I Petro 3
3
Ʋakadzi naʋarume.
1Saiɀoɀo, imi ʋakadzi, iʋai pasi paʋarume ʋenyu; kuti kunyaŋge kana ʋamŋe ʋasiŋgatereri shoko, ʋadzorwe nomufambire waʋakadzi ʋaʋo pasineshoko rinorebga, 2kana ʋaciʋona mufambire wenyu, wakacena pamŋe cete nokutya Mŋari. 3kushoŋga kwenyu ŋgakurege kuʋa kwokunze, kwokuruka vudzi, nokushoŋga ndarama, kana kupfeka ŋguʋo; 4asi ŋgakuʋe munhu wakaʋanzika womŋoyo, wakashoŋga ɀisiŋgaʋori ɀomŋeya munyoro wakanyarara, unokosha, ɀikuru pamberi paMŋari. 5Nokuti saiɀoɀo ʋo kare ʋakadzi ʋatȿene, ʋaitarira kunaMŋari, ʋakaɀishoŋgedza, ʋaciɀiisa pasi paʋarume ʋaʋo, 6saSara waiterera Abrahama, acimuidza ishe; maʋa ʋana ʋake ɀino, kana muciita ɀakanaka, musiŋgatyiswi necinhu cipi necipi cinovundusa.
7Saiɀoɀo imi ʋarume, garai naʋakadzi ʋenyu nokuziʋa, mucikudza mukadzi muciti ndiye mudziyo unesimba ɗuku kwamuri, ɀaʋari ʋadyi ʋenhaka dzenyasha dzoʋupenyu pamŋe cete nemi; kuti minyeŋgetero yenyu irege kudziʋiswa.
Ruɗo nokutsuŋgirira pakutambudzika.
8Pakupedzisira, muʋe nomŋoyo mumŋe mose, munzwirane ŋgoni, muɗe hama, muʋe nomŋoyo munyoro, muɀininipise; 9musiŋgatsiʋi ɀakaipa neɀakaipa, kana kutuka nokutuka; asi muropafadze, nokuti ndiɀo ɀamakaɗanirwa, kuti mugare nhaka yokuropafadzwa. 10Nokuti,
Uyo, unoɗa ʋupenyu,
Nokuʋona mazuʋa akanaka,
Ŋgaadzore rurimi rwake paneɀakaipa,
Nemiromo yake, kuti irege kutaura ɀinonyeŋgera.
11Ŋgaanɀenge ɀakaipa, aite ɀakanaka;
Ŋgaatȿake rugare, aruteʋere.
12Nokuti meso aShe ari pamsoro paʋakarurama,
Nenzeʋe dzake pakukumbira kwaʋo.
Asi ciso caShe ciri pamsoro paʋanoita ɀakaipa.
13Ndianiko ucakuitirai ɀakaipa, kana mucishiŋgairira ɀakanaka? 14Asi kana mucitambudzika nokuɗa kwokururama, makaropafadzwa; musatya kutyisa kwaʋo, ʋuye musakaŋganiswa. 15Asi itai Kristu mutȿene mumŋoyo menyu aʋe Ishe; mugare makaɀigadzira kupindura mumŋe nomumŋe unokubvunzai pamsoro petariro iri mukati menyu, asi muciita noʋunyoro nokutya; 16iʋai nehana yakanaka, kuti paʋanokucerai, iʋo ʋanomhura mufambire wenyu wakanaka munaKristu, ʋanyadziswe. 17Nokuti ɀirinani, kana kuri kuɗa kwaMŋari, kuti mutambudzike kana muciita ɀakanaka, pakuti kana muciita ɀakaipa. 18Nokuti naKristu wakatambudzika ʋo kamŋe cete pamsoro peɀiʋi, iye wakarurama nokuɗa kwaʋasakarurama, kuti atiise kunaMŋari; wakaʋurawa hake panyama, asi wakararamiswa pamŋeya; 19mauri wakandoparidzira ʋo mŋeya iri pakusuŋgwa, 20yakaŋga isinakuterera kare, paŋguʋa iya mŋoyo murefu waMŋari ucimirira kugadzirwa kweareka pamazuʋa aNoa; mukati mayo ʋashoma, iʋo ʋanhu ʋasere, ʋakaponeswa nemvura. 21Naiwo mufananidzo worubapatidzo, runokuponesai ɀino, rusiŋgareʋi kubviswa kwetȿina yenyama, asi kutȿaka hana yakanaka kunaMŋari nokumuka kwaJesu Kristu; 22iye uri kurudyi rwaMŋari; wakapinda kuɗeŋga, ʋatumŋa namadzishe namasimba ɀikaiswa pasi pake.
Zvasarudzwa nguva ino
I Petro 3: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018