Zvino, hama dzangu, ndinokuzivisai Vhangeri yandakakuparidzirai, iyo yamakagamuchirawo, neyamunomirawo mairi; iyo yamunoponeswawo nayo, kana muchiibatisa nomutoo wandakaiparidza kwamuri, kana musina kutenda pasina.
Nokuti pakutanga ndakakupai izvo zvandakagamuchirawo, kuti Kristu akafira zvivi zvedu, sezvakanyorwa muMagwaro; uye kuti akavigwa, akamutswa nezuva retatu, sezvakanyorwa muMagwaro; akazviratidza kuna Kefasi, ipapo kuna gane gumi navaviri; ipapo akazviratidza kuhama dzinopfuura mazana mashanu kamwe vazhinji vavo vapenyu kusvikira zvino, asi vamwe vakavata. Ipapo akazviratidza kuna Jakobho; ipapo kuna vapostori vose; pakupedzisira akazviratidza kwandiriwo, sokunoakazvarwa nguva isati yasvika.
Nokuti ini ndiri muduku kuvapostori vose, handifaniri kuti ndinzi muapostora, nokuti ndakatambudza kereke yaMwari. Asi nenyasha dzaMwari ndiri munhu akadai zvino; nenyasha dzake kwandiri hadzina kuva pasina; asi ndakashanda zvikuru kupfuura vose; handizini, asi inyasha dzaMwari dzaiva neni. Naizvozvo, kana ndirini, kana vari ivo, tinoparidza kudai, nemi makatenda kudai.
Zvino kana Kristu achiparidzwa, kuti akamutswa kuvakafa, vamwe pakati penyu vanoreva seiko, kuti hakuna kumuka kwavakafa? Zvino, dai pasina kumuka kwavakafa, naKristu angadai asina kumutswawo; uye, dai Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu kungadai kuchiva pasina, nokutenda kwenyu kungadai kuchiva pasinawo. Nesu taiwanikwa tiri zvapupu zvaMwari zvenhema; nokuti takapupura kuti Mwari akamutsa Kristu, iye waasina kumumutsa, kana zviri izvo kuti vakafa havamutswi. Nokuti kana vakafa vasingamutswi, naKristu haana kumutswawo; kana Kristu asina kumutswa, kutenda kwenyu hakuna maturo; muchiri muzvivi zvenyu. Zvino naivo vakafa muna Kristu vakarasikawo. Kana tine tariro kuna Kristu muhupenyu uhwu bedzi, tinonzwisa urombo kukunda vanhu vose.