Kumira naMwari munguva yekuyedzwa nematambudzikoChikamu
Kumira takasimba pakutenda
Kumira panaMwari munguva yekuedzwa zvinoda kuvanerutendo rwusingazunguzike. Hazvingosanganisira kunzvenga chivi chete asiwo kurarama muhutsvene Kunyangwe munguva yekuedzwa. Sevatendi tinosangana nezvinogumbusa nekuti kanganisa zvakawanda asi simba redu riri mukuziva kuti Kristu akakunda kare. Kuburikidza naye tinokura, kutsungirira, nekupfurira mberi murutendo. Mwari anoramba ainesu pachimwe nechimwe chatinoita.
Bhuku ravaEfeso rinotiudza kuti tipfeke nhumbi dzokurwa nadzo; dzinova kutenda, kururama, neshoko raMwari. Zvombo izvi zvinoti batsira kuti tikwanise kumira takasimba pamanomano emuvengi. Kana kutenda kwedu kuri muzvivimbiso zvaMwari hakuna miyedzo kana madambudziko angatikunda.
Panguva yekuedzwa, uchenjeri nezivo yepamusoro haingagone kukunda miyedzo. Shoko raMwari bedzi ndorinotikundisa. Naizvozvo tinofanira kuvimba naMwari nemoyo wose, torega kuzendama panjere dzedu. Tova vanhu vanonamata nekuteerera kutaura kwaMweya Mutsvene Nokuti anotipa kukunda patinopindana nemafungu ehupenyu. .
Rungano rwaJobo runotipa muenzaniso wekumira nesimba pakutenda kwedu. Nguva zhinji, hama, shamwari nevanhu vatinofunga kuti vanogona kumira nesu votisimbisa vose vanogona kutiza panguva yematambudziko. Kunyangwe vafudzi nevatonamata navo vanogona kutitiza. Vamwe vanotokwanisa kuwedzera padambudziko vakutoti zvichida murango waMwari pauri. Asi saJobo, tinofanira kuramba takamira pakuvimba naMwari pane zvaakavimbisa kwatiri sevana vake.
Zvinechekuita neHurongwa uhu
Ko muKristu angakunda sei apindana nematambudziko nekuyedzwa. Chidzidzo chino chinoongorora huvapo hwaMwari, zvinodikanwa kuti muKristu ave nekukunda miyedzo nematambudziko kutenda nekuvimba mushoko raMwari.
More
Tinoda kutenda Operation Mobilisation nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.linkedin.com/in/tinashe-mafuta-44996819a/?originalSubdomain=zw