YouVersion Logo
Search Icon

Bhaibheri Re VanaSample

Bhaibheri Re Vana

DAY 2 OF 8

MWARI AKASIKA ZVESE! Mwari paakasika munhu wekutanga, Adamu, ainge aichigara mumunda weIdeni nemukadzi wake, Eva. Vaifara nekuteerera Mwari waifara nekugara pamberi paMwari kusvika nerimwe zuva ...

“Mwari akakuwudzai kuti musadye miti yese?” nyoka yakabvunza Eva. “tinodya michero yemiti yese kusiya umwechete,” akadaira. “tikadya kana kubata muchero, tichafa.” “hamuchafe,” nyoka yakataura. “Munofanana naMwari.” Eva aida muchero wemuti. Akateerera nyoka akadya muchero.

Munguwa iyoyo Eva hahana kuteerera Mwari akaita kuti Adamu adyewo muchero. Adamu aifanirwa kutaura kuti, “AIWA! Handisi kuzorega kuteerera Mwari.”

Adamu naEva panguva yavakaita zvitema, vese vaviri wakaziva kuti havana kupveka. Vakasona mashizha kuita nhumbi, vakapveka mashizha vakahwanda Mwari.

Kwave kutonhororera manheru Mwari akauya mumunda. Akaziva zvavakaitwa naAdamu naEva. Adamu akapa mhosva kuna Eva. Eva akapa mhosva kunyoka. Mwari akati, “nyoka. Mukadzi acharwadziwa pakubereka.” “Adamu, nemhaka yekuti watadza, nyika yatukwa neminzwa. Uchabata basa kuti uwane chekudya chemazuva ese.”

Mwari akadzinga Adamu naEva mumunda unoshamisa weIdeni. Nemhaka yekuti vakaita zvitema, vakasiyana naMwari vanopa upenyu!

Mwari akaisa pfumo remoto kuvabvisa mumunda. Mwari akaita hembe dzematewe dzaAdamu naEva. Mwari akatora kupi matewe?

Munguva, vana wakazvarwa kwaAdamu naEva. Mwana wekutanga, Kaini, ainge murimi. Mwana wechipiri, Aberi, ainge muvhimi. Nerimwe zuva Kaini akatora zvemumunda kuti ape Mwari. Aberi akatora hwai inodiwa kunopa Mwari. Mwari akafara ne zvaakaitwa Aberi.

Mwari haana kufara nezvakauya naKaini. Kaini akashatirwa nazvo. Asi Mwari akati, “Ukaita zvinhu zvakanaka, handinga tambire here?”

Kushatirwa kwaKaini kwakaenda mberi. Kwapera nguva akauraya munin'ina wake!

Mwari akataura naKaini. “Munin'ina wako aripiko, Aberi?” “handizive,” Kaini akanyepa. “Ndini ndinomuchengeta munin'ina wangu?” Mwari akabvisa simba rekurima raKaini akave munhu weku famba famba asina pekugara.

Kaini akabva pamberi paShe. Akarowora mwana wemukazi waAdamu ne Eva. Akagara vakave nevana. Nenguva shomana vana vevana vaKaini vakazadza guta raKaini.

Panguva imweyo mhuri yaAdamu nemukadzi wake yakakura, Mazuva iwayo vanhu vairarama makore mazhinji kusiyana nanasi.

Paakazvara Seti, Eva akati, “Mwari wandipa Seti panzvimbo yaAberi.” Seti aive munhu waMwari akagara makore 912 ainge mazana mapfumbamwe ane gumi nemaviri akaita vana vazhinji.

Pasi rose vanhu vakatanga kuita zvakaipa munguva yavaizvarwa. Mwari akafunga zvekuvaparadza uye Mhuka neshiri. Mwari akashatirwa nekuti akasika munhu.

Munhu uyu ainzi Nowa. Mukuzukuru waSeti, Nowa aive munhu akarurama asina zvipomerwa. Achifamba naMwari. Akadzidzisa vana vake vatatu kuteerera Mwari. Zvino Mwari vakaronga kushandisa Mwari nenzira isinga nzwisisiki uye ichishamisa kwazvo.

Magumo

Day 1Day 3