Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Tsee: Kuona upenyu nomuono wokusingaperiChikamu

Tsee: Kuona upenyu nomuono wokusingaperi

ZUVA 2 REMAZUVA 5

Kupikisana nezvakajairika

Muna Mateo 4:18-22 Jesu vanotaura nevaredzi vehove achivakumbira kuti vabatane naye pabasa rokuredza vanhu. Pakarepo vanodonhedza mambure avo pasi vomutevera nokuti moyo yavo yakanga yagamuchira zvaakanga akumbira kuti vaite. Jesu vanotaura nesu nhasi, sematauriro avakaita navo, norudo, nechiremera uye nehurudziro.

Mwari vari kutidanira kupinda muupenyu hwechinangwa nesimba rokusingaperi. Kupa upenyu hwedu kuna Kristu kunotema kwatichazogara nekusingaperi. Izvozvo zvoga zvinoshamisa! Asi nyaya yacho haipereri ipapo. Muupenyu hwedu, sevateveri vaKristu, kuramba takatarisa pana Kristu kunotema magariro edu mukusingaperi. Kune mubairo wokusingaperi wakachengetwa naIshe unoenderana nemararamire edu pasi pano.

Hakuna zvinonzi upenyu hwechiKristu hwakachengeteka, kana kuti ndohwemutambarakede. Kuraramira Ishe nemuono wekusingaperi inzira nhete kwete nzira iri nyore (Mateo 7:13-14). Zvinosanganisira kutora muchinjikwa wedu uye kutevera Jesu zvisinei nemubhadharo. Zvinoshamisa ndezvokuti, pakukanda mapfumo pasi uye ‘kurara pasi’ ndipo patinosangana nehupenyu huzere (Johani 10:10).

Kuchagara kuine muedzo unoda kutituma kusundira izwi Rake parutivi kuti tisarudze nzira iri nyore. Asi yava nguva yekuti hongu kuhupenyu hwemashura aMwari chaiwo uye kupinda nokunzwisisa mufaro wekuraramira Kristu nomoyo wose.

Hedzino nzira shoma dzingabatsira kuti tigamuchire kudana kwaMwari pahupenyu hwedu:

  • Terera inzwi Rake zuva nezuva.
  • Rangarira kuti rwendo rwechiKristu kumhanya zvishoma nezvishoma kwemutunhu murefu kwete kumhinyisa pamutunhu mupfupi.
  • Tsika dzaMwari pazuva ranhasi, dzinounza shanduko huru mune ramangwana.
  • Mwari vanokuratidza danho rinotevera kwete manera ose (Mapisarema 119:105).
  • Mwari anovimbisa kuti achange anesu nguva dzose (Mateo 28:20).

Nzvimbo yokufungisisa: Inzvimbo ipi yehupenyu hwako, iyo Mwari yaari kuda kuti utore danho rokutenda nokuvimba?

Baba Vekudenga Vanodikanwa, hazvisi nyore kuteerera izwi renyu nokukuteverai nguva dzose. Ndinokutendai kuti munogara muineni. Nhasi, uye zuva rega rega, ndinoda kusarudza nzira yakamanikana. Ameni.

Zuva 1Zuva 3

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Tsee: Kuona upenyu nomuono wokusingaperi

Nerimwe zuva zvose zvichasara zvoupenyu hwedu uchava mutsetse (tsee) pakati pokuzvarwa kwedu norufu. Tingaunzira Kristu mutsauko wakakura munguva pfupi yatinayo pasi pano sei? Urongwa uhu hunokubatsira kutarisa hupenyu nomuono wokusingaperi, woziva zvibingamupinyi zviripo, uye wodzidza kuvakiridza chikamu chimwe nechimwe choupenyu hwako kuti ugorarama vavariro yako, ugova netariro, nomufaro zuva rimwe nerimwe. Muono unoshandura zvose!

More

Tinoda kutenda Unseen Pursuit nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: http://www.unseenpursuit.life/