Kumira naMwari munguva yekuyedzwa nematambudzikoChikamu
Kukunda miedzo tichibatsirwa naMwari
Miedzo chinhu chagara chichiitika asi handizvo zvinofanira kutsanangudza zvatiri. Tinosangana nemikana yekuita sarudzo dzinotiende pedyo naMwari kana kure naye. Asi Bhaibheri rinotivimbisa kuti Mwari akatendeka haazotindera kuti tiwingwe nemiyedzo yatisingagoni kukunda. Sezvakanyorwa zvichinzi, ‘hakuna muedzo ungakuwinga kunze kweinongouya kunavose. Mwari akatendeka haangatendera kuti ugoedzwa kupfuura chiero chaunogona kukunda. Paunoedzwa Mwari anogadzira nzira yekutiza nayo.
Simba redu patinosangana nemiyedzo rinobva panyasha dzaMwari. Jesu ari panyika akasangana nemiyedzo ari murenje. Akakunda miyedzo yose nekuti akamira nezvokwadi yeshoko raMwari. Izvi zvinotidzidzisa kuti kuziva shoko nekumhanyira kunaMwari munguva yehutera zvakanyanyokosha.
Shoko raMwari ichombo chekurwa nacho chinesimba chinotipa kunyaradzwa nerusimbiso. Tinofanira kuramba takamira pakururama munguva yekuedzwa nekuti tikasadaro tinovhura suwo kunemuvengi. Ngatirambei tiine ukama wakanaka nevamwe vatendi torega hushamwari nevasakarurama. Vakarurama vanotipa hurudziro nerusimbiso.
Vatendi munaZvakazarurwa vakakunda neropa regwayana uye neshoko rekupupura kwavo, vakazvipira kunyange pakusvika pakufa. Mwana waMwari wese akapiwa zvose zvaangada kuti akunde miyedzo nematambudziko, nekuti ari matiri mukuru kudarika arimunyika. Chatinongofanira kuita kuvimba naMwari anotipa kukunda nguva dzose.
Zvinechekuita neHurongwa uhu
Ko muKristu angakunda sei apindana nematambudziko nekuyedzwa. Chidzidzo chino chinoongorora huvapo hwaMwari, zvinodikanwa kuti muKristu ave nekukunda miyedzo nematambudziko kutenda nekuvimba mushoko raMwari.
More
Tinoda kutenda Operation Mobilisation nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://www.linkedin.com/in/tinashe-mafuta-44996819a/?originalSubdomain=zw