1
I Petro 4:8
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀikuru kuneɀose ɗanai noruɗo rukuru, nokuti ruɗo runofukidzira ɀiʋi ɀizhinji.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
I Petro 4:10
Mumŋe nomumŋe seɀaakapiwa cipo cenyasha, shumiranai naco saʋatariri ʋakanaka ʋenyasha zhinji dzaMŋari.
3
I Petro 4:11
Kana munhu acitaura, ŋgaataure saaneŋge ari mashoko aMŋari; kana munhu acishumira, ŋgaɀiitwe senesimba raanopiwa naMŋari; kuti Mŋari akudzwe paɀose naJesu Kristu, iye unokubginya nesimba nokusiŋgaperi‐peri. Ameni.
4
I Petro 4:16
asi kana munhu acitambudzika nokuɗa kwokuti mukristu, ŋgaarege kunyadziswa; asi ŋgaakudze Mŋari nezita iri.
5
I Petro 4:7
Ɀino kuguma kweɀinhu ɀose kwaʋa pedyo; naiɀoɀo iʋai ʋakacenjera, muȿinure kuti munyeŋgetere.
6
I Petro 4:12-13
Ʋaɗikanwa, musashamiswa nokunyanyisa kwokuidzwa pakati penyu, kwakaʋuya kukuidzai, muciti mawirwa necisiŋgazikanwi; asi farai ɀamunogoʋana naKristu pakutambudzika kwake, kuti pakuʋonekwa kwokubginya kwake mufare ʋo nomufaro mukuru.
7
I Petro 4:9
Itiranai ruɗo pakati penyu kana muri ʋaeni, musiŋganyunyuti.
8
I Petro 4:19
Naiɀoɀo naiʋo, ʋanotambudzika nokuɗa kwaMŋari, ŋgaʋaise mŋeya yaʋo kuMusiki wakatendeka ʋaciita ɀakanaka.
9
I Petro 4:1-2
Naiɀoɀo, Kristu ɀaakatambudzika panyama, nemi ʋo mushoŋge muraŋgariro iwoyo; nokuti munhu wakatambudzika panyama warega ɀiʋi; kuti paŋguʋa yakasara panyama arege kurarama nokuciʋa kwaʋanhu, asi nokuɗa kwaMŋari.
10
I Petro 4:14
Kana muciɀidzwa nokuɗa kwezita raKristu, makaropafadzwa, nokuti Mŋeya wokubginya waMŋari ugere pamsoro penyu
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo