I Makoronike 7
7
Ʋana ʋaIsakari.
1Ʋanakomana ʋaIsakari: Tora, naPua, naJashubi, naShimroni, iʋo ʋanna. 2Ʋanakomana ʋaTora: Uzi, naRefaya, naJerieri, naJamai, naIbsami, naShemueri, ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, idzo dzaTora; ʋaiʋa ʋarume ʋanesimba noʋumhare pakati pamarudzi aʋo; pamazuʋa aDavidi ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀiʋiri namazana matanhatu. 3Ʋanakomana ʋaUzi: Izrahiya; naʋanakomana ʋaIzrahiya: Mikaeri naObadia, naJoeri, naIshia, iʋo ʋashanu; aʋa ʋose ʋakaŋga ʋari ʋakuru. 4Kwaʋari, kumarudzi aʋo nokudzimba dzamadziɓaɓa aʋo, kwakaŋga kunamapoka ehondo dzokurwa aneɀuru ɀinamakumi matatu neɀitanhatu; nokuti ʋakaŋga ʋanaʋakadzi ʋazhinji naʋanakomana ʋazhinji. 5Hama dzaʋo pakati pedzimba dzose dzaIsakari, iʋo ʋarume ʋanesimba noʋumhare, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi masere neɀinomŋe, kana ʋaciʋereŋgwa mazita aʋo ose.
Ʋana ʋaBenjamini naNaftari.
6 Ʋanakomana ʋaBenjamini: Bera, naBekeri, naJediyaeri, iʋo ʋatatu. 7Ʋanakomana ʋaBera: Ezboni, naUzi, naUzieri, naJerimoti, naIri, iʋo ʋashanu. Iʋo ʋakaŋga ʋari ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, ʋarume ʋanesimba noʋumhare, ʋakaʋereŋgwa mazita aʋo ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀiʋiri namakumi matatu naʋanna. 8Ʋanakomana ʋaBekeri: Zemira, naJoashi, naEriezeri, naErioenai, naOmri, naJeremoti, naAbiia, naAnatoti, naAremeti. Iʋo ʋose ʋakaŋga ʋari ʋanakomana ʋaBekeri. 9Ʋakaʋereŋgwa mazita aʋo namarudzi aʋo, ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, ʋarume ʋanesimba noʋumhare, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi maʋiri namazana maʋiri. 10Ʋanakomana ʋaJediyaeri: Birhani, naʋanakomana ʋaBirhani: Jehushi, naBenjamini, naEhudi, naKenana, naZetani, naTarshishi, naAhishahari. 11Iʋo ʋose ʋakaŋga ʋari ʋanakomana ʋaJediyaeri, ʋaciʋereŋgwa ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, ʋarume ʋanesimba noʋumhare, ʋakaȿika ɀuru ɀinegumi neɀinomŋe namazana maʋiri, ʋakaŋga ʋacigona kuenda kuhondo kundorwa. 12NaShupimi ʋo, naHupimi, ʋanakomana ʋaIri, naHushimi, ʋanakomana ʋaAheri.
13Ʋanakomana ʋaNaftari: Jazieri, naGuni, naJezeri, naSharumi, ʋanakomana ʋaBirha.
Ʋana ʋaManase.
14Ʋanakomana ʋaManase: Asrieri, waakaɓerekerwa nomukadzi wake; (muroŋgo wake muArami wakaɓereka Makiri ɓaɓa ʋaGireadi; 15Makiri akawana mukadzi worudzi rwaHupimi naShupimi, zita rehanɀadzi yake raiʋa Maaka;) zita rowecipiri rakaŋga riri Zerofehadi; Zerofehadi wakaŋga anaʋakunda. 16Maaka mukadzi waMakiri akaɓereka mŋanakomana, akatumidza zita rake Pereshi; zita romunuŋuna wake raiʋa Shereshi, ʋanakomana ʋake ʋakaŋga ʋari Urami naRakemi. 17Ʋanakomana ʋaUrami: Bedani. Ndiʋo ʋanakomana ʋaGireadi mŋanakomana waMakiri, mŋanakomana waManase. 18Hanɀadzi yake Hamoreketi akaɓereka Ishodi, naAbiezeri, naMara. 19Ʋanakomana ʋaShemida: Ahiani, naShekemi, naRiki naAniami.
Ʋana ʋaEfraimi.
20Ʋanakomana ʋaEfraimi: Shutera, naBeredi mŋanakomana wake, naTahati mŋanakomana wake, naEreada mŋanakomana wake, naTahati mŋanakomana wake, 21naZabadi mŋanakomana wake, naShutera mŋanakomana wake, naEzeri, naEreadi; iʋo ʋakaʋurawa naʋanhu ʋeGati ʋakaŋga ʋakaɓerekerwa panyika iyo, nokuti ʋakaŋga ʋaɓurukira kwaʋari kuzotora ɀipfuwo ɀaʋo. 22Efraimi ɓaɓa ʋaʋo akaʋacema mazuʋa mazhinji, hama dzake dzikaʋuya kuzomuɓata ruʋoko. 23Akapinda kumukadzi wake, iye akaʋa nemimba, akaɓereka mŋanakomana, akamutumidza zita rinonzi Beria; nokuti imba yake yakaŋga icitambudzika. 24Mukunda wake waiʋa Sheera, iye akaʋaka Beti‐horoni rezasi nerokumsoro, neUzeni‐sheera. 25Mŋanakomana wake waiʋa Refa, naReshefi, naTera mŋanakomana wake, naTahani mŋanakomana wake; 26naRadani mŋanakomana wake, naAmihudi mŋanakomana wake, naErishama mŋanakomana wake, 27naNuni mŋanakomana wake, naJehoshua mŋanakomana wake. 28Nyika yaʋo nokwaʋakaŋga ʋagere ndiBeti‐eri nemisha yaro; nokumabvazuʋa, Naarani, nokumaʋirira Gezeri nemisha yaro; neShekemi nemisha yaro, kuȿikira paAza nemisha yaro; 29nokumiganhu yaʋana ʋaManase. Beti‐sheani nemisha yaro, neTaanaki nemisha yaro, neMegido nemisha yaro, neDori nemisha yaro. Ʋana ʋaJosefa mŋanakomana waIsraeri ʋakagara mumisha iyi.
Ʋana ʋaAsheri.
30Ʋanakomana ʋaAsheri: Imna, naIshva, naIshvi, naBeria, naSera hanɀadzi yaʋo. 31Ʋanakomana ʋaBeria: Heberi, naMarkieri, waiʋa ɓaɓa ʋaBirzaiti. 32Heberi akaɓereka Jafreti, naShomeri, naHotami, naShua hanɀadzi yaʋo. 33Ʋanakomana ʋaJafreti: Pasaki, naBimari, naAshvati. Ndiʋo ʋanakomana ʋaJafreti. 34Ʋanakomana ʋaShemeri: Ahi, naRoga, naJehuba, naArami. 35Ʋanakomana ʋaHeremi munuŋuna wake: Zofa, naImna, naShereshi, naAmari. 36Ʋanakomana ʋaZofa: Sua, naHarneferi, naShuari, naBeri, naImra; 37naBeseri, naHodi, naShama, naShirsha, naItrani, naBeera. 38Ʋanakomana ʋaJeteri: Jefune, naPispa, naAra. 39Ʋanakomana ʋaUra: Ara, naHanieri, naRizia. 40Aʋa ʋose ʋaiʋa ʋana ʋaAsheri, ʋari ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, ʋarume ʋakaŋga ʋakatsaurwa, ʋanesimba noʋumhare, ʋakuru ʋamacinda. Ʋakaʋereŋgwa namazita aʋo, iʋo ʋaigona kurwa, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀitanhatu.
Zvasarudzwa nguva ino
I Makoronike 7: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018