Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Tsee: Kuona upenyu nomuono wokusingaperiChikamu

Tsee: Kuona upenyu nomuono wokusingaperi

ZUVA 1 REMAZUVA 5

Muono Unoshandura Zvose!

Imbofunga tambo yakatenderera hurefu hwedenga reimba yako yokutandarira. Ukaisa chidodzi nechinyoreso patambo iyoyo, chidodzi ichocho chinomiririra hupenyu panyika zvichienzaniswa nokusingaperi kwose. Umwe muenzaniso ndowe shanga yejecha ichienzaniswa nemagwenga ose epasi rose, kana kuti donhwe remvura richienzaniswa nemvura yose yomugungwa. Izvi zvinofanira kuputitsa pfungwa dzedu kana kutikatyamadza! Upenyu pasi rino hupfupi huye hunopfuura nokukasira. Bhaibheri rinohufananidza nemhute.

Kuchembera chinhu chinoitika kwatiri tose. Hazvina basa kuti tine makore mangani okuberekwa, kana kuti takagwinya zvakadii, kana kuti takachenjerera zvatinodya zvakadiii-miviri yedu iri kusakara (2 VaKorinde 4:17). Nerimwe zuva, kuchava nemutsetse pakati pezuva redu rokuzvarwa nezuva redu rokufa, uye sokubwaira kweziso, tose tichafamba nomusuwo tichipinda muupenyu hunotevera.

Kusingaperi hakuperi! Uye kune wose anotevera Kristu, kwakanaka zvachose. Zvakazarurwa 21:1-5 inotipa kakunzwisisa kekuti kudenga kuchange kwakaita sei. Kune zvakawanda zvokutarisira! Kushamiswa nezvakatimirira ndiko kunotibatsira kufamba nomumatambudziko, nemiedzo yatinotarisana nayo muupenyu huno, tichiziva kuti haizosanganwi nayo kudenga.

MuApositora Pauro akapinda mungwavaira (Verenga 2 VaKorinde 11:23-27), asi muna 2 VaKorinde 4:17, anotaura pamusoro pematambudziko iwawo achiti akapfava uye ndeechinguvana. Chikonzero chimwe chete chinoita kuti Pauro ave noumuono wakadai ndechokuti, aiona ngwavaira idzi achidzienzanisa nokusingaperi uye nomubairo waiva mberi. Kwete izvozvo chete, asi ukama hwedu naMwari hunogona kukura apo mweya yedu ichivandudzwa zuva nezuva.

Nzvimbo yokufungisisa: Kana pane mutsara umwe chete wepfupiso youpenyu hwako youngada kuti inyorwe padombo repaguva rako, ingati chii?

Ishe Jesu, ndapota ndibatsirei nditarise maziso angu pamuri zuva rimwe nerimwe uye ndive nomuono wekusingasingaperi. Ndiko kutarisa kwehungwaru uye kwakakosha kwandingagona kuva nako. Ameni.

Zuva 2

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Tsee: Kuona upenyu nomuono wokusingaperi

Nerimwe zuva zvose zvichasara zvoupenyu hwedu uchava mutsetse (tsee) pakati pokuzvarwa kwedu norufu. Tingaunzira Kristu mutsauko wakakura munguva pfupi yatinayo pasi pano sei? Urongwa uhu hunokubatsira kutarisa hupenyu nomuono wokusingaperi, woziva zvibingamupinyi zviripo, uye wodzidza kuvakiridza chikamu chimwe nechimwe choupenyu hwako kuti ugorarama vavariro yako, ugova netariro, nomufaro zuva rimwe nerimwe. Muono unoshandura zvose!

More

Tinoda kutenda Unseen Pursuit nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: http://www.unseenpursuit.life/