Dhuteronomi 1:17
Dhuteronomi 1:17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Musaita rusarura pakutonga; inzwai vose muduku kana mukuru zvakaenzanirana. Musatya munhu upi zvake, nokuti kutonga ndokwaMwari. Uyisai kwandiri mhaka yakanyanya kukuomerai, ndigoinzwa.
Dhuteronomi 1:17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Musatsaura vanhu pakutonga kwenyu; munofanira kuterera muduku nomukuru nomutoo mumwe; musatya munhu; nokuti kutonga ndokwa Mwari; asi kana kune mhaka yamusingagoni, muuye nayo kwandiri kuti ndiinzwe.’
Dhuteronomi 1:17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Musaite chizivano pakutonga. Teererai mhosva yomudiki kana yomukuru zvimwechetezvo. Musanyare munhu uso nokuti kutonga ndokwaMwari. Asi kana kuine mhosva yakaoma yamusingakwanisi kutonga uyai nayo kwandiri ndiinzwe.’
Dhuteronomi 1:17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Musatsaura ʋanhu pakutoŋga kwenyu; munofanira kuterera muɗuku nomukuru nomutoʋo mumŋe; musatya munhu; nokuti kutoŋga ndokwaMŋari; asi kana kunemhaka yamusiŋgagoni, muʋuye nayo kwandiri kuti ndiinzwe.
Dhuteronomi 1:17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)