Munamato waTenziChikamu
Kuregererwa/Kudzikinurwa
Zvinotakutarisa mamwe mashoko akarehwa naJesu paaidzidzisa vadzidzi kunamata. Mushure mekutaura zvatinoshuvira pazuva, Jesu anoti udza kuti titi; ‘tiregererei kutadza kwedu sekuregerera kwatinoita vanotitadzira’ Aya ndomashoko anotiremerei kuteedzera. Asi tinoziva kuti Zvakakosha kuti tiregererwe nekuregerera kuti minamato yedu inzwikwe nekupindurwa. Tinofanira kuregerera avo vanotitadzira. Patinonamata Mwari vanofanira kunyevenutsa moyo yedu kuti tiregerere vamwe. Tikakwanisa izvi tinova nerimwe naMwari. Tinofanira kutsiva kukakavara nemoyo wekuregerera.
Mashoko anotevera anoti; ‘ musatirege tichipinda mumiyedzo’ uyu munamato unoita kuti tibvume pamberi paMwari kuti hatina kukwana uye tinogona kusangana nenjodzi. Zvotiita kuti titsvake kwaari simba rekukunda miyedzo. Kukumbira kunotiita kuti Mwari atitungamire torega kusangana nemiyedzo ingazotikunda nokuti tinenge tiritega. Mwari hapana paanotungamira munhu kuti atadze. Ukaona uchitadza ndiwe wega unenge waita sarudzo iyoyo. Mwari vakatipa mukana wekuita sarudzo. Asi Mwari anotipa nzira yekukunda nayo kana tikasangana nemiyedzo. Nyaya yemiyedzo inotiita kuti tirambe tichitsvaka kupindira kwaMwari kuti tikunde. Mashoko anoteverera anoti; ‘Asi tidzikinurei kubva kunezvakaipa’ uyu munamato unechekuita panguva yatiri kurarama uye muneramangwana. Munguva yatirikurarama tinounamata zvichida tatowira mumiyedzo kana zvakaipa, totsvaka rudzikinuro rwake. Mwari anotambanudza ruoko rwake kuti atidzikinure. Ramangwana pakuti Mwari atitungaire kunezvatisiri kuona nekuti hatirwi nenyama neropa asi nevabati vanesimba muchadenga. Tikasavhumbamirwa naMwari tinowirwa nezvakaipa. Tinotenda Mwari anotipa kukunda!!
Mashoko anotaurwa naJesu ekupedzisira pamunamato waTenzi ndeekuti ‘nekuti humambo ndehwenyu, masimba ndeenyu, kubwinya ndekwenyu dzamara nekusingaperi, Amen’ tinopedza munamato nerumbidzo tichitaura Mwari zvaari ndiMwari vanesimba nehumambo husingaperi. Nguva dzose tinofanira kuva neruzivo rwekuti Mwari mukuru toraramira kumupa mbiri zuva nezuva. Kumurumbidza ngakuvepo nguva dzose nekuti munamato uyu watiratidza kuti tinotanga nekurumbidza topedza nekurumbidza.
Zvinechekuita neHurongwa uhu
Kunamato chinhu chinoteedzerwa zvakanyanya kwete muchikristu chete asiwo muzvitendero zvakawanda. Chidzidzo chekunamata chadzidziswa nenzira dzakawanda dzakafana nekuti tinonamata sei uye kuti munamato chimbori chii. Chidzidzo chino chichaongorora nyaya yekunamata kubva pamadzidzisiro akaita Jesu kuvadzidzi vake panechikamu chakunzi munamato waKristu tenzi wedu.
More
Tinoda kutenda Operation Mobilisation nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.linkedin.com/in/tinashe-mafuta-44996819a/?originalSubdomain=zw