Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Munamato waTenziChikamu

Munamato waTenzi

ZUVA 2 REMAZUVA 3

Kutarisira kunaMwari

Nezuro takatanga kutarisa pamucherechedzo wekudzidza kubva pakuremekedza, nhasi takutarisa nyaya yekutarira kuna Mwari kuti ndiye rubatsir rwedu. Mashoko anotaurwa naJesu anotevera anoti ‘Kudakwenyu ngakuitwe panyika sekudenga’ Apa tinenge tichizvininipisa totendera kuda kwaMwari kuti kuitike. Mumunamato tinenge tichitanga nzira iyo yatinofanira kuteedza zvinodiwa naMwari. Tinofanira kuzvininipisa nekuzvipira pamberi paMwari. Tinoziva tose kuti Mwari anotonga netsitsi nekururama. Kuda kwake ndekwekuti timunamate nekuda vamwe. Jesu anoti idai Mwari nemoyo wese, nemvungwa nemweya uye tide vavakidzani vedu sekuzvida kwatinoita. Naizvozvo tinoshuwira kuteedza kuda kwaMwari tichirarama upenyu hunomufadza.

Mashoko anotevera ndeekuti; ‘tipeiwo kudya kwezuva kwakatiringana’. Chingwa chedu chezuva zvinoreva zvinhu zvatinoda kurarama zuva nezuva pamweya nepanyama. Tikanamata nenzira iyi tirikuratidza kuti Mwari ndiye watinovimba naye kutipa zvinotaira zuva nezuva. Tinomukumbira zvatinoda zuva nezuva nekuti akativimbisa kuti hatifaniri kufunganya pamusoro pezvazvo. Tokumbira kugutswa pamweya kuti tikwanise kuenda munyika tiine simba rekushumira vhangeri rehumambo hwake kuburikidza nemashoko nezviito. Kuvandudzwa uku kunobva kunaJesu uye anova Chingwa CheUpenyu. Panitonamata nhasi tinamate tichikumbira kuti humambo hwake huuye panyika uye atipewo zvatinoda pamweya nepanyama.

Zuva 1Zuva 3

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Munamato waTenzi

Kunamato chinhu chinoteedzerwa zvakanyanya kwete muchikristu chete asiwo muzvitendero zvakawanda. Chidzidzo chekunamata chadzidziswa nenzira dzakawanda dzakafana nekuti tinonamata sei uye kuti munamato chimbori chii. Chidzidzo chino chichaongorora nyaya yekunamata kubva pamadzidzisiro akaita Jesu kuvadzidzi vake panechikamu chakunzi munamato waKristu tenzi wedu.

More

Tinoda kutenda Operation Mobilisation nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.linkedin.com/in/tinashe-mafuta-44996819a/?originalSubdomain=zw