musiŋgatereri inzwi raJehova, mukaramba murairo waJehova, ruʋoko rwaJehova rucarwa nemi, seɀarwakarwa namadziɓaɓa enyu. 16Naiɀoɀo ɀino rambai mumire, muʋone cinhu ici cikuru cicaitwa naJehova pamberi pameso enyu. 17Hakuzi kucekwa kweɀiyo nhasi here? Ndicaɗana kunaJehova, kuti atume kutinhira nemvura, imi muziʋe muʋone kuti makatadza kwaɀo pamberi paJehova, ɀamakaɀikumbirira mambo. 18Naiɀoɀo Samueri akaɗana kunaJehova, Jehova akatuma kutinhira nemvura nomusi iwoyo; ʋanhu ʋose ʋakatya Jehova naSamueri kwaɀo. 19Ipapo ʋanhu ʋose ʋakati kunaSamueri: nyeŋgetererai henyu ʋaranda ʋenyu kunaJehova Mŋari wenyu, tirege kufa, nokuti takawedzera paɀiʋi ɀeɗu ɀose cinhu ici cakaipa, kuti takaɀikumbirira mambo. 20Samueri akati kuʋanhu: Musatya henyu; makaita henyu ɀakaipa iɀi ɀose, asi regai kutsauka pakuteʋera Jehova, asi shumirai Jehova nemŋoyo yenyu yose; 21musatsauka, nokuti kana mukaɗaro, mucateʋera ɀinhu ɀisinamaturo, ɀisiŋgaɓatsiri kana kurwira, nokuti haɀinamaturo. 22Nokuti Jehova haaŋgasiyi ʋanhu ʋake nokuɗa kwezita rake guru, nokuti Jehova wakafara naɀo kukuitai imi ʋanhu ʋake. 23Kana ndirini, Mŋari ŋgaandiɓatsire ndirege kutadzira Jehova pakurega kukunyeŋgetererai imi, asi ndicakudzidzisai nzira yakanaka yakarurama. 24Asi ityai Jehova, mumushumire neɀokwaɗi nemŋoyo yenyu yose, nokuti raŋgarirai ɀinhu ɀikuru ɀaakakuitirai. 25Asi kana mukaramba muciita ɀakaipa, mucaparadzwa, imi namambo wenyu.

Zvasarudzwa nguva ino

I Samueri 12: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda