Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Vakorinde 15:1-19

1 Vakorinde 15:1-19 SCLB

Hama dzangu ndingade kukuyeuchidzai Shoko Rakanaka randakakuparidzai ramakagamuchirawo ramumire naro rinokuponesai kana mukaribatisisa; kusatoti makatenda mariri pasina. Ndakakugamuchidzai sechinhu chikuru kwazvo chokutanga chandakanga ndakagamuchirawo chokuti Kristu akafira zvitadzo zvedu sokutaura kunoita Magwaro Matsvene, uye kuti akavigwa akamutswa nezuva retatu sokutaura kwamagwaro matsvene, uye kuti akazviratidza kuna Kefasi ndokuzozviratidzawo kuna vane gumi navairi. Akazozviratidza kune vehama vanopfuura mazana mashanu panguva imwecheteyo. Vazhinji vavo vachiri vapenyu kunyange zvazvo vamwe vakafa. Akazozviratidza kuna Jemusi ndokuzotevera kuvapositori vose. Pokupedzisira, sokune munhu akazvarwa nguva yake isati yasvika akazviratidzawo kwandiri. Chikonzero chacho ndechokuti ini ndiri wokupedzisira kuvapositori, ndisingakodzeri kudaidzwa kunzi mupositori nokuti ndakashusha sangano raMwari. Asi nenyasha dzaMwari ndiri zvandiri. Nyasha dzake kwandiri hadzina kushaya basa. Zvakatoitika ndezvokuti ndakashanda zvakaomarara kupinda vose. Kunyange zvazvo ndakanga ndisirini asi nyasha dzaMwari mandiri. Hazvina mhosva kuti ndivo here kana kuti ini, zvatinoparidza ndizvozvo uye ndizvo zvamakatenda. Ko zvino kana Kristu achiparidzwa kuti akamutswa kuvafi, ko vamwe venyu vangati hakuna zvokumuka kwavakafa sei? Zvino kana pasina zvokumuka kwavakafa saka Kristu haana kumutswa. Kana Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu hakuna maturo uye chitendero chenyu hachina basa. Isu tinobva taonekwa kuti tiri kurevera Mwari nhema nokuti takapupurira Mwari kuti akamutsa Kristu waasina kumutsa kana chiri chokwadi kuti vakafa havamutswi. Chiripo ndechokuti, kana vakafa vasingamutswi, saizvozvowo Kristu haana kumutswa. Kana Kristu asina kumutswa, chitendero chenyu hachina basa uye muchiri muzvitadzo zvenyu. Naizvozvowo avo vakafa muna Kristu vakatsakatika. Muna Kristu kana tariro yedu ichingova mune zvoupenyu huno chete, pavanhu vose, ndisu vanhu vanonzwisa urombo zvikuru kwazvo.