YouVersion Logo
Search Icon

Bhaibheri Re VanaSample

Bhaibheri Re Vana

DAY 8 OF 8

Nyaya dze mu Bhaibheri dzinotiwudza zvekushamisa kwaMwari Musiki wedu uyo anoda kuti umuzive.

Mwari anoziva kuti tese takaita zvakaipa, izvo zvaanoti zvitema. Mubairo wechitema ndirwo rufu, asi Mwari anokuda kwazvo, akatuma mwana wake, Jesu, kukufira pamuchinjikwa uye akatambudziwa nemhaka yako. Jesu akafa akumuka, akadzokera kumusha kudenga! Kana uchitenda muna Jesu uye ukakumbira kuregererwa anokuregerera zvitema zvako, Anokuregerera! Achauya kuzogara mumoyo mako. Achagara mauri. Newe ugogara maari mazuva namazuva.

Kana uchitenda kuti ichi ichokwadi, taura kuna Mwari uchiti Mudiwa Jesu, ndinotenda kuti ndimi Mwari, uye makauya semunhu panyika kuzofira zvitema zvangu, uye murikurarama. Huyai mumoyo mangu mundiregere zvitema zvangu, kuti ndive heupenyu hutsva, uye nerimwe zuva ndigogara nemi nekusingaperi. Ndibatsirei kuti ndikuteerereyi, ndirarame semwana wenyu. Ameni.

Verengayi Bhaibheri nekutaura ne Mwari mazuva ese.

Day 7