YouVersion Logo
Search Icon

ƲaHeberu 11

11
Kutenda cinyi. Ʋanhu ʋakakunda nokutenda.
1Ɀino kutenda ndirwo rusimbiso rweɀinhu ɀatinotarira, neciratidzo ceɀinhu ɀatisiŋgaʋoni. 2Nokuti naiko ʋanhu ʋakare ʋakapupurirwa ɀakanaka. 3Nokutenda tinonzwisisa kuti nyika dzakanatso‐roŋgedzwa nenzwi raMŋari, naiɀoɀo ɀinhu, ɀinoʋonekwa, hazina‐kuitwa neɀinhu ɀinoʋonekwa. 4Nokutenda Aberi wakaɓayira Mŋari ciɓayiro cakanaka kunecaKaini; akapupurirwa naco kuti wakaŋga akarurama, Mŋari acipupurira ɀipo ɀake; naiko kutenda iye, kunyaŋge afa hake, ucaŋgotaura naɀino. 5Nokutenda Enoki wakatorwa, kuti arege kuʋona rufu; akasaʋonekwa, nokuti Mŋari wakaŋga amutora; nokuti asati atorwa wakapupurirwa kuti wakaŋga acifadza Mŋari. 6Kana kusina‐kutenda haɀibviri kumufadza; nokuti unoʋuya kunaMŋari, unofanira kutenda kuti iye uri’po, ʋuye kuti unopa ʋanomutȿaka muɓairo waʋo. 7Nokutenda Noa wakati anyeʋerwa pamsoro peɀinhu ɀicigere kuʋonekwa, akagadzira areka nokutya Mŋari, kuti aponese mhuri yake; akapa nyika mhoȿa naɀo, akagara nhaka yokururama kunoʋuya nokutenda. 8Nokutenda Abrahama, wakati aɗanwa, akaterera, akaɓuɗa, akaenda kunɀimbo yaakanzi ucaipiwa iʋe nhaka yake; akaɓuɗa akaenda, asiŋgaziʋi kwaanoenda. 9Nokutenda wakandogara somutorwa munyika yecipikirwa, sapanyika yaʋamŋe, akagara mumatente naIsaka naJakobo, ʋadyi ʋenhaka yecipikirwa cimŋe pamŋe cete naye; 10nokuti wakaŋga acitarira guta rinenheyo, Mŋari ari mhizha nomuʋaki waro. 11Nokutenda naiye Sara wakapiwa simba rokutora mimba, kunyaŋge akaŋga acembera, nokuti wakati iye wakamupikira wakatendeka. 12Saka kumunhu mumŋe, wakaŋga akaita sowafa, kwakabva ʋana ʋakaita senyeredzi dzokuɗeŋga nokuwanda kwaʋo, ʋuye sejeca riri pamhenderekedzo yeguŋgwa risiŋgaʋereŋgwi.
13Iʋaʋa ʋose ʋakafa ʋacitenda, ʋasina‐kupiwa ɀipikirwa, asi ʋakaɀiʋona ɀiri kure, ʋakaɀikwazisa, ʋakatenda kuti iʋo ʋaeni naʋafambi panyika. 14Nokuti ʋanotaura ɀakaɗaro, ʋanoratidza kuti ʋanotȿaka nyika yaʋo caiyo. 15Nokuti kana ʋairamba ʋacifuŋga nyika iyo yaʋakabva kwairi, ʋaŋgaɗai ʋawana ŋguʋa yokudzoka. 16Asi ɀino ʋanoɗa imŋe inopfuʋura nokunaka, ndiyo yokuɗeŋga; naiɀoɀo Mŋari haanenyadzi pamsoro paʋo kuti aidzwe Mŋari waʋo; nokuti wakaʋagadzirira guta.
17Nokutenda Abrahama, aciidzwa, wakaɓayira Isaka; iye wakaŋga agamucira kwaɀo ɀipikirwa, wakaŋga aciɓayira mŋana wake wakaɓerekwa mumŋe woga; 18iye wakaŋga aʋudzwa, ɀicinzi: MunaIsaka ʋana ʋako ʋacatumidzwa; 19nokuti wakati Mŋari unogona kumutsa munhu kunyaŋge kuʋakafa; ndipapo ʋo, kana ticitaura nomufananidzo, paakamudzoserwa. 20Nokutenda Isaka wakaropafadza Jakobo naEsau pamsoro peɀinozoitwa. 21Nokutenda Jakobo pakufa kwake wakaropafadza mŋanakomana mumŋe nomumŋe waJosefa; akanamata akasendamira pamsoro pomuɗonɀo wake. 22Nokutenda Josefa, ofa, wakataura ɀokuɓuɗa kwaʋana ʋaIsraeri, akaʋaraira pamsoro pamafupa ake. 23Nokutenda Mosesi pakuɓerekwa kwake wakaʋanzwa naʋaɓereki ʋake mŋedzi mitatu, nokuti ʋakaʋona kuti wakaŋga ari mŋana wakanaka; haʋana‐kutya murairo wamambo. 24Nokutenda Mosesi, akura, wakaramba kunzi mŋanakomana womukunda waFarao, 25akati ɀirinani kuitirwa ɀakaipa pamŋe cete naʋanhu ʋaMŋari pakufarira ɀiʋi ŋguʋa ɗuku; 26akati kuɀidzwa kwaKristu ifuma huru kukufuma kwose kweEgipita; nokuti wakatarira muɓairo. 27Nokutenda wakabva Egipita, asiŋgatyi kutsamŋa kwamambo; nokuti wakatsuŋgirira somunhu unoʋona iye usiŋgaʋonekwi. 28Nokutenda wakaʋamba paseka nokusasa ropa, kuti muʋurayi wamataŋgwe aʋarege iʋo. 29Nokutenda ʋakayambuka Guŋgwa Dɀuku, sapanyika yakawoma; ʋaEgipita ʋaciidza iɀoɀo, ʋakaɓitirirwa. 30Nokutenda maȿiŋgo eJeriko akawira pasi, apoteredzwa mazuʋa manomŋe. 31Nokutenda Rakabi cifeʋe, haana‐kufa pamŋe cete naʋasinakuterera, nokuti wakaŋga agamucira ʋashori norugare. 32Ndicataurireiko ɀimŋe? Nokuti ndicapererwa neŋguʋa, kana ndikataura ɀaGideoni, naBaraki, naSamsoni, naJefta, naDavidi, naSamueri, naʋaprofita; 33aʋo ʋakakunda ʋushe nokutenda kwaʋo ʋakaita ɀakarurama, ʋakapiwa ɀipikirwa, ʋakadziʋira miromo yeshumba. 34Ʋakadzima simba romŋoto, ʋakatiza minondo inopinza, ʋakasimbiswa paʋutera, ʋakaʋa nesimba pakurwa, ʋakadziŋga hondo dzamamŋe marudzi. 35Ʋakadzi ʋakapiwa ɀe ʋakafa ʋaʋo, ʋamutswa; ʋamŋe ʋakapurwa, ʋakaramba kusunuŋgurwa, kuti ʋawane kumuka kwakapfuʋura nokunaka; 36ʋamŋe ʋakaidzwa, ʋacisekwa, ʋacirobga ɀikuru, ʋuye ɀe ʋacisuŋgwa, ʋaciiswa mutoroŋgo; 37ʋakatakwa namabge, ʋakatemŋa‐temŋa nejeko, ʋakaidzwa, ʋakaʋurawa nomunondo; ʋakafamba ʋakafuka matebge amakwai, neŋguʋo dzembudzi; ʋasinecinhu, ʋacitambudzika, ʋaciitirwa ɀakaipa; 38(nyika haina‐kufanirwa naʋo), ʋacidzuŋgaira mumarenje, nomumakomo, nomumapako, nomumakomba enyika. 39Aʋa ʋose ʋakaŋga ʋapupurirwa nokutenda kwaʋo, asi haʋana‐kupiwa ɀipikirwa, 40nokuti Mŋari wakaŋga atigadzirira cimŋe cinhu cinopfuʋura nokunaka, kuti iʋo ʋarege kukwaniswa kunze kweɗu.

Currently Selected:

ƲaHeberu 11: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in