I ƲaKorinte 10
10
Tirege kuidza Mŋari saʋaIsraeri.
1Nokuti handiɗi, hama dzaŋgu, kuti murege kuziʋa kuti madziɓaɓa eɗu ose akaŋga ari pasi pegore, ʋuye kuti ʋose ʋakayambuka guŋgwa; 2ʋose ʋakabapatidzwa munaMosesi mugore nomuguŋgwa; 3ʋose ʋakadya ɀokudya ɀimŋe ɀomŋeya; 4ʋose ʋakanwa ɀokunwa ɀimŋe ɀomŋeya; nokuti ʋakanwa paɗombo romŋeya rakaʋateʋera; ɗombo iro rakaŋga riri Kristu. 5Asi Mŋari haana‐kufadzwa naʋazhinji ʋaʋo; nokuti ʋakaparadzwa murenje. 6Ɀino, ɀinhu iɀi ɀakaŋga ɀiri ɀiratidzo kwatiri, kuti isu tirege kuciʋa ɀakaipa, seɀaʋakaciʋa iʋo. 7Imi regai kunamata ɀifananidzo, saʋamŋe ʋaʋo; seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Ʋanhu ʋakagara pasi pakudya nokunwa, ʋakamuka kuti ʋatambe. 8Ɀino ŋgatirege kuita ʋupombge, saʋamŋe ʋaʋo ʋakaita ʋupombge, ʋakafa nezuʋa rimŋe ʋaneɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀitatu. 9Ŋgatirege kuidza Ishe, saʋamŋe ʋaʋo ʋakamuidza, ʋakaparadzwa nenyoka. 10Murege kuŋuŋuna saʋamŋe ʋaʋo ʋakaŋuŋuna, ʋakaparadzwa nomuparadzi. 11Ɀino, iɀi ɀakaʋawira, kuti ʋaʋe ɀiratidzo; ɀakanyorwa kuti tinyeʋerwe isu, takaȿikirwa nokuguma kwenyika. 12Naiɀoɀo, unoti ndinomira, ŋgaacenjere kuti arege kuwa. 13Hakunomuidzo wakakuɓatai imi, asi waʋanhu ʋose; asi Mŋari, wakatendeka, haaŋgatenderi kuti muidzwe kupfuʋura pamunogona napo; asi pamŋe cete nomuidzo, iye ucakupai ʋo nzira yokuɓuɗa nayo, muʋe nesimba rokutsuŋga.
Nɀeŋgai ɀifananidzo.
14Naiɀoɀo, ʋaɗikanwa ʋaŋgu, tizai kunamata ɀifananidzo. 15Ndinotaura sokunaʋakacenjera; fuŋgai ɀandinotaura. 16Mukombe wokuʋoŋga watinoʋoŋga, hakuzi kusoŋgana neropa raKristu here? Ciŋgwa catinomeɗura, hakuzi kusoŋgana nomuʋiri waKristu here? 17Ɀaciri ciŋgwa cimŋe cete, isu ʋazhinji tiri muʋiri mumŋe; nokuti tinogoʋana tose paciŋgwa cimŋe. 18Tarirai ʋaIsraeri panyama; aʋo ʋanodya ɀiɓayiro haʋagoʋani neartari here? 19Ɀino ndotiyiko? Kuti cinoɓayirwa ɀifananidzo cinhu here, kana cifananidzo cinhu here? 20Kwete, asi ndinoti iɀo ɀinoɓayirwa naʋahedeni, haʋaɀiɓayiri Mŋari, asi mŋeya yakaipa; ɀino handiɗi kuti muyanane nemŋeya yakaipa. 21Hamuŋganwiri pamukombe waShe, napamukombe wemŋeya yakaipa; hamuŋgadyiri patafura yaShe napatafura yemŋeya yakaipa. 22Ko tinoɗa kumutsa goɗo raShe here? Tinomukunda nesimba here?
Mukristu ŋgaarege kugumbusa ʋamŋe.
23Ndakatenderwa ɀinhu ɀose; asi ɀose haɀindiɓatsiri. Ndakatenderwa ɀinhu ɀose; asi ɀose haɀisimbisi. 24Munhu ŋgaarege kuɀitȿakira ɀake, asi ɀomumŋe. 25Idyai ɀose ɀinoteŋgwa panoteŋgeswa nyama, musingabvunzi cinhu nokuɗa kwehana; 26nokuti nyika ndeyaShe nokuzara kwayo. 27Kana mumŋe waʋasiŋgatendi akakukokerai kuzodya, kana mukaɗa kuenda, idyai ɀose ɀinoiswa pamberi penyu, musiŋgabvunzi cinhu nokuɗa kwehana. 28Asi kana mumŋe akati kwamuri: Ici cakaɓayirwa ɀifananidzo, regai kudya nokuɗa kwaiye wakakuratidzai, ʋuye nokuɗa kwehana; 29handireʋi hana yako, asi yomumŋe; nokuti kusunuŋguka kwaŋgu kunotoŋgerweiko nehana yomumŋe? 30Kana im ndicidya ndiciʋoŋga, ndiŋgagotukirweiko nokuɗa kwecinhu candinoʋoŋga pamsoro paco? 31Naiɀoɀo, kana mucidya, kana mucinwa, kana muciita cinhu cipi necipi, itai ɀose kuti Mŋari akudzwe. 32Regai kugumbusa kana ʋaJuda, kana ʋaGiriki, kana kereke yaMŋari. 33Seni ʋo ndinofadza ʋanhu ʋose paɀinhu ɀose, ndisiŋgatȿaki ɀiŋgandiɓatsira ini, asi ɀiŋgaɓatsira ʋazhinji, kuti ʋaponeswe.
Zvasarudzwa nguva ino
I ƲaKorinte 10: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018