Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Makoronike 5

5
Ʋana ʋaRubeni.
1Ʋana ʋaRubeni mŋana weɗaŋgwe waIsraeri, (nokuti ndiye wakaŋga ari weɗaŋgwe; asi ɀaakaȿiɓisa nhoʋo yaɓaɓa ʋake, ʋuɗaŋgwe bgake bgakapiwa ʋanakomana ʋaJosefa mŋanakomana waIsraeri; naiɀoɀo mazita amadziteteguru haaʋereŋgwi noʋuɗaŋgwe. 2Nokuti Juda ndiye wakaŋga ari mukuru pakati paʋana ʋaɓaɓa ʋake, mutuŋgamiriri akabva kwaari; asi ʋuɗaŋgwe bgakaŋga ʋuri bgaJosefa;) 3ʋanakomana ʋaRubeni mŋana weɗaŋgwe waIsraeri: Hanoki, naParu, naHezroni, naKarmi. 4Ʋanakomana ʋaJoeri: Shemaya mŋanakomana wake, Gogi mŋanakomana wake, naShimei mŋanakomana wake; 5Mika mŋanakomana wake, naReaya mŋanakomana wake, naBaari mŋanakomana wake; 6naBeera mŋanakomana wake, iye wakatapxa naTirgati‐pirneseri mambo weAsiria; iye wakaŋga ari mucinda waʋaRubeni. 7Naʋanuŋuna ʋake nedzimba dzaʋo kana mazita amadziteteguru aciʋereŋgwa: Mukuru Jeyieri, naZekaria, 8naBera mŋanakomana waAzazi, mŋanakomana waShema, mŋanakomana waJoeri, waigara paAroeri kuȿikira paNebo neBaari‐meoni; 9kurutiʋi rwamabvazuʋa wakaŋga agere kuȿikira pakutaŋga kwerenje kubva kurwizi Yufratesi; nokuti ŋombe dzaʋo dzakaŋga dzawanda panyika yeGireadi. 10Namazuʋa aSauri ʋakarwa naʋaHagari, ʋakaʋakunda; ʋakagara pamatente aʋo panyika yose yakaŋga iri kumabvazuʋa eGireadi.
Ʋana ʋaGadi.
11Ʋanakomana ʋaGadi ʋakaŋga ʋagere kwakatarisana naʋo panyika yeBashani, kuȿikira paSareka; 12Joeri mukuru, naShafani wecipiri, naJanai, naShafati, paBashani; 13naʋanuŋuna ʋaʋo ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋo: Mikaeri, naMeshurami, naSheba, naJorai, naJakani, naZiya, naEberi, iʋo ʋanomŋe. 14Ndiʋo ʋanakomana ʋaAbihairi mŋanakomana waHuri, mŋanakomana waJaroa, mŋanakomana waGireadi, mŋanakomana waMikaeri, mŋanakomana waJeshishai, mŋanakomana waJado, mŋanakomana waBuzi, 15naAhi, mŋanakomana waAbdieri, mŋanakomana waGuni, mukuru wedzimba dzamadziɓaɓa aʋo. 16Iʋo ʋakaŋga ʋagere paGireadi paBashani, nomumisha yaro mikuru, nomuruwa reSharoni, kuȿikira kumiganhu yayo. 17Aʋa ʋose ʋaiʋereŋgwa namazita amadziteteguru aʋo pamazuʋa aJotami mambo waJuda, napamazuʋa aJeroboami mambo waIsraeri.
18Ʋanakomana ʋaRubeni, naʋaGadi, nehafu yorudzi rwaManase, ʋarume ʋoʋumhare, ʋarume ʋaigona kushoŋga nhoʋo neminondo, nokufura noʋuta, ʋaigona kurwa, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna neɀinna namazana manomŋe namakumi matanhatu, ʋaigona kundorwa. 19Ʋakarwa naʋaHagari, naJeturi, naNafishi, naNodabi. 20Ʋakaɓatsirwa pakurwa naʋo, ʋaHagari ʋakakundwa naʋo, naʋose ʋaiʋa naʋo; nokuti ʋakaɗana kunaJehova ʋari pakurwa, akaʋanzwa; nokuti ʋakaŋga ʋacitenda kwaari. 21Ʋakatapa ɀipfuwo ɀaʋo, makamera aneɀuru ɀinamakumi mashanu, namakwai aneɀuru ɀinamazana maʋiri namakumi mashanu, nemboŋgoro dzineɀuru ɀiʋiri, naʋanhu ʋaneɀuru ɀinezana. 22Ʋazhinji ʋakafa ʋaʋurawa, nokuti kurwa kwaŋga kuri kwaMŋari. Iʋo ʋakagara panɀimbo yaʋo kuȿikira pakutapxa kwaʋo.
Ʋana ʋehafu yorudzi rwaManase.
23Ʋanakomana ʋehafu yorudzi rwaManase ʋakaŋga ʋagere panyika iyo; ʋakawanda kubva paBashani kuȿikira paBaari‐hermoni neSeniri, negomo reHermoni. 24Ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋo ndiʋo: Eferi, naIshi, naErieri, naAsrieri, naJeremia, naHodavia, naJadieri, ʋarume ʋaiʋa nesimba noʋumhare, ʋanhu ʋaiʋa nembiri, ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋo.
25Asi ʋakazotadzira Mŋari wamadziɓaɓa aʋo, ʋakapata ʋaciteʋera ʋamŋari ʋendudzi dzenyika iyo, dzakaŋga dzaparadzwa naMŋari pamberi paʋo. 26Mŋari waIsraeri akamutsa mŋeya waPuri mambo weAsiria, nomŋeya waTirgati‐pirneseri mambo weAsiria; iye akaʋatapa, iʋo ʋaRubeni, naʋaGadi, nehafu yorudzi rwaManase, akaʋaisa Hara, neHabori, neHara, nokurwizi Gozani kuȿikira nhasi.

Zvasarudzwa nguva ino

I Makoronike 5: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda