Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Makoronike 9

9
Ʋanhu, ʋakazogara Jerusarema, shure kwokutapxa kwaʋo.
1Naiɀoɀo ʋaIsraeri ʋose ʋakaʋereŋgwa mazita aʋo; tarirai, akanyorwa ose mubuku yamadzimambo aIsraeri. ƲaJuda ʋakazotapxa, ʋakaiswa Babironi nokuɗa kwokuɗarika kwaʋo. 2Ɀino, ʋakataŋga kugara panyika yaʋo napamaguta aʋo, ʋakaŋga ʋari ʋaIsraeri, naʋaprista, naʋaRevi, naʋaNetinimi. 3PaJerusarema ndipo pakaŋga pagere ʋana ʋaJuda, naʋana ʋaBenjamini, naʋana ʋaEfraimi, naʋaManase; 4Utai mŋanakomana waAmihudi, mŋanakomana waOmri, mŋanakomana waImri, mŋanakomana waBani, waʋana ʋaPerezi mŋanakomana waJuda. 5NaʋaShiro: Asaya mŋanakomana weɗaŋgwe, naʋanakomana ʋake. 6Ʋanakomana ʋaZera: Jeueri, nehama dzaʋo, ʋanamazana matanhatu namakumi mapfumbamŋe. 7Ʋanakomana ʋaBenjamini: Saru, mŋanakomana waMeshrami, mŋanakomana waHodavia, mŋanakomana waHasenua. 8NaIbneya, mŋanakomana waJehorami, naEra mŋanakomana waUzi, mŋanakomana waMikri, naMeshurami mŋanakomana waShefatia, mŋanakomana waReueri, mŋanakomana waIbniya; 9nehama dzaʋo, marudzi aʋo aiȿika mazana mapfumbamŋe namakumi mashanu namatanhatu. Ʋarume aʋa ʋose ʋakaŋga ʋari ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa padzimba dzamadziɓaɓa aʋo.
10Ʋaʋaprista: Jedaya, naJehoyaribi, naJakini; 11naAzaria, mŋanakomana waHirkia, mŋanakomana waMeshurami, mŋanakomana waZadoki, mŋanakomana waMerayoti, mŋanakomana waAhitubi, mukuru paimba yaMŋari; 12naAdaya, mŋanakomana waJehorami, mŋanakomana waPashuri, mŋanakomana waMarkija, naMaasai, mŋanakomana waAdieri, mŋanakomana waJazera, mŋanakomana waMeshurami, mŋanakomana waMeshiremiti, mŋanakomana waImeri; 13nehama dzaʋo, ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋo ʋakaȿika curu cimŋe namazana manomŋe namakumi matanhatu; ʋarume ʋanesimba kwaɀo noʋumhare paɓasa rokushumira paimba yaMŋari. 14ƲaʋaRevi: Shemaya mŋanakomana waHashubi, mŋanakomana waAzrikami, mŋanakomana waHashabia, waʋanakomana ʋaMerari; 15naBakbakari, naHoreshi, naGarari, naMatania mŋanakomana waMika, mŋanakomana waZikri, mŋanakomana waAsafi; 16naObadia mŋanakomana waShemaya, mŋanakomana waGarari, mŋanakomana waJedutuni; naBerekia mŋanakomana waAsa, mŋanakomana waErkana, ʋakaŋga ʋagere pamisha yaʋaNetofati. 17Ʋatariri ʋamasuʋo: Sharumi, naAkubi, naTarmoni, naAhikami, nehama dzaʋo; Sharumi ndiye wakaŋga ari mukuru; 18ndiʋo ʋaitarira suʋo ramambo rokumabvazuʋa kuȿikira ɀino; ʋakaŋga ʋari ʋatariri ʋamasuʋo emisasa yaʋana ʋaRevi. 19Sharumi mŋanakomana waKore, mŋanakomana waEbiasafi, mŋanakomana waKora, nehama dzake, iʋo ʋeimba yaɓaɓa ʋake, ʋaKora, ndiʋo ʋaiʋa neɓasa rokushumira, ʋakatarira masuʋo etabernakeri; madziɓaɓa aʋo aitarira misasa yaJehova, nokuceŋgeta mikoʋa. 