1
Kutsinhira Mutemo 1:30-31
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Tenzi Mwari wenyu anokutungamirirai, ndiye achakurwirai sezvaakakuitirai muIjipiti muchizviona nameso enyu. Achakuitirai sezvaakaita kurenje kwamakaona Tenzi Mwari wenyu achikutakurai kwose kwose kwamakaenda somunhu anotakura mwana wake kudzamara musvike pano.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Kutsinhira Mutemo 1:11
Tenzi Mwari wamadzibaba enyu ngaakuwanzei kazana kakazanirana. Ngaakukomborerei sokukutsidzirai kwaakaita.
3
Kutsinhira Mutemo 1:6
Akati, “Tichiri kuHorebhu Tenzi Mwari wedu akatiti, ‘Nguva yamagara pagomo pano, yareba.
4
Kutsinhira Mutemo 1:8
Iyoyi ndiyo nyika yandinokupai. Chipindai muitore muiite yenyu. Ndiyo nyika yakatsidzirwa naTenzi kupa madzibaba enyu vanaAbhurahamu naIsaki naJakobho nezvizvarwa zvavo.’ ”
5
Kutsinhira Mutemo 1:17
Musaite chizivano pakutonga. Teererai mhosva yomudiki kana yomukuru zvimwechetezvo. Musanyare munhu uso nokuti kutonga ndokwaMwari. Asi kana kuine mhosva yakaoma yamusingakwanisi kutonga uyai nayo kwandiri ndiinzwe.’
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo