Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kutsinhira Mutemo 1

1
Kusuma
1Aya ndiwo mashoko akataurwa naMosesi kuvaIsiraeri vose vachiri mhiri kwaJorodhani, murenje reArabha pakatarisana neSufu, vari pakati pamaguta aya anoti: Parani neToferu neRabhani neHazeroti neDhizahabhu. 2Kubva kuGomo reHorebhu#1:2 Gomo reHorebhu: Ndorimwechetero reSinai. uchienda nokugomo reSeiri kundosvika kuKadheshibharinea rwendo rwamazuva gumi nerimwechete. 3Mugore ramakumi mana pazuva rokutanga romwedzi wegumi nechiposhi vabva Ijipiti, Mosesi akarondedzera vaIsiraeri zvose zvaakarayirwa naTenzi pamusoro pavo. 4Akavarondedzera izvi abva mukukunda Sihoni mambo wevaAmori aigara muHeshibhoni naOgu mambo weBhashani aigara muAshitaroti nomuEdhirei. 5Vachiri mhiri kwaJorodhani ikoko, munyika yeMoabhu, Mosesi akatanga kutsanangura mutemo uyu.
6Akati, “Tichiri kuHorebhu Tenzi Mwari wedu akatiti, ‘Nguva yamagara pagomo pano, yareba. 7Zvino chisumukai munange nechokumakomo kunyika yevaAmori namatunhu ose akaipoteredza anoti: renje reArabha namakomo namapani neNegevhu namatunhu anotevedza gungwa, nenyika yevaKanani neyeRebhanoni kusvikira kurwizi rukuru rwaYufuratesi. 8Iyoyi ndiyo nyika yandinokupai. Chipindai muitore muiite yenyu. Ndiyo nyika yakatsidzirwa naTenzi kupa madzibaba enyu vanaAbhurahamu naIsaki naJakobho nezvizvarwa zvavo.’ ”
Kusarudzwa kwavatongi
(Kub 18:13–27)
9Mosesi akaenderera mberi achiti, “Panguva iyoyo ndakakutaurirai kuti, ‘Ini handichakwanisi kukutongai ndiri ndoga. 10Tenzi Mwari wenyu akakuitai kuti muwande. Zvino tarisai muone pari nhasi mawanda senyenyedzi dzedenga. 11Tenzi Mwari wamadzibaba enyu ngaakuwanzei kazana kakazanirana. Ngaakukomborerei sokukutsidzirai kwaakaita. 12Ndakati ko zvino ini ndoga ndingakwanise seiko kutakura nhuna dzenyu nemitoro yenyu nokukakavadzana kwenyu? 13Chisarudzai varume vane ungwaru vanonzwisisa mumadzinza enyu, vanoziva zvoupenyu ndigovaita vakuru vakuru venyu.’ 14Ipapo imi makanditi, ‘Zvamataura zvakanaka kuti tiite.’ 15Saka ndakatora vakuru vakuru vomumadzinza enyu vane ungwaru vagara noupenyu ndikavaita vatungamiriri venyu vemapoka mamwe ezviuru mamwe amazana mamwe emakumi mashanu mamwe egumi ravanhu. Ndakagadzawo makurukota mumadzinza enyu.
16“Panguva iyoyo ndakarayira vatongi venyu ndichiti, ‘Inzwai mhosva dzehama dzenyu mutonge zviri pamwero kunyange iri mhosva iri pakati pehama nehama kana mhosva iri pakati pehama kana nomutorwa waagere naye. 17Musaite chizivano pakutonga. Teererai mhosva yomudiki kana yomukuru zvimwechetezvo. Musanyare munhu uso nokuti kutonga ndokwaMwari. Asi kana kuine mhosva yakaoma yamusingakwanisi kutonga uyai nayo kwandiri ndiinzwe.’ 18Panguva iyoyo ndakakurayirai zvinhu zvose zvamunofanira kuita.
Kutumwa kwavasori vachibva paKadheshibharinea
(Kuve 13:1–33)
19“Takasimuka tichibva paHorebhu tikapfuura nomuzigwenga guru rinotyisa riya ramakaona munzira yokumakomo omunyika yavaAmori sokurayirwa kwatakaitwa naTenzi Mwari wedu. Takazosvika kuKadheshibharinea. 20Ipapo ndakati kwamuri, ‘Zvino mazosvika kumakomo omunyika yavaAmori yatinopiwa naTenzi Mwari wedu. 21Chitarisai muone nyika yamapiwa naTenzi Mwari wenyu. Chiendai mundoitora sokutaura kwakaita Tenzi Mwari wamadzibaba enyu. Regai kutya kana kuzeza.’ 22Mose makauya kwandiri mukati, ‘Ngatitumei varume vanoenda kundotisorera nyika iyoyo, vanozodzoka votiudza nzira yokuenda nayo namaguta atingasvikire.’
23“Ndakafadzwa nazvo, ndikasarudza varume gumi navaviri ndichitora murume mumwechete mudzinza roga roga. 24Vakasumuka vakaenda nokunyika yemakomo, vakandosvika kubani reEshikoru vakarisora. 25Vakadzoka vakabata mumaoko mimwe michero yenyika iyoyo yavakativigira. Vakatiunzirawo shoko rokuti, ‘Nyika yatiri kupiwa naTenzi Mwari wedu yakanaka.’
26“Asi makaramba kuendako mukatoita zvenyu zvakapesana nezvakarayirwa naTenzi Mwari wenyu. 27Makanyunyuta muri mumatendhe enyu muchiti, ‘Tenzi anotivenga, saka akatiburitsa kuIjipiti kuzotiisa mumaoko avaAmori kuti vatiparadze. 28Zvino toendepiko? Hama dzedu dzatiodza mwoyo dzichiti, Vanhu veko ihofori dzavanhu, vakareba kupfuura isu. Maguta avo makuru ane nhungamakore dzamasvingo. Takaonawo hofori dzokwaAnakimu dziriko.’
29“Asi ini ndakakutii, regai kuvazeza kana kuvatya. 30Tenzi Mwari wenyu anokutungamirirai, ndiye achakurwirai sezvaakakuitirai muIjipiti muchizviona nameso enyu. 31Achakuitirai sezvaakaita kurenje kwamakaona Tenzi Mwari wenyu achikutakurai kwose kwose kwamakaenda somunhu anotakura mwana wake kudzamara musvike pano. 32Kunyange zvakadaro, hamuna kutenda naTenzi Mwari wenyu. 33Murwendo rwenyu ndiye aifanotungamira kundokutsvakirai pokudzika matendhe enyu achikutungamirirai nzira yokuenda nayo usiku nomoto, masikati negore.
Kurangwa kwevaIsiraeri naTenzi
(Kuve 14:20–45)
34“Tenzi akanzwa zvamakareva zvikamutsamwisa. Akapika achiti, 35‘Hakuna nomumwe wechizvarwa ichi chakaipa achazoona nyika yakanaka yandakatsidzira kupa madzibaba enyu 36kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune, ndiye achaiona. Iye navana vake, ndichavapa nyika yaakambotsika nokuti akateerera Tenzi nomwoyo wake wose.’ 37Kunyange neni, Tenzi akanditsamwirawo pamusana penyu akati, ‘Newewo hauchambomupinda.’ 38Joshuwa mwanakomana waNuni waunaye, ndiye achapindamo. Mukurudzire nokuti ndiye achatungamirira vaIsiraeri pakutora nhaka iyoyo.
39“Asi pwere dzenyu dzamakati dzichatapwa pamwechete navana venyu vasati vaziva chakanaka kana chakaipa pari nhasi, ndivo vachapindamo, uye ndivo vandichapa nyika iyoyo kuti ive yavo. 40Zvino imimi chisimukai mupindukire kurenje, munopinda munzira yokuGungwa Dzvuku.
41“Imi makandipindura muchiti, ‘Tatadzira Tenzi. Zvino tava kuenda zvedu kundorwa sokuudzwa kwatakaitwa naTenzi Mwari wedu.’ Ipapo mumwe nomumwe wenyu akapakata zvombo zvake, muchitofunga zvenyu kuti inyore kukwira kunyika yamakomo.
42“Tenzi akanditi, ‘Vaudze kuti; regai zvokuenda kundorwa nokuti handinemi mungandokurirwa navavengi venyu.’ 43Ndakakuudzai asi makaramba kunzwa. Makatoita zvenyu zvakapesana nezvavakaudzwa naTenzi, mukaita zvokuzvikudza muchienda kunyika yokumakomo. 44VaAmori vagere munyika yamakomo vakakubudirai vakakudzingirirai senyuchi, vakakurizhai kubvira paSeiri kundosvika kuHoruma. 45Makadzoka mukachema kuna Tenzi, asi Tenzi haana kunzwa kuchema kwenyu kana kuteerera kwamuri. 46Ndokusaka makagara paKadheshi kwenguva ndefu, iya yamakagarapo.

Zvasarudzwa nguva ino

Kutsinhira Mutemo 1: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda