Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I ƲaKorinte 15:1-19

I ƲaKorinte 15:1-19 SUB1949

Ɀino, hama dzaŋgu, ndinokuziʋisai Evaŋgeri yandakakuparidzirai, iyo yamakagamucira ʋo, neyamunomira ʋo mairi; iyo yamunoponeswa ʋo nayo, kana muciiɓatisa nomutoʋo wandakaiparidza kwamuri, kana musina‐kutenda pasina. Nokuti pakutaŋga ndakakupai iɀo ɀandakagamucira ʋo, kuti Kristu wakafira ɀiʋi ɀeɗu, seɀakanyorwa paMagwaro; ʋuye kuti wakaʋigwa, akamutswa nezuʋa retatu, seɀakanyorwa paMagwaro; akaɀiratidza kunaKefasi, ipapo kunaʋanegumi naʋaʋiri; ipapo akaɀiratidza kuhama dzinopfuʋura mazana mashanu kamŋe — ʋazhinji ʋaʋo ʋapenyu kuȿikira ɀino, asi ʋamŋe ʋaʋata. Ipapo akaɀiratidza kunaJakobo; ipapo kunaʋaapostora ʋose; pakupedzisira akaɀiratidza kwandiri ʋo, sokunowakaɀarwa ŋguʋa isati yaȿika. Nokuti ini ndiri muɗuku kuʋaapostora ʋose, handifaniri kuti ndinzi muapostora, nokuti ndakatambudza kereke yaMŋari. Asi nenyasha dzaMŋari ndiri munhu wakaɗai ɀino; nenyasha dzake kwandiri hadzina‐kuʋa pasina; asi ndakaɓata ɀikuru kupfuʋura ʋose; handizini, asi inyasha dzaMŋari dzaiʋa neni. Naiɀoɀo, kana ndirini, kana ʋari iʋo, tinoparidza kuɗai, nemi makatenda kuɗai. Ɀino kana Kristu aciparidzwa, kuti wakamutswa kuʋakafa, ʋamŋe pakati penyu ʋanoreʋa seiko, kuti hakuna‐kumuka kwaʋakafa? Ɀino, ɗai pasinakumuka kwaʋakafa, naKristu uŋgaɗai asina‐kumutswa ʋo; ʋuye, ɗai Kristu asina‐kumutswa, kuparidza kweɗu kuŋgaɗai kuciʋa pasina, nokutenda kwenyu kuŋgaɗai kuciʋa pasina ʋo. Nesu taiwanikwa tiri ɀapupu ɀaMŋari ɀenhema; nokuti takapupura kuti Mŋari wakamutsa Kristu, iye waasina‐kumumutsa, kana ɀiri iɀo kuti ʋakafa haʋamutswi. Nokuti kana ʋakafa ʋasiŋgamutswi, naKristu haana‐kumutswa ʋo; kana Kristu asina‐kumutswa, kutenda kwenyu hakunamaturo; muciri muɀiʋi ɀenyu. Ɀino naiʋo ʋakafa munaKristu ʋakarashika ʋo. Kana tinetariro kunaKristu paʋupenyu ubgu ɓedzi, tinonzwisa ʋurombo kukunda ʋanhu ʋose.