20Pinehasi mŋanakomana waEreazari waiʋa murairi waʋo kare, Jehova akaʋa naye. 21Zekaria mŋanakomana waMesheremia, wakaŋga ari mutariri womukoʋa wetente rokusoŋgana. 22Aʋa ʋose, ʋakatsaurwa kuti ʋaʋe ʋatariri ʋamasuʋo, ʋakaȿika mazana maʋiri negumi naʋaʋiri. Aʋa ʋose ʋakaʋereŋgwa mazita aʋo pamisha yaʋo, ʋakaŋga ʋakagadzwa paɓasa raʋo rakatarwa naDavidi naSamueri muʋoni. 23Naiɀoɀo iʋo naʋana ʋaʋo ʋakaŋga ʋari ʋatariri ʋamasuʋo eimba yaJehova, iyo imba yetabernakeri, ʋaciraʋana. 24Ʋatariri ʋakaŋga ʋari kumatiʋi manna, kumabvazuʋa, nokumaʋirira, nokumsoro, nenyasi. 25Hama dzaʋo pamisha yaʋo ʋaifanira kuʋuya ŋguʋa dzose kana mazuʋa manomŋe apera, kuzogara naʋo. 26Nokuti ʋatariri ʋanna ʋakuru ʋemikoʋa, ʋakaŋga ʋari ʋaRevi, ʋaiʋa paɓasa iri rakatarwa, ʋaitarira makamuri neɀiʋigiro ɀefuma paimba yaMŋari. 27Ʋaigara’po ʋakapoteredza imba yaMŋari, nokuti ndiʋo ʋakaŋga ʋapiwa ɓasa iri, ʋaiʋa neɓasa rokuizarura maŋgwanani ose. 28Ʋamŋe ʋaʋo ʋaifanira kutarira midziyo yokushumira nayo; nokuti yaipinzwa iciʋereŋgwa, ʋuye yaiɓuɗiswa iciʋereŋgwa. 29Ʋamŋe ʋaʋo ɀe ʋakaŋga ʋakagadzwa kuti ʋatarire nhumbi nemidziyo yose nenɀimbo tȿene, noʋupfu bgakatsetseka, newaini, namafuta, neɀinonhuwira, nemiti inonhuwira. 30Ʋamŋe ɀe ʋaʋanakomana ʋaʋaprista ʋaifanira kugadzira ɀinonhuwira ɀakaveŋganiswa. 31Matitia, mumŋe waʋaRevi, mŋanakomana weɗaŋgwe waSharumi, waʋaKora, wakaŋga akatarirwa ɓasa reɀinhu ɀaiɓikwa mugaŋgo. 32Naʋamŋe ʋehama dzaʋo, ʋaʋana ʋaKora, ʋaifanira kutarira ɀiŋgwa ɀokuratidza, kuɀigadzira saɓata rimŋe nerimŋe. 33Ʋuye ndiʋo ʋaimbi, ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋaRevi, ʋaigara mumakamuri ʋasiŋgaɓati ɀimŋe; nokuti ʋaiɓate‐ɓasa raʋo masikati noʋusiku. 34Iʋo ʋaiʋa ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋaRevi, ʋakuru kumarudzi aʋo; ndiʋo ʋaigara Jerusarema.
35Ɀino paGibeoni pakaŋga pagere ɓaɓa ʋaGibeoni, Jeieri; zita romukadzi wake rakaŋga riri Maaka. 36Mŋanakomana wake weɗaŋgwe waiʋa Abdoni, teʋere Zuri, naKishi, naBaari, naNeri, naNadabi; 37naGedori, naAhio, naZekaria, naMikroti. 38Mikroti wakaɓereka Shimeami. Iʋo ʋaigara ʋo pamŋe cete nehama dzaʋo paJerusarema, pakatarisana nehama dzaʋo. 39Neri akaɓereka Kishi, Kishi akaɓereka Sauro, Sauro akaɓereka Jonatani, naMarki‐shua, naAbinadabi, naEshbaari. 40Mŋanakomana waJonatani waiʋa Meribi‐baari. Meribi‐baari akaɓereka Mika. 41Ʋanakomana ʋaMika: Pitoni, naMereki, naTarea, naAhazi. 42Ahazi akaɓereka Jara, Jara akaɓereka Armeti naAzmaveti, naZimri; Zimri akaɓereka Moza; 43Moza akaɓereka Binea, naRefaya mŋanakomana wake, naEreasa mŋanakomana wake, naAzeri mŋanakomana wake; 44Azeri wakaŋga anaʋanakomana ʋatanhatu; mazita aʋo ndiwo: Azrikami, naBokeru, naIshmaeri, naShearia, naObadia, naHanani. Ndiʋo ʋanakomana ʋaAzeri.

Zvasarudzwa nguva ino

I Makoronike 9: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda