Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I ƲaKorinte 9

9
Simba roʋuapostora.
1Handizi wakasunuŋguka here? Handizi muapostora here? Handina‐kuʋona Jesu, Ishe weɗu here? Imi hamuzi ɓasa raŋgu munaShe here? 2Kana ndisati ndiri muapostora kunaʋamŋe, kunyaŋge ɀakaɗaro ɀirokwaɀo ndiri muapostora kwamuri haŋgu; nokuti imi muri cisimbiso coʋuapostora bgaŋgu munaShe. 3Kuɀiɗaʋirira kwaŋgu kunaiʋo ʋanonditoŋga ndikoku: 4Hatinesimba rokudya nokunwa here? 5Hatinesimba rokufamba nomukadzi iri hama, saʋamŋe ʋaapostora naʋanuŋuna ʋaShe, naKefasi here? 6Ko ini ndoga naBarnabasi hatinesimba rokurega kuɓate‐ɓasa here? 7Ndianiko uŋgandorwa aciɀiripira muɓairo? Ndianiko unorima munda wemizambiriŋga, akasadya ɀiɓereko ɀawo? Ndianiko unofudza ɓoka, akasadya mukaka weɓoka? 8Iɀi ndinoɀitaura nokutaura kwaʋanhu here? Ko murairo haureʋi saiɀoɀo ʋo here? 9Nokuti pamurairo waMosesi pakanyorwa, paciti: Usasuŋga muromo wenzombe inopura ɀiyo. Ko Mŋari unehanya nenzombe here? 10Kana unoreʋa saiɀoɀo nokuɗa kweɗu kwoga here? Ɀirokwaɀo, ɀakanyorwa nokuɗa kweɗu, nokuti unorima unofanira kurima netariro; nounopura, acitarira kuti ucagoʋerwa ʋo. 11Kana isu takakudɀarirai ɀinhu ɀomŋeya, ciŋgaʋa cinhu cikuru here kana ticiceka ɀinhu ɀenyu ɀenyama? 12Kana ʋamŋe ʋacipiwa simba pamsoro penyu, ko isu hatipiwi iro ɀikuru here? Asi hatina‐kuɀiɓatira nesimba iro; asi tinotambudzika paɀose, kuti tirege kudziʋisa Evaŋgeri yaKristu. 13Hamuziʋi here kuti ʋanoshumira paɀinhu ɀitȿene, ʋanodya ɀetembere? Ʋuye kuti ʋanoɓate‐ɓasa paartari, ʋanogoʋana neartari here? 14Saiɀoɀo ʋo Ishe wakaraira kuti ʋanoparidza Evaŋgeri, ʋararame neEvaŋgeri. 15Asi ini handina‐kuɀiɓatira necimŋe ceɀinhu iɀo. Handinyori iɀi kuti ndiitirwe saiɀoɀo ini; nokuti ɀirinani kuti ndife, pakuti mumŋe akonese ico candinoɀirumbidza naco. 16Nokuti kana ndiciparidza Evaŋgeri, handina‐candiŋgaɀirumbidza naco, nokuti ndinoroʋererwa; ndinenhamo, kana ndisiŋgaparidzi Evaŋgeri. 17Nokuti kana ndiciɀiita ndiciɗa ini, ndinomuɓairo; asi kana ndiciɀiita ndisiŋgaɗi, ndakapiwa haŋgu ʋutariri. 18Ɀino muɓairo waŋgu ndoweiko? Ndiwo, kuti kana ndiciparidza Evaŋgeri, ndiʋigire ʋanhu Evaŋgeri ʋasiŋgaripi, kuti ndirege kuɀiɓatira pandaigona napo nesimba randinaro reEvaŋgeri. 19Nokuti kunyaŋge ndakasunuŋguka kunaʋose, ndakaɀiita muranda waʋose, kuti ndiwane ʋazhinji kwaɀo. 20KuʋaJuda ndakaʋa somuJuda, kuti ndiwane ʋaJuda; kunaʋari pasi pomurairo, ndakaʋa somunhu uri pasi pomurairo, kunyaŋge ndisati ndiri pasi pomurairo haŋgu, kuti ndiwane ʋari pasi pomurairo; 21kunaʋasinomurairo, ndakaʋa somunhu usinomurairo, kunyaŋge ndisati ndiri munhu usinomurairo waMŋari, asi pasi pomurairo waKristu, kuti ndiwane ʋasinomurairo. 22Kunaʋasinesimba ndakaʋa usinesimba, kuti ndiwane ʋasinesimba; ndakaʋa ɀose kuʋanhu ʋose, kuti ndiponese ʋamŋe nemitoʋo yose. 23Ɀinhu ɀose ndinoɀiita nokuɗa kweEvaŋgeri, kuti ndigoʋerwe iyo pamŋe cete naʋamŋe. 24Hamuziʋi here kuti aʋo ʋanoita nhaŋgemutaŋge, ʋanomhanya ʋose, asi mumŋe cete unopiwa muɓairo? Mhanyai saiɀoɀo, kuti muuwane. 25Mumŋe nomumŋe, unoshiŋgaira pakutamba, unoɀidzora paɀose. Ɀino iʋo ʋanoɀiita kuti ʋawane korona inoʋora, asi isu kuti tiwane isiŋgaʋori. 26Ɀino ini handimhanyi somunhu usiŋgaziʋi; handirwi somunhu unoroʋa mhepo; 27asi ndinorwadzisa muʋiri waŋgu, ndiciuita muranda; kuti ɀimŋe ini, ndamboparidzira ʋamŋe, ndirege kuʋa wakarashwa ndimene.

Zvasarudzwa nguva ino

I ƲaKorinte 9: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda