Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Munamato waTenziChikamu

Munamato waTenzi

ZUVA 1 REMAZUVA 3

Kuremekedza

Rimwe remazuva Jesu achipedza kunamato umwe wevadzidzi akakumbira tenzi kuti avadzidzise kunamata sezvaiita Johani nevadzidzi vake. Zvinotiratidza kuti vadzidzi vaiyemura manamatiro aiita Jesu uye vadzidzi vaJohani. Zvino kana munamato uchidzidziswa zvinorevawo kuti chiitiko chinogona kudzidzwawo. Jesu semuyenzaniso wemudzidzisi akanaka akadaira kuchikumbiro ichi nemashoko atakuziva nhasi kuti ‘munamato waTenzi’. Chikamu chipfupi asi chinotidzidzisa kamunamatiro katingaite zuva nezuva mukurarama semaKristu.

Zvakadzidziswa naJesu zvinotanga nemashoko ekuti ‘Baba vedu varikudenga’. Mashoko aya, anotibatsira kunzwisisa kuti Mwari ndibaba vedu vanogara matiri uye vanobata hushe hwavo kumatenga. Patonamata tinotaura navo tichiziva kuti ndibaba vedu hatisi vatorwa kwavari. Mashoko anotevera ndeekuti ‘Zita renyu ngarikudzwe’ Zita raMwari ritsvene zvoreva kuti tinofanira kumuremekedza nekumukudza saMwari wamasimba ose uye ari pamusoro pazvose. Kubata zita rake nohutsvene zvinoreva kuti Zita rake nehunhu hwake Mwari haunyadzise. Patinotaura mashoko aya tinenge tichitaura kuti Mwari mutsvene nesuwo tinovimbisa kuvavatsvene panezvose zvatinoita. Tinopinda mumavazhe aMwari nekumovonga.

Mashoko anotevera, Jesu anoti muti; ‘humambo hwenyu ngauuye’. Pakutaura mashoko aya tinenge tichitaura chishuwo chedu chekuona kutonga kwaMwari panyika. Kunamata kunoshuvira kuti kutonga kwaMwari kunoruramisira kunounza rugare nerudo kuonekwe pasi rose. Tikanamata tichireva mashoko aya, tinenge tichizvipa kunaMwari kuti atonge hupenyu wenyu nekurarama kwedu zuva nezuva. NdiMwari Ari pamusoro pazvose uye kuda kwake ndokunoitika. Tinotsvaka kuti humambo hwaMwari huoneke muupenyu hwedu nhasi zvichiratidzwa matiri mukutenda, nekuva netariro uye rudo. Uye tinoziva kuti humambo hwake hunoziikanwa nekururama, rugare, nemufaro munaMweya Mutsvene. Saka patonamata ngatichetechedzei kuti ndibaba vatsvene uye kuda kwavo ndokunoitwa.

Zuva 2

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Munamato waTenzi

Kunamato chinhu chinoteedzerwa zvakanyanya kwete muchikristu chete asiwo muzvitendero zvakawanda. Chidzidzo chekunamata chadzidziswa nenzira dzakawanda dzakafana nekuti tinonamata sei uye kuti munamato chimbori chii. Chidzidzo chino chichaongorora nyaya yekunamata kubva pamadzidzisiro akaita Jesu kuvadzidzi vake panechikamu chakunzi munamato waKristu tenzi wedu.

More

Tinoda kutenda Operation Mobilisation nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.linkedin.com/in/tinashe-mafuta-44996819a/?originalSubdomain=zw