Dhuteronomi 1:30-31
Dhuteronomi 1:30-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha Mwari wenyu unokutungamirirai, iye uchakurwirai, sezvaakakuitirai zvose paIjipiti pamberi penyu, nomurenje pamakaona muberekero wamakaberekwa nawo naJehovha Mwari wenyu, somunhu unobereka mwana wake; panzira dzenyu dzose dzamakafamba nadzo, kudzimara muchisvika panzvimbo iyi.’
Dhuteronomi 1:30-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha Mwari wenyu, iye anokutungamirirai, achakurwirai, sezvaakakuitirai muIjipiti, pamberi penyu chaipo, uye nomurenje. Imomo makaona kuti Jehovha Mwari wenyu akakutakurai sei, sezvinoita baba kana vachitakura mwanakomana wavo, nzira dzose dzamakafamba nadzo kudzamara muchisvika panzvimbo ino.”
Dhuteronomi 1:30-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi Mwari wenyu anokutungamirirai, ndiye achakurwirai sezvaakakuitirai muIjipiti muchizviona nameso enyu. Achakuitirai sezvaakaita kurenje kwamakaona Tenzi Mwari wenyu achikutakurai kwose kwose kwamakaenda somunhu anotakura mwana wake kudzamara musvike pano.
Dhuteronomi 1:30-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova Mŋari wenyu unokutuŋgamirirai, iye ucakurwirai, seɀaakakuitirai ɀose paEgipita pamberi penyu, nomurenje pamakaʋona muɓerekerwe wamakaɓerekwa nawo naJehova Mŋari wenyu, somunhu unoɓereka mŋana wake; panzira dzenyu dzose dzamakafamba nadzo, kudzimana muciȿika panɀimbo iyi.
Dhuteronomi 1:30-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)