Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 15:1-19

1 VaKorinde 15:1-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvino hama, ndinoda kukuyeuchidzai vhangeri randakakuparidzirai, iro ramakagamuchira uye ramakamira mariri. Nevhangeri irori munoponeswa, kana mukabatirira kwazvo pashoko randakakuparidzirai. Zvimwe makatenda pasina. Nokuti zvandakagamuchira sezvinokosha pakutanga ndizvo zvandakakupaiwo: kuti Kristu akafira zvivi zvedu sezvazvakanyorwa muMagwaro, kuti akavigwa, akamutswa pazuva rechitatu sezvazvakanyorwa muMagwaro, uye kuti akazviratidza kuna Petro, tevere kuna vane gumi navaviri. Mushure mezvo akazviratidza kuhama dzaipfuura mazana mashanu panguva imwe chete, vazhinji vavo vachiri vapenyu, kunyange zvazvo vamwe vavete. Ipapo akazozviratidza kuna Jakobho, mushure mezvo kuvapostori, uye pakupedzisira akazozviratidza kwandiriwo, sokuna akazvarwa nguva isati yasvika. Nokuti ndiri muduku kuvapostori vose, uye handikodzeri kunzi mupostori, nokuti ndakatambudza kereke yaMwari. Asi nokuda kwenyasha dzaMwari ndiri zvandiri uye nyasha dzake kwandiri hadzina kuva pasina. Kwete, ndakashanda kupfuura vose, asi ndisiri ini, asi nyasha dzaMwari dzaiva neni. Ipapo kunyange dai ndiri ini kana ivo, izvi ndizvo zvatinoparidza, uye izvi ndizvo zvamakatenda. Asi kana kuchiparidzwa kuchinzi Kristu akamutswa kubva kuvakafa, ko, vamwe venyu vangareva sei kuti hakuna kumutswa kwavakafa? Kana kusina kumutswa kwavakafa, saka naizvozvowo Kristu haana kumutswa. Zvino kana Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu hakuna maturo, saizvozvowo nokutenda kwenyu. Pamusoro pezvo, tichaonekwa tiri zvapupu zvaMwari zvenhema, nokuti takapupura kuti Mwari akamutsa Kristu kubva kuvakafa. Asi haana kumumutsa kana zvirokwazvo vakafa vasingamutswi. Nokuti kana vakafa vasingamutswi, saizvozvowo Kristu haana kumutswa kuvakafa. Uye kana Kristu asina kumutswa, kutenda hakubatsiri; muchiri muzvivi zvenyu. Naizvozvowo vose vakafa muna Kristu vakatorasikawo. Kana tine tariro muna Kristu nokuda kwoupenyu huno chete, tinonzwisa urombo kupfuura vanhu vose.

1 VaKorinde 15:1-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino, hama dzangu, ndinokuzivisai Vhangeri yandakakuparidzirai, iyo yamakagamuchirawo, neyamunomirawo mairi; iyo yamunoponeswawo nayo, kana muchiibatisa nomutoo wandakaiparidza kwamuri, kana musina kutenda pasina. Nokuti pakutanga ndakakupai izvo zvandakagamuchirawo, kuti Kristu akafira zvivi zvedu, sezvakanyorwa muMagwaro; uye kuti akavigwa, akamutswa nezuva retatu, sezvakanyorwa muMagwaro; akazviratidza kuna Kefasi, ipapo kuna gane gumi navaviri; ipapo akazviratidza kuhama dzinopfuura mazana mashanu kamwe vazhinji vavo vapenyu kusvikira zvino, asi vamwe vakavata. Ipapo akazviratidza kuna Jakobho; ipapo kuna vapostori vose; pakupedzisira akazviratidza kwandiriwo, sokunoakazvarwa nguva isati yasvika. Nokuti ini ndiri muduku kuvapostori vose, handifaniri kuti ndinzi muapostora, nokuti ndakatambudza kereke yaMwari. Asi nenyasha dzaMwari ndiri munhu akadai zvino; nenyasha dzake kwandiri hadzina kuva pasina; asi ndakashanda zvikuru kupfuura vose; handizini, asi inyasha dzaMwari dzaiva neni. Naizvozvo, kana ndirini, kana vari ivo, tinoparidza kudai, nemi makatenda kudai. Zvino kana Kristu achiparidzwa, kuti akamutswa kuvakafa, vamwe pakati penyu vanoreva seiko, kuti hakuna kumuka kwavakafa? Zvino, dai pasina kumuka kwavakafa, naKristu angadai asina kumutswawo; uye, dai Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu kungadai kuchiva pasina, nokutenda kwenyu kungadai kuchiva pasinawo. Nesu taiwanikwa tiri zvapupu zvaMwari zvenhema; nokuti takapupura kuti Mwari akamutsa Kristu, iye waasina kumumutsa, kana zviri izvo kuti vakafa havamutswi. Nokuti kana vakafa vasingamutswi, naKristu haana kumutswawo; kana Kristu asina kumutswa, kutenda kwenyu hakuna maturo; muchiri muzvivi zvenyu. Zvino naivo vakafa muna Kristu vakarasikawo. Kana tine tariro kuna Kristu muhupenyu uhwu bedzi, tinonzwisa urombo kukunda vanhu vose.

1 VaKorinde 15:1-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Hama dzangu ndingade kukuyeuchidzai Shoko Rakanaka randakakuparidzai ramakagamuchirawo ramumire naro rinokuponesai kana mukaribatisisa; kusatoti makatenda mariri pasina. Ndakakugamuchidzai sechinhu chikuru kwazvo chokutanga chandakanga ndakagamuchirawo chokuti Kristu akafira zvitadzo zvedu sokutaura kunoita Magwaro Matsvene, uye kuti akavigwa akamutswa nezuva retatu sokutaura kwamagwaro matsvene, uye kuti akazviratidza kuna Kefasi ndokuzozviratidzawo kuna vane gumi navairi. Akazozviratidza kune vehama vanopfuura mazana mashanu panguva imwecheteyo. Vazhinji vavo vachiri vapenyu kunyange zvazvo vamwe vakafa. Akazozviratidza kuna Jemusi ndokuzotevera kuvapositori vose. Pokupedzisira, sokune munhu akazvarwa nguva yake isati yasvika akazviratidzawo kwandiri. Chikonzero chacho ndechokuti ini ndiri wokupedzisira kuvapositori, ndisingakodzeri kudaidzwa kunzi mupositori nokuti ndakashusha sangano raMwari. Asi nenyasha dzaMwari ndiri zvandiri. Nyasha dzake kwandiri hadzina kushaya basa. Zvakatoitika ndezvokuti ndakashanda zvakaomarara kupinda vose. Kunyange zvazvo ndakanga ndisirini asi nyasha dzaMwari mandiri. Hazvina mhosva kuti ndivo here kana kuti ini, zvatinoparidza ndizvozvo uye ndizvo zvamakatenda. Ko zvino kana Kristu achiparidzwa kuti akamutswa kuvafi, ko vamwe venyu vangati hakuna zvokumuka kwavakafa sei? Zvino kana pasina zvokumuka kwavakafa saka Kristu haana kumutswa. Kana Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu hakuna maturo uye chitendero chenyu hachina basa. Isu tinobva taonekwa kuti tiri kurevera Mwari nhema nokuti takapupurira Mwari kuti akamutsa Kristu waasina kumutsa kana chiri chokwadi kuti vakafa havamutswi. Chiripo ndechokuti, kana vakafa vasingamutswi, saizvozvowo Kristu haana kumutswa. Kana Kristu asina kumutswa, chitendero chenyu hachina basa uye muchiri muzvitadzo zvenyu. Naizvozvowo avo vakafa muna Kristu vakatsakatika. Muna Kristu kana tariro yedu ichingova mune zvoupenyu huno chete, pavanhu vose, ndisu vanhu vanonzwisa urombo zvikuru kwazvo.

1 VaKorinde 15:1-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino, hama dzaŋgu, ndinokuziʋisai Evaŋgeri yandakakuparidzirai, iyo yamakagamucira ʋo, neyamunomira ʋo mairi; iyo yamunoponeswa ʋo nayo, kana muciiɓatisa nomutoʋo wandakaiparidza kwamuri, kana musina‐kutenda pasina. Nokuti pakutaŋga ndakakupai iɀo ɀandakagamucira ʋo, kuti Kristu wakafira ɀiʋi ɀeɗu, seɀakanyorwa paMagwaro; ʋuye kuti wakaʋigwa, akamutswa nezuʋa retatu, seɀakanyorwa paMagwaro; akaɀiratidza kunaKefasi, ipapo kunaʋanegumi naʋaʋiri; ipapo akaɀiratidza kuhama dzinopfuʋura mazana mashanu kamŋe — ʋazhinji ʋaʋo ʋapenyu kuȿikira ɀino, asi ʋamŋe ʋaʋata. Ipapo akaɀiratidza kunaJakobo; ipapo kunaʋaapostora ʋose; pakupedzisira akaɀiratidza kwandiri ʋo, sokunowakaɀarwa ŋguʋa isati yaȿika. Nokuti ini ndiri muɗuku kuʋaapostora ʋose, handifaniri kuti ndinzi muapostora, nokuti ndakatambudza kereke yaMŋari. Asi nenyasha dzaMŋari ndiri munhu wakaɗai ɀino; nenyasha dzake kwandiri hadzina‐kuʋa pasina; asi ndakaɓata ɀikuru kupfuʋura ʋose; handizini, asi inyasha dzaMŋari dzaiʋa neni. Naiɀoɀo, kana ndirini, kana ʋari iʋo, tinoparidza kuɗai, nemi makatenda kuɗai. Ɀino kana Kristu aciparidzwa, kuti wakamutswa kuʋakafa, ʋamŋe pakati penyu ʋanoreʋa seiko, kuti hakuna‐kumuka kwaʋakafa? Ɀino, ɗai pasinakumuka kwaʋakafa, naKristu uŋgaɗai asina‐kumutswa ʋo; ʋuye, ɗai Kristu asina‐kumutswa, kuparidza kweɗu kuŋgaɗai kuciʋa pasina, nokutenda kwenyu kuŋgaɗai kuciʋa pasina ʋo. Nesu taiwanikwa tiri ɀapupu ɀaMŋari ɀenhema; nokuti takapupura kuti Mŋari wakamutsa Kristu, iye waasina‐kumumutsa, kana ɀiri iɀo kuti ʋakafa haʋamutswi. Nokuti kana ʋakafa ʋasiŋgamutswi, naKristu haana‐kumutswa ʋo; kana Kristu asina‐kumutswa, kutenda kwenyu hakunamaturo; muciri muɀiʋi ɀenyu. Ɀino naiʋo ʋakafa munaKristu ʋakarashika ʋo. Kana tinetariro kunaKristu paʋupenyu ubgu ɓedzi, tinonzwisa ʋurombo kukunda ʋanhu ʋose.

1 VaKorinde 15:1-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)