YouVersion Logo
Search Icon

ƲaHeberu 10

10
1Nokuti murairo ɀaunomumvuri weɀinhu ɀakanaka ɀinoʋuya usati uri mufananidzo caiwo weɀinhu iɀoɀo, hauŋgatoŋgogoni kukwanisa aʋo ʋanosweɗera gore rimŋe nerimŋe naiɀoɀo ɀiɓayiro ɀaʋanoramba ʋaciɓayira Mŋari. 2ɗai ɀakaŋga ɀakaɗaro, ɀiŋgaɗai ɀisina‐kupera kuɓayirwa here? Nokuti ʋanonamata, kana ʋakaŋga ʋanatswa kamŋe cete, ʋaŋgaɗai ʋasina‐kuzoyeʋudzwa ɀiʋi ɀaʋo. 3Asi neɀiɓayiro iɀoɀi ʋanoyeʋudzirwa ɀiʋi gore rimŋe nerimŋe. 4Nokuti ropa renzombe nerembudzi haritoŋgogoni kubvisa ɀiʋi. 5Saka pakuȿika kwake panyika, unoti:
Ciɓayiro necipo makaɀiramba,
Asi makandigadzirira muʋiri;
6hamuna‐kuɗa ɀiɓayiro ɀinopiswa, neɀiɓayiro ɀeɀiʋi;
7Ɀino ndikati: Tarirai, ndaʋuya,
(Pabuku yakapetwa pakanyorwa ɀaŋgu)
Kuti ndiite kuɗa kwenyu, imi Mŋari.
8Ɀaanoti pakutaŋga: Ɀiɓayiro neɀipo, neɀiɓayiro ɀinopiswa, neɀiɓayiro ɀeɀiʋi hamuna‐kuɀiɗa, hamuna‐kufadzwa naɀo (ɀiri iɀo ɀinoɓayirwa Mŋari seɀinoreʋa murairo), 9ndokuzoti: Tarirai, ndaʋuya kuzoita kuɗa kwenyu. Unobvisa cokutaŋga, kuti aise cecipiri. 10Nokuɗa ikoku takaitwa ʋatȿene neciɓayiro comuʋiri waJesu Kristu, cakaɓayirwa kamŋe cete. 11Muprista mumŋe nomumŋe unomira zuʋa rimŋe nerimŋe acishumira, nokuɓayira kazhinji ɀiɓayiro iɀoɀo ɀimŋe‐ɀimŋe, ɀisiŋgagoni kubvisa ɀiʋi; 12asi iye wakati aɓayira ciɓayiro cimŋe cete pamsoro peɀiʋi, akagara nokusiŋgaperi kurudyi rwaMŋari; 13kubva ɀino acimirira kuȿikira ʋaʋeŋgi ʋake ʋaitwa citsiko cetsoka dzake. 14Nokuti neciɓayiro cimŋe cete wakakwanisa nokusiŋgaperi aʋo ʋanoitwa ʋatȿene. 15NoMŋeya Mutȿene unotipupurira ʋo; nokuti wakataŋga, aciti:
16Iyi ndiyo suŋgano yandicaita naʋo
Shure kwamazuʋa iwayo, ndiɀo ɀinotaura Ishe;
Ndicaisa mirairo yaŋgu pamŋoyo yaʋo,
Nokuinyor pakufuŋga kwaʋo;
Ndokuzoti:
17Ɀiʋi ɀaʋo nokuɗarika kwaʋo handicatoŋgoɀiraŋgariri.
18Ɀino, kana ɀinhu iɀi ɀakaŋganwirwa, ɀiʋi haɀicaɓayirwi.
Ŋgatisweɗere nomŋoyo waɀokwaɗi.
19Naiɀoɀo, hama dzaŋgu, ɀatiŋgatsuŋga kupinda panɀimbo tȿene neropa raJesu, 20nenzira itȿa mhenyu, yaakatiʋambira iye nokupinda kwake pacidzitiro cetembere, ndiyo nyama yake; 21ʋuye ɀatinomuprista mukuru paimba yaMŋari, 22ŋgatisweɗere nomŋoyo waɀokwaɗi, nokutenda kwakasimba, mŋoyo yeɗu yasaswa kuti inatswe pahana yakaipa, nemiʋiri yeɗu yakashambidzwa nemvura yakanaka. 23Ŋgaticeŋgete kwaɀo kupupura kwetariro yeɗu, kuti irege kuzunuŋguka; nokuti iye, wakapikira, wakatendeka; 24ŋgatiraŋgarirane, timutsane mŋoyo kuti tiʋe noruɗo namaɓasa akanaka, 25tisarega kuʋuŋgana kweɗu, seɀinoita ʋamŋe, asi tirairane; ɀikuru ɀamunoʋona kuti zuʋa rosweɗera.
Kutadza nobgoni.
26Nokuti kana ticitadza nobgoni, kana tambogamucira ziʋo yeɀokwaɗi, hakucineciɓayiro pamsoro peɀiʋi, 27asi kuŋgomirira ticitya kutoŋgeswa nokutsamŋa kunopfuta somŋoto, kucapedza ʋaʋeŋgi. 28Munhu, wakaramba murairo waMosesi, unofa asiŋganzwirwi tsitsi, kana paneɀapupu ɀiʋiri kana ɀitatu; 29hamufuŋgi here kuti munhu, wakatsika Mŋanakomana waMŋari pasi petsoka dzake, akati ropa resuŋgano raakaitwa mutȿene naro harinamaturo ɀaro, akaɀidza Mŋeya wenyasha, kuti iye haaŋganzi wakafanirwa nokurobga kunopfuʋura uku kwaɀo here? 30Nokuti tinomuziʋa iye wakati: Kutsiʋa ndokwaŋgu, ini ndicaripira. Ʋuye ɀe: Ishe ucatoŋga mhoȿa dzaʋanhu ʋake. 31Ɀinotyisa kuwira pamaʋoko aMŋari mupenyu.
Fuŋgai kutsuŋga kwenyu kwakare.
32Asi raŋgarirai mazuʋa okutaŋga, amakati mavenekerwa, mukatsuŋga pakurwa kukuru kweɗambudziko; 33pamŋe nokuti makaitwa cinhu cinotarirwa nokuɀidzwa nokutambudzwa; pamŋe nokuti makagoʋana naiʋo ʋakaitirwa iɀoɀo. 34Nokuti makanzwira tsitsi aʋo ʋakasuŋgwa, mukatenda ʋo nomufaro kuti nhumbi dzenyu dzipambge, muciziʋa kuti imi mumene munefuma yakapfuʋura nokunaka, inogara. 35Naiɀoɀo regai kurasha kusatya kwenyu kunomuɓayiro mukuru. 36Nokuti munofanira kuʋa nokutsuŋgirira, kuti, kana maita kuɗa kwaMŋari, mugopiwa cipikirwa.
37Nokuti kaŋguʋa kaɗuku‐ɗuku kaci’ko,
Iye unoʋuya, ucaʋuya, asiŋganonoki.
38Asi wakarurama waŋgu ucaponeswa nokutenda;
Ɀino kana akadzokera shure, mŋoyo waŋgu hauŋgafari naye.
39Ɀino isu hatizi iʋo ʋokudzokera shure, kuti tiparadzwe; asi tiri ʋokutenda kuti tiponeswe mŋeya.

Currently Selected:

ƲaHeberu 10: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in