II Petro 1
1
Kwaziso.
1Simeoni Petro, muranda nomuapostora waJesu Kristu, kunaʋakagoʋerwa kutenda kumŋe nokweɗu, kunokosha, nokururama kwaMŋari weɗu noMuponesi Jesu Kristu; 2nyasha ŋgadziʋe nemi norugare ŋgaruwanzwe pakuziʋa Mŋari naJesu, Ishe weɗu; 3nokuti nesimba roʋuMŋari bgake takapiwa ɀose ɀinoɗikanwa paʋupenyu napakunamata Mŋari, nenzira yokumuziʋa iye wakatiɗana nokubginya kwake nokunaka; 4akatipa naɀo ɀi kirwa ɀinokosha ɀakakura kwaɀo; kut naɀo muʋe ʋanhu ʋakagoʋerwa ʋuMŋari, matiza kuʋora kuri panyika nokuciʋa.
Shiŋgairai paʋukristu.
5Ɀino nemhaka iyi mucishiŋgaira kwaɀo wedzerai kunaka pakutenda kwenyu, napakunaka wedzerai kuziʋa; 6napakuziʋa, kuɀidzora; napakuɀidzora, kutsuŋgirira; napakutsuŋgirira, kunamata Mŋari; 7napakunamata Mŋari, kuɗa ʋatendi, napakuɗa ʋatendi, ruɗo. 8Nokuti kana muneɀinhu iɀi, ɀiciramba ɀiciwanzwa, ɀicakuitai ʋanhu ʋasinoʋusimbe naʋasiŋgashaiwi ɀiɓereko pakuziʋa Ishe weɗu, Jesu Kristu. 9Nokuti munhu, usinaiɀoɀi iɓofu, unoʋona ɀiri pedyo ɓedzi, wakaŋganwa kusukwa kweɀiʋi ɀake ɀakare. 10Saka, hama dzaŋgu, shiŋgairai kwaɀo kuti musimbise kuɗanwa nokusanaŋgurwa kwenyu; nokuti kana muciita iɀoɀi hamuŋgatoŋgogumburwi; 11nokuti muciɀiita mucazarurirwa ɀakanaka kuti mupinde muʋushe bgusiŋgaper bgaShe weɗu, noMuponesi Jesu Kristu.
12Saka handiŋgaregi kukuyeʋudzai ɀinhu iɀi ŋguʋa dzose, kunyaŋge muciɀiziʋa henyu, ʋuye makasimba paɀokwaɗi yamunayo. 13Ndinoti ɀakanaka, kuti ndiciri mutabernakeri ino ndikumutsei nokukuyeʋudzai; 14ndiciziʋa kuti kubviswa kwetabernakeri yaŋgu kwaʋa pedyo, seɀandakaratidzwa naShe weɗu Jesu Kristu. 15Ɀino ndicashiŋgaira, kuti mugogona kuraŋgarira ɀinhu iɀi ŋguʋa dzose kana ndaenda. 16Nokuti hatina‐kuteʋera ŋgano dzokufuŋgwa nenjere, ŋguʋa yatakakuziʋisai simba nokuʋuya kwaShe weɗu Jesu Kristu, asi takaŋga tiri ʋanhu ʋakaʋona ʋumambo bgake. 17Nokuti iye wakapiwa kukudzwa nokubginya naMŋari, Ƃaɓa, paŋguʋa iya, yakaʋuya inzwi rakaɗai kwaari, ricibva kukubginya kukuru‐kuru, riciti: Uyu ndiye Mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa, wandinofarira. 18Inzwi iri takarinzwa isu, ricibva kuɗeŋga, ŋguʋa yatakaŋga tinaye mugomo dɀene. 19Ʋuye tineshoko roʋuprofita rakasimba kwaɀo, ramunoita ɀakanaka kana muciriterera, rakaita somŋenje unovenekera munerima, kuȿikira ʋutoŋga bgucitȿuka, nenyamasase iciɓuɗira mŋoyo yenyu; 20muciziʋa pakutaŋga, kuti hakunoʋuprofita bgorugwaro bgunoŋgoɗudzirwa nomunhu; 21nokuti hakunoʋuprofita bgakatoŋgoʋuya nokuɗa kwomunhu, asi ʋanhu ʋaMŋari ʋakataura, ʋacimutswa noMŋeya Mutȿene.
Zvasarudzwa nguva ino
II Petro 1: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018