Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Samueri 11

11
Sauro unokunda ʋaAmoni.
1Ɀino Nahashi muAmoni wakakwira akaʋaka misasa yake paJabeshi‐gireadi kuzorwa naro; ɀino ʋarume ʋose ʋeJabeshi ʋakati kunaNahashi: Itai suŋgano nesu, tikushumirei. 2Nahashi muAmoni akati kwaʋari: Ndicatenda kuita suŋgano nemi kana meso enyu ose orudyi acitumburwa, kuti ndinyadze ʋaIsraeri ʋose naɀo. 3Ʋakuru ʋeJabeshi ʋakati kwaari: Titenderei mazuʋa manomŋe, titume nhume kunyika yose yaIsraeri; ɀino kana pasina‐uŋgatiponesa, ticaɓuɗa kwauri. 4Ɀino nhume dzikaȿika paGibea, kwaSauro, dzikataura mashoko iwayo kuʋanhu; ʋanhu ʋose ʋakacema kwaɀo. 5Ɀino Sauro wakabva kumunda acitinha ŋombe dzake; Sauro akati: Ʋanhu ʋanonzweiko ɀaʋanocema kuɗai? Akaʋudzwa mashoko aʋarume ʋeJabeshi. 6Ipapo Mŋeya waMŋari wakaʋuya pamsoro paSauro nesimba, acinzwa mashoko iwayo, kutsamŋa kwake kukamutswa kwaɀo. 7Akatora nzombe mbiri, akadziguranya, ndokutuma nhindi idzo kunyika yose yaIsraeri namaʋoko enhume, akati: Aninani unoramba kuɓuɗa nokuteʋera Sauro naSamueri, ucaitirwa nzombe dzake saiɀoɀo. Ɀino kutya, kwakabva kunaJehova, kwakaɓata ʋanhu, ʋakaɓuɗa ʋose‐ʋose. 8Iye akaʋaʋereŋga paBezeki; ʋana ʋaIsraeri ʋakaȿika ɀuru ɀinamazana matatu, naʋarume ʋaJuda ɀuru ɀinamakumi matatu. 9Ʋakati kunhume dzakaʋuya: Ʋudzai ʋarume ʋeJabeshi‐gireadi, muti: Maŋgwana kana zuʋa ropisa, mucarwirwa. Nhume dzikaenda, dzikaʋudza ʋarume ʋeJabeshi, iʋo ʋakafara. 10Naiɀoɀo ʋarume ʋeJabeshi ʋakati: Maŋgwana ticaɓuɗa kwamuri, mutiitire henyu seɀamunoɗa. 11Fume maŋgwana Sauro akagadzira ʋanhu, akaʋaita mapoka matatu, ʋakapinda pakati pemisasa neŋguʋa yamaŋgwanani, ʋakaʋuraya ʋaAmoni kuȿikira zuʋa ropisa; ɀino ʋakasara ʋakaparadzirwa, hakuna‐kusara ʋaʋiri pamŋe cete. 12Ɀino ʋanhu ʋakati kunaSamueri: Ndianiko wakati: Sauro uŋgatiɓata ʋushe here? Hendei, tiʋaʋuraye. 13Sauro akati: Ŋgakurege kuʋurawa munhu mumŋe nhasi, nokuti Jehova wakarwira Israeri.
14Ɀino Samueri akati kuʋanhu: Hendei Girgari, tindoʋandudza ʋushe ipapo. 15Ʋanhu ʋose ʋakaenda Girgari, ʋakagadza Sauro aʋe mambo waʋo pamberi paJehova paGirgari, ʋakaɓayira’po ɀiɓayiro ɀeɀipiriso ɀokuyananisa pamberi paJehova; Sauro naʋarume ʋose ʋaIsraeri ʋakafara kwaɀo ipapo.

Zvasarudzwa nguva ino

I Samueri 11: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda