Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Makoronike 6

6
Ʋana ʋaRevi.
1Ʋanakomana ʋaRevi: Gershoni, naKohati, naMerari; 2naʋanakomana ʋaKohati: Amrami, naIshari, naHebroni, naUzieri. 3Ʋanakomana ʋaAmrami: Aroni, naMosesi, naMiriami. Ʋanakomana ʋaAroni: Nadabi, naAbihu, naEriazari, naItamari. 4Eriazari akaɓereka Pinehasi, Pinehasi akaɓereka Abishua, 5Abishua akaɓereka Buki, Buki akaɓereka Uzi, 6Uzi akaɓereka Zerahiya, Zerahiya akaɓereka Merayoti, 7Merayoti akaɓereka Amaria, Amaria akaɓereka Ahitubi, 8Ahitubi akaɓereka Zadoki, Zadoki akaɓereka Ahimaazi, 9Ahimaazi akaɓereka Azaria, Azaria akaɓereka Johanani, 10Johanani akaɓereka Azaria, (ndiye waiɓate‐ɓasa romuprista muimba yakaʋakwa naSoromoni paJerusarema;) 11Azaria akaɓereka Amaria, Amaria akaɓereka Ahitubi, 12Ahitubi akaɓereka Zadoki, Zadoki akaɓereka Sharumi, 13Sharumi akaɓereka Hirkia, Hirkia akaɓereka Azaria, 14Azaria akaɓereka Seraya, Seraya akaɓereka Jehozadaki, 15Jehozadaki akatapxa, ŋguʋa yakatapa Jehova Juda neJerusarema noruʋoko rwaNebukadnezari.
16Ʋanakomana ʋaRevi: Gershomi, naKohati, naMerari: 17Mazita aʋanakomana ʋaGershomi ndiwo: Ribni naShimei. 18Ʋanakomana ʋaKohati: Amrami, naIshari, naHebroni, naUzieri; 19naʋanakomana ʋaMerari: Mari, naMushi. Ʋuye ndidzo dzimba dzaʋaRevi, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo: 20ƲaGershoni: Ribni mŋanakomana wake, naJahati mŋanakomana wake, naZima mŋanakomana wake, 21naJoa mŋanakomana wake, naIdo mŋanakomana wake, naZera mŋanakomana wake, naJeaterai mŋanakomana wake. 22Ʋanakomana ʋaKohati: Aminadabi mŋanakomana wake, naKora mŋanakomana wake, naAsiri mŋanakomana wake, 23naErkana mŋanakomana wake, naAbiasafi mŋanakomana wake, naAsiri mŋanakomana wake, 24naTahati mŋanakomana wake, naUrieri mŋanakomana wake, naUzi mŋanakomana wake, naShauri mŋanakomana wake. 25Ʋanakomana ʋaErkana: Amasai, naAhimoti. 26Kana ari Erkana: Ʋanakomana ʋaErkana: Zofai mŋanakomana wake, naNahati mŋanakomana wake, 27naEriabi mŋanakomana wake, naJehorami mŋanakomana wake, naErkana mŋanakomana wake. 28Ʋanakomana ʋaSamueri: Weɗaŋgwe Joeri, nowecipiri Abija. 29Ʋanakomana ʋaMerari: Mari, naRibni mŋanakomana wake, naShimei mŋanakomana wake, naUza mŋanakomana wake, 30naShimra mŋanakomana wake, naHagia mŋanakomana wake, naAsaya mŋanakomana wake.
31Ʋuye aʋa ndiʋo ʋakagadzwa naDavidi kuzofambisa ɓasa rokuimba mumba maJehova, areka yawana pokuzorora. 32Ʋaishumira pakuimba pamberi petabernakeri yetente rokusoŋgana, kuȿikira Soromoni aʋaka imba yaJehova paJerusarema; ʋakamira paɓasa raʋo, seɀaʋakaŋga ʋagoʋerwa napo. 33Ndiʋo ʋaimira’po naʋanakomana ʋaʋo: Kuʋanakomana ʋaKohati: Hemani muimbi, mŋanakomana waJoeri, mŋanakomana waSamueri; 34mŋanakomana waErkana, mŋanakomana waJehorami, mŋanakomana waErieri, mŋanakomana waToa; 35mŋanakomana waZufi, mŋanakomana waErkana, mŋanakomana waMahati, mŋanakomana waAmasai; 36mŋanakomana waErkana, mŋanakomana waJoeri, mŋanakomana waAzaria, mŋanakomana waZefania, 37mŋanakomana waTahati, mŋanakomana waAsiri, mŋanakomana waEbiasafi, mŋanakomana waKora; 38mŋanakomana waIshari, mŋanakomana waKohati, mŋanakomana waRevi, mŋanakomana waIsraeri. 39Munuŋuna wake Asafi, wakaŋga amire kurudyi rwake, iye Asafi mŋanakomana waBerekia, mŋanakomana waShimea; 40mŋanakomana waMikaeri, mŋanakomana waBaaseya, mŋanakomana waMarkija; 41mŋanakomana waItni, mŋanakomana waZera, mŋanakomana waAdaya; 42mŋanakomana waEtani, mŋanakomana waZima, mŋanakomana waShimei; 43mŋanakomana waJahati, mŋanakomana waGershomi, mŋanakomana waRevi. 44Kuruɓoshwe rwaʋo, hama dzaʋo iʋo ʋanakomana ʋaMerari: Etani mŋanakomana waKishi, mŋanakomana waAbdi, mŋanakomana waMaruki; 45mŋanakomana waHashabia, mŋanakomana waAmazia, mŋanakomana waHirkia; 46mŋanakomana waAmzi, mŋanakomana waBani, mŋanakomana waShemeri; 47mŋanakomana waMari, mŋanakomana waMushi, mŋanakomana waMerari, mŋanakomana waRevi. 48Hama dzaʋo iʋo ʋaRevi ndiʋo ʋakagoʋerwa maɓasa ose patabernakeri yeimba yaJehova.
49Asi Aroni naʋanakomana ʋake ʋaiɓayira paartari yeɀipiriso ɀinopiswa, napaartari yeɀinonhuwira, ʋaiɓata maɓasa ose apanɀimbo tȿene‐tȿene, nokuyananisira Israeri, ʋaciita ɀose ɀakarairwa naMosesi muranda waMŋari. 50Ʋanakomana ʋaAroni ndiʋo: Eriazari mŋanakomana wake, naPinehasi mŋanakomana wake, naAbishua mŋanakomana wake; 51naBuki mŋanakomana wake, naUzi mŋanakomana wake, naZerahiya mŋanakomana wake; 52naMerayoti mŋanakomana wake, naAmaria mŋanakomana wake, naAhitubi mŋanakomana wake; 53naZadoki mŋanakomana wake, naAhimaazi mŋanakomana wake.
54Kwaʋaigara, kwaʋaidzika matente aʋo panyika yaʋo, ndiko: Ʋanakomana waAroni, ʋedzimba dzaʋaKohati, nokuti ndiʋo ʋakataŋga kugoʋerwa, 55iʋo ʋakapiwa Hebroni panyika yaJuda, namafuro aro akaŋga akapoteredza; 56asi minda yeguta, nemisha yaro, yakapiwa Karebi mŋanakomana waJefune. 57Ʋanakomana ʋaAroni ʋakapiwa maguta oʋutiziro, aiti: Hebroni, neRibna namafuro awo, neJatiri, neEshtemoa namafuro awo; 58neHireni namafuro aro, neDebiri namafuro aro; 59neAshani namafuro aro, neBeti‐shemeshi namafuro aro. 60Ʋuye ʋorudzi rwaBenjamini: Geba namafuro aro, neAremeti namafuro aro, neAnatoti namafuro aro. Maguta aʋo ose pakati pedzimba dzaʋo dzose, aiʋa maguta anegumi namatatu. 61Ʋamŋe ʋanakomana ʋaKohati ʋakapiwa nemijenya maguta anegumi pakati pehafu yorudzi rwaManase, iyo hafu yaManase. 62Ʋanakomana ʋaGershomi nedzimba dzaʋo, ʋo rudzi rwaIsakari, noʋorudzi rwaAsheri, noʋorudzi rwaNaftari, noʋorudzi rwaManase paBashani, ʋakapiwa maguta anegumi namatatu.
63Ʋanakomana ʋaMerari nedzimba dzaʋo ʋakapiwa nemijenya ʋorudzi rwaRubeni, noʋorudzi rwaGadi, noʋorudzi rwaZeburuni, maguta anegumi namaʋiri. 64Ʋana ʋaIsraeri ʋakapa ʋaRevi maguta namafuro awo. 65Ʋakaʋapa nemijenya maguta iwayo akarebga mazita awo ʋorudzi rwaʋana ʋaJuda, noʋorudzi rwaʋana ʋaSimeoni, noʋorudzi rwaʋana ʋaBenjamini. 66Asi ʋamŋe ʋedzimba dzaʋana ʋaKohati ʋakaŋga ʋanamaguta panyika yaʋo, ʋorudzi rwaEfraimi. 67Ʋakaʋapa maguta oʋutiziro, aiti: Shekemi kunyika yamakomo aEfraimi namafuro aro, neGezeri namafuro aro; 68neJokmeami namafuro aro, neBeti‐horoni namafuro aro, 69neAjaroni namafuro aro, neGatrimoni namafuro aro; 70ʋehafu yorudzi rwaManase ʋakapiwa Aneri namafuro aro, neBireami namafuro aro, ndiɀo ɀakapiwa ʋamŋe ʋeimba yaʋana ʋaKohati. 71Ʋanakomana ʋaGershomi ʋakapiwa pakati peimba yehafu yorudzi rwaManase, Gorani paBashani namafuro aro, neAshtaroti namafuro aro; 72noʋorudzi rwaIsakari: Kedeshi namafuro aro, neDaberati namafuro aro, 73neRamoti namafuro aro, neAnemi namafuro aro; 74noʋorudzi rwaAsheri: Mashari namafuro aro, neAbdoni namafuro aro; 75neHukoki namafuro aro, neRehobi namafuro aro; 76noʋorudzi rwaNaftari: Kedeshi paGarire namafuro aro, neHamoni namafuro aro, neKiriataimi namafuro aro. 77Ʋamŋe ʋaʋaRevi, iʋo ʋanakomana ʋaMerari, ʋakapiwa ʋorudzi rwaZeburuni: Rimono namafuro aro, neTabori namafuro aro; 78ʋuye mhiri kwaJoridani paJeriko, kumabvazuʋa aJoridani, ʋorudzi rwaRubeni, ʋakapiwa Bezeri riri kurenje namafuro aro, neJaza namafuro aro, 79neKedemoti namafuro aro, neMefati namafuro aro; 80noʋorudzi rwaGadi: Ramoti paGireadi namafuro aro, neMahanaimi namafuro aro, 81neHeshboni namafuro aro, neJazeri namafuro aro.

Zvasarudzwa nguva ino

I Makoronike 6: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda