YouVersion Logo
Search Icon

ƲaHeberu 9

9
Ɀiɓayiro ɀakare ɀinofananidzwa neciɓayiro caKristu.
1Ɀino, neyiyi suŋgano yokutaŋga yakaŋga inemirairo yokushumira Mŋari nayo, neimba tȿene yenyika. 2Nokuti tabernakeri, yaiʋa yokutaŋga, yakagadzirwa, makaŋga munecigadziko cemŋenje, netafura, neɀiŋgwa ɀokuratidza; ndipo panonzi Patȿene. 3Ɀino mberi kwecidzitiro cecipiri pakaŋga panetabernakeri yainzi Patȿene‐tȿene; 4pakaŋga panendiro yendarama yeɀinonhuwira, neareka yesuŋgano, yakaŋga yakanamŋa nhiʋi dzose nendarama, imomo makaŋga munehari yendarama, yakaŋga inemana, netȿimbo yaAroni yakaɗeya kutuŋgira, namahwendefa esuŋgano; 5pamsoro payo pakaŋga panamakerubi okubginya, akadzikatidza cifunhiro ceŋgoni; hatigoni kurondedzera iɀoɀo ticiita cimŋe‐cimŋe ɀino. 6Ɀinhu iɀi ɀakati ɀagadzirwa saiɀoɀo, ʋaprista ʋaipinda mutabernakeri yokutaŋga ŋguʋa dzose, ʋaciɓata maɓasa okushumira Mŋari; 7asi muneyecipiri muprista mukuru waipinda ari oga, kamŋe cete negore, asiŋgapindi asineropa, raaiɀiɓayirira iye neɀiʋi ɀaʋanhu; 8Mŋeya Mutȿene aciratidza cinhu ici, kuti nzira inoenda kuNɀimbo Tȿene yakaŋga isati yataridzwa, tabernakeri yokutaŋga icimire; 9wakaŋga uri mufananidzo weŋguʋa ino — ʋanoɓayira nayo ɀipo neɀiɓayiro, ɀisiŋgagoni kukwanisa pahana yake iye unoshumira; 10nokuti yaiŋgoʋa mirairo yenyama, yeɀokudya, neɀokunwa, nokushamba kuzhinji, yaʋakatemerwa kuȿikira paŋguʋa yokuʋandudzwa.
11Asi Kristu wakati aȿika ari muprista mukuru weɀinhu ɀakanaka ɀinozoʋuya, akapinda napatabernakeri yakapfuʋura pakukura napakukwana, isinakuitwa namaʋoko, ndiko kuti, isati iri yokusikwa kuno, 12haana‐kupinda neropa rembudzi kana remhuru, asi neropa rake cairo, kamŋe cete, ɀikapera, panɀimbo tȿene, akatiwanira rudzikinuro rusiŋgaperi. 13Nokuti kana ropa rembudzi nerenzombe namaɗota etsiru, kana ɀicisaswa pamsoro paʋakaȿiɓiswa, ɀiciʋaita ʋatȿene, kuti ʋanatswe panyama, 14ɀikuru sei ropa raKristu, iye wakaɀiita noMŋeya usiŋgaperi ciɓayiro kunaMŋari, cisina‐caciŋgapomerwa, ricanatsa hana dzeɗu pamaɓasa akafa, kuti tishumire Mŋari mupenyu. 15Nemhaka iyo, iye ndiMureʋereri wesuŋgano itȿa, kuti, rufu ɀarwakaȿika kuzodzikinura aʋo ʋakaɗarika pasuŋgano yokutaŋga, ʋakaɗanwa ʋagopiwa cipikirwa cenhaka isiŋgaperi. 16Nokuti apo panetestamente, panofanira kuʋa’po ʋo rufu rwaiye wakaiita. 17Nokuti testamente inesimba kana ʋanhu ʋafa; nokuti haitoŋgoʋi nesimba kana wakaiita aciri mupenyu. 18Naiɀoɀo nesuŋgano yokutaŋga haina‐kuʋambga pasineropa. 19Nokuti ɀireʋo ɀose ɀakati ɀataurwa kuʋanhu ʋose naMosesi seɀakareʋa murairo, iye akatora ropa remhuru nerembudzi, pamŋe cete nemvura namakushe matȿuku, nehisopi, akasasa buku imene naʋanhu ʋose, 20aciti: Iri iropa resuŋgano, yamakarairwa naMŋari. 21Ʋuye ɀe, wakasasa saiɀoɀo neropa tabernakeri nemidziyo yose yokushumira nayo. 22Ɀirokwaɀo, tiŋgati pamurairo ɀinhu ɀineŋge ɀose ɀinonatswa neropa; ʋuye kana kusineropa rinoteʋurwa, hakunekaŋganwiro.
23Naiɀoɀo mifananidzo yeɀiri kuɗeŋga yaifanira kuti inatswe neɀiɓayiro iɀi; asi ɀinhu ɀokuɗeŋga ɀimene kuti ɀinatswe neɀiɓayiro ɀinopfuʋura iɀi nokunaka. 24Nokuti Kristu haana‐kupinda panɀimbo tȿene yakaitwa namaʋoko, inofananidza iyo iri caiyo, asi wakapinda kuɗeŋga kumene, kuti ɀino aɀiise pamberi paMŋari nokuɗa kweɗu; 25ʋuye haana‐kupinda kuti aɀiite ciɓayiro kazhinji, somuprista mukuru unopinda panɀimbo tȿene gore rimŋe nerimŋe, akaɓata ropa reɀimŋe ɀinhu; 26nokuti ɗai ɀakaŋga ɀakaɗaro, uŋgaɗai aitambura kazhinji kubva pakuʋambga kwenyika; asi ɀino wakaʋonekwa kamŋe cete pakupedzisira kweŋguʋa, kuti aparadze ɀiʋi, nokuɀiita ciɓayiro kwake. 27Ʋuye ʋanhu ɀaʋakatemerwa kuti ʋafe kamŋe cete, kutoŋgeswa kugoteʋera, 28saiɀoɀo Kristu ʋo, ɀaakaitwa ciɓayiro kamŋe cete, kuti atakure ɀiʋi ɀaʋanhu ʋazhinji, ucazoʋonekwa rwecipiri, asiŋgatakuri ɀiʋi, naiʋo ʋanomutarira kuti aʋaponese.

Currently Selected:

ƲaHeberu 9: SUB1949

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in