Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Makoronike 8

8
Ʋana ʋaBenjamini naSauro.
1Benjamini wakaɓereka mŋana wake weɗaŋgwe Bera, naAshberi wecipiri, naAhara wecitatu; 2naNoa wecinna, naRafa weshanu. 3Bera akaɓereka ʋanakomana: Adari, naGera, naAbihudi; 4naAbishua, naNaamani, naAhoa; 5naGera, naShefufani, naHurami. 6Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaEhudi: Ndiʋo ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aigara paGeba, ʋakaʋatapa, ʋakaenda naʋo Manahati; 7naNaamani, naAhiya, naGera, iye akaʋatapa; akaɓereka Uza naAhihudi. 8Shaharaimi akaɓereka ʋanakomana panyika yaMoabi, adziŋga ʋakadzi ʋake Hushimi naBaara. 9Akaɓereka kumukadzi wake Hodeshi: Jobabi, naZibia, naMesha, naMarkami; 10naJeuzi, naShakia, naMirma. Ndiʋo ʋanakomana ʋake, ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa. 11Hushimi akaɓereka Abitubi naErpaari. 12Ʋanakomana ʋaErpaari: Eberi, naMishami, naShemedi; ndiye wakaʋaka Ono, neRodi, nemisha yawo; 13naBeria, naShema, iʋo ʋaiʋa ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aigara paAjaroni, ʋakadziŋga ʋakaŋga ʋagere paGati; 14naAhiyo, naShashaki, naJeremoti; 15naZebadia, naAradi, naEderi; 16naMikaeri, naIshpa, naJoha, iʋo ʋanakomana ʋaBeria; 17naZebadia, naMeshurami, naHizki, naHeberi; 18naIshmerai, naIzria, naJobabi, iʋo ʋanakomana ʋaErpari; 19naJakimi, naZikri, naZabdi; 20naErienai, naZiretai, naErieri; 21naAdaya, naBeraya, naShimrati, iʋo ʋanakomana ʋaShimei; 22naIshpani, naEberi, naErieri; 23naAbdoni, naZikri, naHanani; 24naHanania, naErami, naAnatotiya; 25naIfdeya, naPenueri, iʋo ʋanakomana ʋaShashaki; 26naShamsherai, naSheharia, naAtaria; 27naJareshia, naEria, naZikri, iʋo ʋanakomana ʋaJehorami. 28Iʋo ʋaiʋa ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa kumarudzi aʋo ose, ʋakuru; iʋo ʋaigara Jerusarema. 29PaGibeoni paigara ɓaɓa ʋaGibeoni, wainzi Jeiri; zita romukadzi wake rakaŋga riri Maaka. 30Mŋanakomana wake weɗaŋgwe waiʋa Abdoni, naZuri, naKishi, naBaari, naNadabi; 31naGedori, naAhio, naZekeri. 32Mikroti akaɓereka Shimea. Naiʋo ʋaigara nehama dzaʋo Jerusarema, ʋakatarisana nehama dzaʋo. 33Neri akaɓereka Kishi, Kishi akaɓereka Sauro, Sauro akaɓereka Jonatani, naMarkishua, naAbinadabi, naEshbaari. 34Mŋanakomana waJonatani wakaŋga ari Meribi‐baari; Meribi‐baari akaɓereka Mika. 35Ʋanakomana ʋaMika: Pitoni, naMereki, naTarea, naAhazi. 36Ahazi akaɓereka Joada, Joada akaɓereka Aremeti, naAzmaveti, naZimri; Zimri akaɓereka Moza; 37Moza akaɓereka Binea; Rafa waiʋa mŋanakomana wake, naEreasa mŋanakomana wake, naAzeri mŋanakomana wake. 38Azeri wakaŋga anaʋanakomana ʋatanhatu; mazita aʋo ndiwo: Azrikami, naBokeru, naIshmaeri, naShearia, naObadia, naHanani. Aʋa ʋose ʋaiʋa ʋanakomana ʋaAzeri. 39Ʋanakomana ʋaEsheki munuŋuna wake: Urami mŋanakomana wake weɗaŋgwe, naJeuzi wecipiri, naErifereti wecitatu. 40Ʋanakomana ʋaUrami ʋaiʋa ʋarume ʋanesimba noʋumhare, ʋafuri ʋemiseʋe; ʋakaŋga ʋanaʋanakomana ʋazhinji, naʋanakomana ʋaʋanakomana ʋaʋo, ʋakaȿika zana namakumi mashanu. Iʋo ʋose ʋaiʋa ʋanakomana ʋaBenjamini.

Zvasarudzwa nguva ino

I Makoronike 8: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda