YouVersion Logo
Search Icon

ƲaHeberu 12

12
Kuraŋga kwaƂaɓa.
1Naiɀoɀo, nesu ʋo, ɀatakakomberedzwa negore reɀapupu rakakura rikaɗai, ŋgatibvisei ɀose ɀinoremedza, neɀiʋi ɀinoŋgotinamatira, ŋgatimhanye nokutsuŋgirira nhaŋgemutaŋge yatakaisirwa, 2ticitarira kunaJesu, muʋambi nomukwanisi wokutenda kweɗu, iye wakatsuŋga pamucinjikwa nokuɗa kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashoʋora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwecigaro coʋushe caMŋari. 3Nokuti cerekedzai uyo wakatsuŋga pakukakaʋara kwakaɗai kwaʋatadzi, kuti imi murege kuneta nokupera simba pamŋeya yenyu. 4Mucigere kudziʋirira kuȿikira ropa riciɓuɗa pakurwa kwenyu neɀiʋi. 5Ʋuye makakaŋganwa kwaɀo kuraira kunotaura kwamuri sokuʋanakomana, kuciti:
Mŋanakomana waŋgu, usaɀidza kuraŋga kwaShe,
Usapera mŋoyo kana ucirairwa naye;
6Nokuti waanoɗa Ishe unomuraŋga,
Unoroʋa ɀikuru mŋanakomana mumŋe nomumŋe waanogamucira.
7Tsuŋgai henyu mŋoyo kuti muraŋgwe; Mŋari unoɓata nemi saʋanakomana; nokuti mŋanakomana ndoupi usiŋgaraŋgwi naɓaɓa? 8Asi kana musiŋgaraŋgwi, seɀinoitirwa ʋose, muri ʋana ʋoʋupombge, hamuzi ʋanakomana caiʋo. 9Ʋuye ɀe isu taiʋa namadziɓaɓa eɗu enyama, ʋaitiraŋga, tikaʋakudza; ko hatiŋgaɀiisi ɀikuru pasi paƂaɓa ʋemŋeya, kuti tirarame here? 10Nokuti iʋo, ɀirokwaɀo, ʋakatiraŋga mazuʋa mashoma, seɀaʋaifuŋga: asi iye unotiraŋga kuti tiɓatsirwe, tigogoʋerwa ʋutȿene bgake. 11Ɀino kuraŋga kwose, kana kucaitwa, kwakaita sokusiŋgafadzi, kunocemedza; asi pashure kunoɓerekera iʋo, ʋakadzidziswa nako, ɀiɓereko ɀorugare, ndiɀo ɀiɓereko ɀokururama. 12Saka simbisai ɀe maʋoko akarembera pasi, namabvi anoshaiwa simba; 13gadzirirai tsoka dzenyu nzira dzakarurama, kuti ico cinokamhina cirege kushoɗoka, asi ciporeswe.
14Tȿakai rugare naʋanhu ʋose, noʋutȿene, nokuti kunze kwabgo hakunomunhu ucaʋona Ishe; 15mucenjere kuti kurege kuʋa nomunhu unodzokera shure panyasha dzaMŋari; kuti mudzi wokuʋaʋa urege kumuka, ukutambudzei, ʋazhinji ʋagoȿiɓiswa nawo; 16kurege kuʋa’po nemhombge, kana nousinehanya naMŋari, saEsau wakateŋgesa ʋuɗaŋgwe bgake nokudya kamŋe cete. 17Nokuti munoziʋa kuti acizoɗa hake pashure kugara nhaka yokuropafadzwa, wakarambga; nokuti haana‐kuwana ŋguʋa yokutendeʋuka, kunyaŋge akaitȿaka ɀikuru nemisodzi.
Suŋgano itȿa inofananidzwa nesuŋgano yekare.
18Nokuti hamuna‐kusweɗera kugomo riŋgaɓatwa namaʋoko, rinopfuta, ʋuye kurima, nokukuȿiɓa, nokuɗutu guru, 19nokukurira kwehwamanda, nokunzwi ramashoko; iʋo ʋakarinzwa ʋakakumbira kuti shoko rimŋe rirege kuzoʋataurirwa; 20nokuti ʋakakoniwa kuteʋera cakaŋga carairwa, cokuti: Kunyaŋge nemhuka kana ikaɓata gomo, icatakwa namabge; 21ico cakaʋonekwa cakatyisa kuɗai, kuti naMosesi wakati: Ndinotya kwaɀo, ndinoɗeɗera; 22asi imi makasweɗera kugomo reZioni, nokuguta raMŋari mupenyu, Jerusarema riri kuɗeŋga, nokumazana namazana aʋatumŋa ʋasiŋgaʋereŋgwi, 23nokuʋuŋgano huru, nokukereke yamataŋgwe akanyorwa kuɗeŋga, nokunaMŋari, mutoŋgi waʋose, nokumŋeya yaʋakarurama ʋakakwaniswa, 24nokunaJesu, Mureʋereri wesuŋgano itȿa, nokuropa rakasaswa, rinotaura ɀakanaka kupfuʋura Aberi. 25Cenjerai kuti murege kuramba unotaura; nokuti kana aʋo ʋakamuramba ŋguʋa yaakaʋaraira panyika, ʋasina‐kupukunyuka, ɀikuru isu kana tikafuratira iye wokuɗeŋga; 26inzwi rake rakazunuŋgusa nyika neŋguʋa iyo; asi ɀino wakapikira, aciti: Ndicabvundisa ɀe kamŋe cete, isati iri nyika ɓedzi, asi neɗeŋga ʋo. 27Ɀino shoko iri rokuti, kamŋe cete, rinoratidza kubviswa kweɀinozunuŋguka, seɀinhu ɀakaitwa, kuti iɀo ɀisiŋgazunuŋguki ɀigare. 28Saka, ɀatinopiwa ʋushe bgusiŋgazunuŋguki, ŋgatiʋe nokuʋoŋga, kuti tishumire Mŋari nako, ticimufadza nokukudza nokutya. 29Nokuti Mŋari weɗu mŋoto unoparadza.

Currently Selected:

ƲaHeberu 12: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in