Tsee: Kuona upenyu nomuono wokusingaperiChikamu
Simba Rokusingaperi
Kubva kare vanhu vakawanda vakararamira Jesu nomoyo yavo yose, uye ikozvino vava ‘mugore rezvapupu’ rinotaurwa nezvaro munaVaHebheru 12:1-2. Vamwe vacho hatizombofi takavaziva divi rino rokusingaperi.
Kana tikatarisa kumashure, pana VaHebheru 11, tinowana kuti chitsauko chose ndeche magamba okutenda. Vakawanda vavo vakapfuura nemunguva yakaoma, vamwe vakarasikirwa noupenyu hwavo pamusoro pokutenda kwavo. Izvi hazvina kusiyana zvachose nenguva yatiri kurarama. Nhasi uno mune dzimwe nyika, vateveri vaKristu vari kushungurudzwa zvakaipisisa. Kazhinji mutengo wokutevera Jesu hautaurwi nezvawo sezvaunofanira. Zvimwe hauna kumboudzwa kuti kupa upenyu hwako kuna Kristu nokumuraramira zvichange zvakaoma pane dzimwe nguva. Asi ingoziva kuti zvichange zvakakodzera!
Mumufananidzo womukushi munaMateo 13, ivhu rakanaka rinobereka zvibereko zvakawandisa. Muti wakaguta mvura, unobereka zvibereko, mufananidzo wakaisvonaka unotiratidza kuti upenyu hwedu hwemweya hunogona kutaridzika sei. Kubereka zvibereko muhumambo hwaMwari hakuitiki setsaona, asi kuti kunotora kuvimbika nokutsungirira. Chinonakidza pamuchero kuti une mhodzi dzinogona kuenderera mberi dzichibereka imwe michero mumakore anotevera. Uyu mufananidzo wakanaka kwazvo unotiratidza zvinoitika patinoparidzira nhau dzakanaka dzaJesu Kristu kune vamwe vachizogamuchira Ishe Jesu mumoyo mavo.
Mashoko erumwe rumbo rwandinofarira anotipa mhinduro panyaya yokutsvaga kuzadziswa, kukosha uye kubereka zvibereko. Inoti, ‘Tendeutsira meso ako kuna Jesu, tarisa chaizvo pachiso chake chakaisvonaka. Zvinhu zvenyika ino zvinotanga kudzima, pamberi pechiedza chokubvinya nenyasha dzake.’ Patinotarisisa pana Jesu, zvinotitsausa zvinodzima, moyo yedu yozadzwa nomufaro nechinangwa izvo zvinogona kupiwa naMwari oga.
Ngatiitei kuti tsee (mutsetse) yedu iverengeke kukusingaperi
Kudzamisa Pfungwa: Ungakura sei pakubereka zvibereko zvoumambo musvondo rino?
Mambo Jesu, ndapota tibatsirei kudaira kudana kwenyu kuti tirarame nomoyo wose uye tichiita vadzidzi zuva nezuva. Ndinokutendai nemagamba okutenda akawanda vakandisiira muenzaniso wakanakisisa wokuti nditevere. Ndinonamata kuti –(tsee) youpenyu hwangu iverengwe muupenyu husingaperi. Ameni.
Ndinotarisira kuti chirongwa ichi chakukurudzira. Unogona kudzidza zvakawanda maererano neUnseen Pursuit pano.
Zvinechekuita neHurongwa uhu
Nerimwe zuva zvose zvichasara zvoupenyu hwedu uchava mutsetse (tsee) pakati pokuzvarwa kwedu norufu. Tingaunzira Kristu mutsauko wakakura munguva pfupi yatinayo pasi pano sei? Urongwa uhu hunokubatsira kutarisa hupenyu nomuono wokusingaperi, woziva zvibingamupinyi zviripo, uye wodzidza kuvakiridza chikamu chimwe nechimwe choupenyu hwako kuti ugorarama vavariro yako, ugova netariro, nomufaro zuva rimwe nerimwe. Muono unoshandura zvose!
More
Tinoda kutenda Unseen Pursuit nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: http://www.unseenpursuit.life/