Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Samueri 13

13
Kusaterera kwaSauro.
1Sauro wakaŋga anamakore anamakumi matatu pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe, akaɓata ʋaIsraeri makore maʋiri. 2Sauro akaɀitsaurira ʋarume ʋaIsraeri ʋaneɀuru ɀitatu; ɀuru ɀiʋiri ɀaʋo ɀaigara kunaSauro paMikmashi pagomo reBeti‐eri, necuru cimŋe caigara naJonatani paGibea kwaBenjamini; ʋamŋe ʋanhu ʋose akaʋadzosera, mumŋe nomumŋe kutente rake. 3Jonatani akaparadza ɓoka raʋarwi ʋaʋaFiristia ʋaigara Geba; ʋaFiristia ʋakaɀinzwa. Ɀino Sauro akaridza hwamanda panyika yose, akati: ƲaHeberu ŋgaʋanzwe. 4ƲaIsraeri ʋose ʋakanzwa kuti Sauro waparadza ɓoka raʋarwi ʋaʋaFiristia, ʋuye kuti ʋaIsraeri ʋoʋeŋgwa naʋaFiristia. Ʋanhu ʋose ʋakaʋuŋganidzwa kuti ʋaende Girgari naSauro.
5Ɀino ʋaFiristia ʋakaʋuŋgana kuzorwa naʋaIsraeri, ʋaneŋgoro dzineɀuru ɀinamakumi matatu, naʋataȿi ʋaneɀuru ɀitanhatu, naʋanhu ʋakaŋga ʋakafanana nejeca reguŋgwa pakuwanda kwaʋo; ʋakakwira ʋakandodzika matente aʋo paMikmashi, kumabvazuʋa kweBeti‐aveni. 6Ɀino ʋarume ʋaIsraeri ʋakati ʋaciʋona kuti ʋaʋa panjodzi (nokuti ʋanhu ʋakaŋga ʋomanikidzwa), ʋanhu ʋakaʋanda mumapako, nomumatenhere, napakati pamatombo, nomunhare, nomumakomba. 7Ʋuye ʋamŋe ʋaʋaHeberu ʋakaŋga ʋayambuka Joridani kunyika yaGadi neyaGireadi; asi Sauro wakaŋga aciri Girgari, ʋanhu ʋose ʋakamuteʋera ʋacibvunda.
8Akamira mazuʋa manomŋe akaŋga atarwa naSamueri; asi Samueri haanakuȿika paGirgari, ʋanhu ʋakataŋga kupararira ʋacimusiya. 9Ɀino Sauro akati: Ʋuyai kwandiri necipiriso cinopiswa neɀipiriso ɀokuyananisa. Akapisa cipiriso cinopiswa. 10Ɀino wakati acaŋgopedza kupisa cipiriso cinopiswa, Samueri akaȿika; Sauro akaɓuɗa kundosoŋgana naye, kuti amukwazise. 11Samueri akati: Waiteiko? Sauro akati: Ndakaʋona kuti ʋanhu ʋopararira, ʋacindisiya, ʋuye kuti imi hamunakuȿika namazuʋa akaŋga atarwa, ʋuye kuti ʋaFiristia ʋakaŋga ʋaʋuŋgana paMikmashi, 12saka ndikati: Ɀino ʋaFiristia ʋacaɓuruka kuzondiʋamba paGirgari ini ndicigere kukumbira Jehova kundiɓatsira; naiɀoɀo ndakaɀigombedzera ndikapisira cipiriso cinopiswa, ndisiŋgaɗi haŋgu. 13Samueri akati kunaSauro: Waita seɓenzi; hauna‐kuceŋgeta murairo waJehova Mŋari wako, waakaŋga akuraira; nokuti ɀino Jehova wakaŋga aciɗa kusimbisa ʋushe bgako pakati paʋaIsraeri nokusiŋgaperi. 14Asi ɀino ʋushe bgako habguŋgagari; Jehova wakaɀitȿakira munhu unofadza mŋoyo wake, Jehova akamugadza aʋe mutuŋgamiriri waʋanhu ʋake, nokuti iwe hauna‐kuceŋgeta ɀawakaŋga warairwa naJehova.
15Samueri akasimuka, akabva Girgari, akaenda Gibea kwaBenjamini. Sauro akaʋereŋga ʋanhu ʋaakaŋga anaʋo, ʋakaȿika ʋarume ʋaneŋge mazana matanhatu. 16Sauro naJonatani mŋanakomana wake, naʋanhu ʋaʋakaŋga ʋanaʋo, ʋakagara paGeba kwaBenjamini; asi ʋaFiristia ʋakaŋga ʋaʋaka misasa yaʋo paMikmashi. 17Ɀino ʋaparadzi ʋakaɓuɗa kumisasa yaʋaFiristia, ʋakaita mapoka matatu; ɓoka rimŋe rakaɓuɗa nenzira inoenda Ofra kunyika yaShuari, 18rimŋe ɓoka rikaɓuɗa nenzira inoenda Beti‐horoni; nerimŋe ɓoka rikaɓuɗa nenzira yakaenda kumuganho unotarira kumupata weZeboimi, kurutiʋi rwerenje.
19Ɀino kwakaŋga kusinomupfuri munyika yose yaIsraeri, nokuti ʋaFiristia ʋakati: ƲaHeberu ŋgaʋarege kuɀipfurira minondo namapfumo. 20Asi ʋaIsraeri ʋose ʋaifanira kuɓurukira kuʋaFiristia, mumŋe nomumŋe kana aciɗa kurodzerwa muromo wegeja rake, neɓadza rake, nesanhu rake, nembezo yake; 21ŋguʋa imŋe neimŋe kana mbezo dzaʋo, namapadza aʋo, neforogo dzaʋo, namasanhu aʋo ɀokomara; ʋuye kugadzirirwa ɀokuɓaya ŋombe naɀo. 22Naiɀoɀo paŋguʋa yokurwa kwakaŋga kusinomunondo, kana pfumo muruʋoko rwomunhu mumŋe waʋanhu ʋakaŋga ʋanaSauro naJonatani; asi Sauro naJonatani mŋanakomana wake ʋakaŋga ʋanaɀo. 23Ɀino ɓoka raʋarwi ʋaʋaFiristia rakaɓuɗa kumupata weMikmashi.

Zvasarudzwa nguva ino

I Samueri 13: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda