I Makoronike 4
4
Ʋamŋe ʋana ʋaJuda.
1Ʋanakomana ʋaJuda: Perezi, naHezroni, naKarmi, naHuri, naShobari. 2Reaya mŋanakomana waShobari akaɓereka Jahati; Jahati akaɓereka Ahumai naRahadi. Ndiwo marudzi aʋaZorati. 3Ʋuye aʋa ndiʋo ʋaiʋa ʋanakomana ʋaɓaɓa ʋaEtami: Jezreeri, naIshma, naIdbashi; ʋuye zita rehanɀadzi yaʋo rakaŋga riri Hazereponi; 4naPenueri ɓaɓa ʋaGedori, naEzeri ɓaɓa ʋaHusha. Ndiʋo ʋana ʋaHuri, weɗaŋgwe waEfrata, ɓaɓa ʋaBeti‐rehemi. 5Ɀino Ashuri ɓaɓa ʋaTekoa wakaŋga anaʋakadzi ʋaʋiri, Hera naNaara. 6Naara akamuɓerekera Ahuzami, naHeferi, naTemeni, naHaahashtari. Ndiʋo ʋaiʋa ʋanakomana ʋaNaara. 7Ʋanakomana ʋaHera ʋaiʋa Zereti, naIzhari, naEtnani. 8Hakozi akaɓereka Anubi, naZobeba, nehama dzaAhareri mŋanakomana waHarumi. 9Jabezi akakudzwa kukunda ʋanuŋuna ʋake, mai ʋake ʋakamutumidza zita rinonzi Jabezi, ʋaciti: Nokuti ndakamuɓereka ndicitambudzika. 10Jabezi akaɗana kunaMŋari waIsraeri, akati: Haiwa, ɗai mucindiropafadza henyu, nokukurisa nyika yaŋgu, nokundifambisa noruʋoko rwenyu, nokundiceŋgeta kuneɀakaipa, kuti ɀirege kundiwira! Mŋari akamupa ɀaakakumbira. 11Kerubi munuŋuna waShuha akaɓereka Mehiri, iye wakaŋga ari ɓaɓa ʋaEshtoni. 12Eshtoni akaɓereka Beti‐rafa, naPasea, naTehina ɓaɓa ʋaIri‐nahashi. Ndiʋo ʋana ʋaReka. 13Ʋanakomana ʋaKenazi: Otnieri, naSeraya; ʋanakomana ʋaOtnieri: Hatati. 14Meonotai akaɓereka Ofra; Seraya akaɓereka Joabi ɓaɓa ʋaGe‐harashimi; nokuti dzaiʋa mhizha. 15Ʋanakomana ʋaKarebi mŋanakomana waJefune: Iru, naEra, naNaami; ʋanakomana ʋaEra: Kenazi. 16Ʋanakomana ʋaJehareri: Zifi, naZifa, naTiria, naAsareri. 17Ʋanakomana ʋaEzra: Jeteri, naMeredi, naEferi, naJaroni. Bitia, mukunda waFarao, akaɓereka Miriami, naShamai, naIshba ɓaɓa ʋaEshtemoa. 18Mukadzi wake muJuda akaɓereka Jeredi ɓaɓa ʋaGedori, naHeberi ɓaɓa ʋaSoko, naJekutieri ɓaɓa ʋaZanoa. Ndiʋo ʋanakomana ʋaBitia mukunda waFarao, wakaŋga akawanikwa naMeredi. 19Ʋanakomana ʋomukadzi waHodia, hanɀadzi yaNahami ʋakaŋga ʋari ɓaɓa ʋaKeira muGarmi, naEshtemoa muMaakati. 20Ʋanakomana ʋaShimoni: Amnoni, naRina, naBeni‐hanani, naTironi. Ʋanakomana ʋaIshi; Zoheti, naBeni‐zoheti. 21Ʋanakomana ʋaShera mŋanakomana waJuda: Eri ɓaɓa ʋaReka, naRaada ɓaɓa ʋaMaresha, nehama yedzimba dzaiʋo ʋairuka muceka wakaiȿo‐naka, ʋeimba yaAshbea; 22naJokimi, naʋarume ʋeKozeba, naJoashi, naSarafi, ʋaiɓata ʋushe bgaMoabi, naJashubi‐rehemi. Mashoko awa nde‐ekare. 23Ndiʋo ʋaiʋa ʋaʋumbi ʋehari, ʋuye ʋaigara paNetaimi neGedera; ndipo paʋaigara namambo kuzoɓate‐ɓasa rake.
Ʋana ʋaSimeoni.
24Ʋanakomana ʋaSimeoni: Nemueri, naJamini, naJaribi, naZera, naShauri; 25mŋanakomana wake Sharumi, mŋanakomana wake Mibsami, mŋanakomana wake Mishma. 26Ʋanakomana ʋaMishma: Mŋanakomana wake Hamueri, mŋanakomana wake Zakuri, mŋanakomana wake Shimei. 27Ɀino Shimei wakaŋga anaʋanakomana ʋanegumi naʋatanhatu naʋanasikana ʋatanhatu; asi ʋanuŋuna ʋake ʋakaŋga ʋasinaʋana ʋazhinji, ʋuye rudzi rwaʋo rwose haruna‐kuwanda, saʋana ʋaJuda. 28Iʋo ʋakagara paBeeri‐sheba, neMorada, neHazari‐shuari; 29napaBirha, napaEzemi, napaToradi; 30napaBetueri, napaHorma, napaZikragi; 31napaBeti‐markaboti, napaHazari‐susimi napaBeti‐biri, napaShaaraimi. Ndiwo aiʋa maguta aʋo kuȿikira Davidi aciɓata ʋushe. 32Misha yaʋo yakaŋga iri Etami, neAini, neRimoni, neTokeni, neAshani, maguta mashanu; 33nemisha yaʋo yose, yakaŋga yakakomba maguta iwayo, kuȿikira paBaari. Ndipo paʋaigara, ʋuye mazita amarudzi aʋo ari’po. 34NaMeshobabi, naJamreki, naJosha mŋanakomana waAmazia; 35naJoseri, naJehu mŋanakomana waJoshibia, mŋanakomana waSeraya, mŋanakomana waAsieri; 36naErioenai, naJaakoba, naJeshohaya, naAsaya, naAdieri, naJeshmieri, naBenaya; 37naZiza mŋanakomana waShifi, mŋanakomana waAroni, mŋanakomana waJedaya, mŋanakomana waShimri, mŋanakomana waShemaya; 38aʋa ʋakarebga mazita aʋo, ʋaiʋa macinda pamarudzi aʋo; dzimba dzamadziɓaɓa aʋo dzikawanda kwaɀo. 39Ʋakaenda paʋanopinda paGedori, kuȿikira parutiʋi rwamabvazuʋa rwomupata, kutȿakira makwai aʋo mafuro. 40Ʋakawana mafuro akanaka kwaɀo, ʋuye nyika yakaŋga iri mhami, inorugare nokunyarara; nokuti ʋaigara’po kare ʋaiʋa ʋana ʋaHami. 41Aʋa, ʋakanyorwa mazita aʋo, ʋakaȿika pamazuʋa aHezekia mambo waJuda, ʋakaputsa matente aʋo ʋuye ʋaMeunimi ʋaʋakawana’po, ʋakaʋaparadza cose, kuȿikira nhasi, ʋakagara panyika yaʋo; nokuti kwakaŋga kunamafuro’po amakwai aʋo. 42Ʋamŋe ʋaʋo, iʋo ʋanakomana ʋaSimeoni, ʋaiʋa ʋarume ʋanamazana mashanu, ʋakaenda kugomo reSeiri, ʋakatuŋgamirirwa naPeratia, naNearia, naRefaia, naUzieri, ʋanakomana ʋaIshi. 43Ʋakakunda ʋakaŋga ʋasara ʋaʋaAmareki, ʋakapukunyuka, ʋakagara’po kuȿikira zuʋa ranhasi.
Zvasarudzwa nguva ino
I Makoronike 4: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018