YouVersion Logo
Search Icon

Plan Info

Bhaibheri Re VanaSample

Bhaibheri Re Vana

DAY 6 OF 8

Mudzimai akamira pagomo, maziso ake akashatirwa nezvinu zvinochisa zvirikuitirwa. Mwana wake arikuwuraiwa. Mai wacho ainge ari Mariya, akamira papfupi ne paakaroverwa Jesu.

Zvakaitika seyi? Jesu akapedza seyi kuita moyo wakanaka mu nguva inorwadza? Mwari akadireyi kuti mwana wake aroverwe pamu chinjikwa? Asi Jesu akaiti zvina kunaka pazvainge ari? Mwari akatadza?

Ayiwa! Mwari hahana kutadza. Jesu aiziva kuti acha uraiwa ne vanhu wanoita zvakashata. Kutangira painge ari muduku, munhu mukuru zita rake Simioni akawudza Mariya kuti zvinhu zvakashata zvichauya pamberi.

Mazuva mashoma Jesu asati awuraiwa, mudzimai wimwe aka wuya ne zvinonhuwirira akapukuta tsoka dzake. “Arikurasa mari,” mumwe we vadzidziri vake aka tawura. “mudzimai uyu waita basa rakanaka,” Jesu akatawura. “Mudzimai uyu ayitira ini ndisati ndafa.” Mazvi ano shamisa!

Kubva apo, Judhasi mumwechete we vekudzidza gumi ne vaviri, aka wirirana ne vakuru vemafarisi akamutengesa ne makumi matatu emari.

Papaskarekudzidzira ye va Juda, Jesu aka akadya keku kekupedzisira pamwechete ne we kudzidzira wake. Akavaudza zvinhu zvino shamisa zve Mwari zvitsidzo kwavese wanomuda. Jesu akavapa chingwa ne komichi kuti anwe. Izvi zvakaitika kuti zvichi va fungidza kuti miri ya Jesu‘ neropa rake rakapiwa kwe vanhu kuzvitema zvavo zviregererwe.

Jesu akavauudza ve kudzidzira vake kuti achaiswa mumawoko evanhu vakashata, ivo vachatiza. “Handi chatize ini,” Peturo akadaro. “Jongwe risati rachema, uchandi ramba katatu,” Jesu akataura.

Usiku iwowo, Jesu akayenda kuno namata mumunda mwe getsemani. Vadzidzi vake hope dzaka vabata. “Baba vangu,” Jesu akanamata, “.. mukombe uyu ngaupfuure ini. Asi kwete kuita kwangu asi kwenyu.”

Nguwa iyoyo wazhinji wakawuya mumunda, wakatungamirwa ne Judasi. Asi Jesu ahana kuramba, peturo akacheka nzeve ye munhu wimwe. Asi, Jesu akadzosera nzewe ye munhuyo nekumuponesa iye. Jesu akaziva zvekuti kusungwa kwake kwainge kuri kuda kwa mwari.

Waka mutorera Jesu ku imba ye wanhu wakuru ve zve Mwari. Ikoko, vakuru ve majuda wakati Jesu awuraiwe. Asi peturo akamira pa pfupi ne moto achitarisa. Katatu kese peturo akabvunziwa ne vanhu, “Iwe wainge uri pamwechete ne Jesu!” Katatu peturo akaramba, zve zva akatawurirwa ne Jesu. Asi peturo ainge achishura akamuramba Jesu.

Nguva iyoyo, jongwe raka chema. Rainge inzwi ra Mwari kwa peturo. Peturo akafunga zva akaudziwa na Jesu‘ Peturo zvakamurwadza akachema.

Judasi akanzwa tsitsi, iyezve. Akaziva ega kuti Jesu hahana kuita zvakashata. Judasi akatora mari mapeni makumi atatu, esiriva kunowadzosera vakuru vezve Mwari asi havana kuitambira mariyo. Judasi akairasira pasi mari, akabuda kunze-akano zvisungirira yega mumuti.

Vakuru vezve Mwari vakamutorera Jesu kwa Pirato, mukuru we va Roma. Pirato akati, “Handina kuwana chinu chakashata pe munhu uyu.” asi vanhu vazhinji vaka shaura, “Ngaroverwe! Ngaroverwe!”

Pekupedzisira Pirato ikaita izvozvo, nekutawura kuti Jesu aroverwe pamuchinjikwa. Masoja vaka murova nezvi bhakera, ne kumuzvipira mate, nekumurova ne chambhoko. Vaka ruka minzwa nekuyisa mumusoro. Vakamurovera pa muchinjikwa akafira ipapo.

Jesu aziva kuti achafa munzira iyoyo. Ainge achiziva kuti kufa kwake kuchagara ruregerero rwezvitema zvevanhu vanotadza vese vakamutambira Jesu. Mabhinya maviri akakomerwa pamwechete ne Jesu. Mumwechete akamutambira Jesu-akyenda kumu paradhiso. Umwewo hahana kuyenda.

Nguva yakapfuwura ye zvekurwadza, Jesu akati, “kwapera,” ipapo akafa. Basa rake rakapera. Shamwari dzake dzakamuyisa mumakuva.

Varoma vakavara mwekusimba vakamirira pamakuva. Painge pasi munhu anopinda-kana kubuda.

Dai kwainge kupedza kwenyaya iyi, zvairwadza seyi. Asi Mwari akaita chinhu chinoshamisa. Jesu hahana kugara wekufa!

Makuseniseni pazuva re kutanga paviki, mudzidzisi wa Jesu akawana pasina dombo pamakuva. Pavakatarisa mukati, Jesu mwainge musina.

Mukadzi wimwe akagara ipamo, aichema pamakuva. Jesu akaoneka ipapo! Akamanya achifara kunowudza vamwe vekudzidzira. “JESU MUPENYU! JESU WAUYA KUBVA KUVAKAFA!”

Nguva iyoyo Jesu akawuya kune vekudzidzira vake, akavaonesa maburi mumawoko. Zvechokwadi. JESU MUPENYU! Akaregerera Peturo paakamuramba, akaudza vekudzidzira vake kuti vaudze vanhu vese zve iye. Kubva apo akayenda kudenga kwa akabvira Christmas yekutanga.

Magumo

Scripture

Day 5Day 7

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy