Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I ƲaKorinte 8

8
Kudya ɀakaɓayirwa ɀifananidzo.
1Ɀino, pamsoro peɀakaɓayirwa ɀifananidzo, tinoziʋa kuti tose tinako kuziʋa. Kuziʋa kunoʋuyisa kuɀikudza, asi ruɗo runosimbisa. 2Kana munhu aciti, ndinoziʋa cinhu, ugere kutoŋgoziʋa seɀaakafanira kuziʋa. 3Asi kana munhu aciɗa Mŋari, iye unozikanwa naye. 4Ɀino kana kuri kudya ɀinhu ɀakaɓayirwa ɀifananidzo, tinoziʋa kuti cifananidzo hacizi cinhu panyika, ʋuye kuti hakunaMŋari, asi iye mumŋe cete. 5Nokuti kunyaŋge ʋari’po ʋanonzi ʋamŋari, kana kuɗeŋga kana panyika; seɀaʋari’po ʋamŋari ʋazhinji, namadzishe mazhinji; 6asi isu tinoŋgoʋa naMŋari mumŋe ɓedzi, ndiʋo Ƃaɓa; ɀinhu ɀose ɀinobva kwaari, nesu tiri’po nokuɗa kwake; ʋuye Ishe mumŋe, Jesu Kristu; ɀinhu ɀose ɀiri’po naye, nesu tiri’po naye. 7Asi ʋose haʋano‐kuziʋa ikoko; nokuti ʋamŋe, ʋakaroʋera cifananidzo kuȿikira ɀino, ʋanodya ʋaciti ɀakaɓayirwa ɀifananidzo; hana yaʋo ɀaisinesimba, inoshatiswa. 8Ɀino ɀokudya haɀiŋgatiȿitsi kunaMŋari; nokuti kana tisiŋgadyi, hatiipiswi, kana ticidya, hatinatswi. 9Asi cenjerai, kuti simba renyu iri rirege kuʋa cigumbuso kunaʋasinesimba. 10Nokuti kana mumŋe acikuʋona iwe, unako kuziʋa, ugere pakudya mutembere yecifananidzo, ko hana yaiyeye usinesimba haiŋgatsuŋgiswi, kuti adye iɀo ɀakaɓayirwa ɀifananidzo here? 11Nokuti nokuziʋa kwako uyo usinesimba unoparadzwa, iri hama yakafirwa ʋo naKristu. 12Ɀino kana mucitadzira hama saiɀoɀo, mucirwadzisa hana yaʋo isinesimba, munotadzira Kristu. 13Saka kana ɀokudya ɀicigumbusa hama yaŋgu, handiŋgatoŋgodyi nyama nokusiŋgaperi, kuti ndirege kugumbusa hama yaŋgu.

Zvasarudzwa nguva ino

I ƲaKorinte 8: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda