Ipapo Mŋeya waMŋari wakaʋuya pamsoro paSauro nesimba, acinzwa mashoko iwayo, kutsamŋa kwake kukamutswa kwaɀo. Akatora nzombe mbiri, akadziguranya, ndokutuma nhindi idzo kunyika yose yaIsraeri namaʋoko enhume, akati: Aninani unoramba kuɓuɗa nokuteʋera Sauro naSamueri, ucaitirwa nzombe dzake saiɀoɀo. Ɀino kutya, kwakabva kunaJehova, kwakaɓata ʋanhu, ʋakaɓuɗa ʋose‐ʋose.