Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Petro 4

4
1Naiɀoɀo, Kristu ɀaakatambudzika panyama, nemi ʋo mushoŋge muraŋgariro iwoyo; nokuti munhu wakatambudzika panyama warega ɀiʋi; 2kuti paŋguʋa yakasara panyama arege kurarama nokuciʋa kwaʋanhu, asi nokuɗa kwaMŋari. 3Nokuti ŋguʋa yakapfuʋura yakariŋgana kuita kuɗa kwaʋahedeni, nokufamba noʋutere, nokuciʋa, nokunwa waini, nokutamba kwakaipa, namaɓira, nokunamata ɀifananidzo ɀisakafanira; 4ʋanoshamiswa necinhu ici, kuti hamufambidzani naʋo pakusaɀidzora kwaʋo uku kwakawanda, ʋacikureʋerai ɀakaipa. 5Iʋo ʋacaɀiɗaʋirira kunaiye wakaɀigadzira kutoŋga ʋapenyu naʋakafa. 6Nokuti nokuɗa kwaiɀoɀi Evaŋgeri yakaparidzirwa ʋakafa, kuti ʋatoŋgwe haʋo panyama nomutoʋo waʋanhu, asi ʋararame nomutoʋo waMŋari pamŋeya.
Cenjerai, nokuti kuguma kwaʋa pedyo.
7Ɀino kuguma kweɀinhu ɀose kwaʋa pedyo; naiɀoɀo iʋai ʋakacenjera, muȿinure kuti munyeŋgetere. 8Ɀikuru kuneɀose ɗanai noruɗo rukuru, nokuti ruɗo runofukidzira ɀiʋi ɀizhinji. 9Itiranai ruɗo pakati penyu kana muri ʋaeni, musiŋganyunyuti. 10Mumŋe nomumŋe seɀaakapiwa cipo cenyasha, shumiranai naco saʋatariri ʋakanaka ʋenyasha zhinji dzaMŋari. 11Kana munhu acitaura, ŋgaataure saaneŋge ari mashoko aMŋari; kana munhu acishumira, ŋgaɀiitwe senesimba raanopiwa naMŋari; kuti Mŋari akudzwe paɀose naJesu Kristu, iye unokubginya nesimba nokusiŋgaperi‐peri. Ameni.
12Ʋaɗikanwa, musashamiswa nokunyanyisa kwokuidzwa pakati penyu, kwakaʋuya kukuidzai, muciti mawirwa necisiŋgazikanwi; 13asi farai ɀamunogoʋana naKristu pakutambudzika kwake, kuti pakuʋonekwa kwokubginya kwake mufare ʋo nomufaro mukuru. 14Kana muciɀidzwa nokuɗa kwezita raKristu, makaropafadzwa, nokuti Mŋeya wokubginya waMŋari ugere pamsoro penyu; 15nokuti kurege kuʋa nomumŋe wenyu ucatambudzika nemhaka yokuti muʋurayi, kana mbava, kana unoita ɀakaipa, kana usiŋgaregi ɀaʋamŋe; 16asi kana munhu acitambudzika nokuɗa kwokuti mukristu, ŋgaarege kunyadziswa; asi ŋgaakudze Mŋari nezita iri. 17Nokuti ŋguʋa yaȿika yokuti kutoŋga kutaŋge paimba yaMŋari; ɀino kana kukataŋga kwatiri, kuguma kwaʋasiŋgatereri Evaŋgeri yaMŋari kucagoʋeiko? 18Ʋuye kana ɀiciremera wakarurama kuti aponeswe, ko uyo, usiŋgaɗi Mŋari, nomutadzi, ʋacagoʋonekwepi? 19Naiɀoɀo naiʋo, ʋanotambudzika nokuɗa kwaMŋari, ŋgaʋaise mŋeya yaʋo kuMusiki wakatendeka ʋaciita ɀakanaka.

Zvasarudzwa nguva ino

I Petro 4: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda