Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Petro 5

5
Ʋakuru naʋaɗuku.
1Naiɀoɀo ndinoraira ʋakuru pakati penyu, ini mukuru pamŋe cete naʋo necapupu camaɗambudziko aKristu, nomugoʋani naʋo wokubginya kucazoratidzwa, ndiciti: 2Fudzai ɓoka raMŋari riri pakati penyu, musiŋgaɀiiti nokuroʋererwa, asi nomŋoyo unoɗa nokuɗa kwaMŋari, musiŋgaɀiiti nokuɗa kwokukarira fuma yakaipa; 3musiŋgaiti nesimba neɀamakagoʋerwa, asi muʋe ʋatuŋgamiriri ʋeɓoka. 4Kana Mufudzi mukuru acizoʋonekwa, mucawana korona yokubginya isiŋgaȿaʋi. 5Saiɀoɀo imi ʋaɗuku, muɀiise pasi paʋakuru, nemi mose pfekai kuɀininipisa mumŋe kunomumŋe, nokuti Mŋari unodziʋisa ʋanoɀikudza, asi unopa nyasha ʋanoɀininipisa. 6Naiɀoɀo ɀininipisei pasi poruʋoko runesimba rwaMŋari, kuti akukudzei neŋguʋa yakafanira; 7kandirai pamsoro pake kufuŋganya kwenyu kwose, nokuti iye unokuceŋgetai. 8Ȿinurai, murinde; muʋeŋgi wenyu Diaborosi, unofamba‐famba seshumba inorira, icitȿaka waiŋgaparadza. 9Mumudziʋisei, makamira nesimba pakutenda, muciziʋa kuti kutambudzika ikoko kunoitirwa hama dzose dziri panyika. 10Ɀino Mŋari wenyasha dzose, iye wakakuɗanirai kukubginya kwake kusiŋgaperi munaKristu, kana mambotambudzika kaŋguʋa kaɗuku, ucakukwanisai, nokukumisai, nokukusimbisai, nokukuteyai. 11Ŋgaaʋe nesimba nokusiŋgaperi‐peri. Ameni.
Kuwonekana.
12Ndakakunyorerai mashoko mashomanene naSirvano, hama yakatendeka pakufuŋga kwaŋgu, ndiciraira, nokupupura kuti idzi ndidzo nyasha dzaɀokwaɗi dzaMŋari; mirai madziri. 13Kereke iri muBabironi, yakasanaŋgurwa pamŋe cete nemi, naMarko, mŋanakomana waŋgu, ʋanokukwazisai. 14Kwazisanai nokuȿeta kworuɗo.
Rugare ŋgaruʋe nemi mose muri munaKristu.

Zvasarudzwa nguva ino

I Petro 5: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda